Ruka 8:1-56
8 Nokukurumidza pashure pacho akaenda muguta neguta uye mumusha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.+ Vane gumi nevaviri vakanga vainaye,
2 uye vamwe vakadzi+ vakanga vaporeswa pamidzimu yakaipa uye pazvirwere vaiti, Mariya ainzi Magadharini, akanga abuda madhimoni manomwe,+
3 naJoana+ mudzimai waKuza, mutariri weimba yaHerodhi, naSuzana nevamwe vakadzi vazhinji vakanga vachivashumira nezvinhu zvavo.
4 Zvino boka guru revanhu parakanga raungana nevaya vakaenda kwaari muguta neguta, akataura achishandisa mufananidzo, achiti:+
5 “Mudyari akaenda kunodyara mbeu yake. Naizvozvo, paaidyara, imwe yakawira parutivi pomugwagwa, ikatsikwa-tsikwa, uye shiri dzokudenga dzakaidya yose.+
6 Imwe yakawira padombo guru, uye, pashure pokunge yamera, yakaoma nokuti yakashayiwa unyoro.+
7 Imwe yakawira pakati peminzwa, uye minzwa yayakakura pamwe chete nayo yakaivhunga.+
8 Imwe yakawira paivhu rakanaka, uye pashure pokumera, yakabereka zvibereko zvine zana.”+ Paaitaura zvinhu izvi, akabva ashevedzera achiti: “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”+
9 Asi vadzidzi vake vakatanga kumubvunza kuti mufananidzo uyu ungarevei.+
10 Iye akati: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene zvoumambo hwaMwari, asi vamwe vose vanozvipiwa nemifananidzo,+ kuti, kunyange vachitarira, vatarire pasina uye, kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.+
11 Zvino mufananidzo+ wacho unoreva izvi: Mbeu ishoko raMwari.+
12 Iya iri parutivi pomugwagwa ndivo vaya vanenge vanzwa,+ Dhiyabhorosi+ anobva auya, obvisa shoko mumwoyo mavo kuti varege kutenda, voponeswa.+
13 Iya iri padombo guru ndivo vaya vanoti, pavanorinzwa, vanogamuchira shoko nomufaro, asi iyi haina midzi; vanotenda kwomwaka mumwe chete, asi mumwaka wokuedzwa vanorega.+
14 Kana iri iya yakawira pakati peminzwa, iyi ndivo vaya vakanzwa, asi, nokuda kwokutsauswa nokuzvidya mwoyo uye pfuma nemafaro+ zvoupenyu huno, vanovhungwa zvachose, vokundikana kuva nechimwe chinhu chakakwana.+
15 Kana iri iya yepaivhu rakanaka, iyi ndivo vaya vanoti, pashure pokunzwa shoko nomwoyo+ wakarurama uye wakanaka, vanorichengeta, vobereka zvibereko nokutsungirira.+
16 “Hapana munhu anoti, kana abatidza rambi, orifukidza nomudziyo kana kuti oriisa pasi pomubhedha, asi anoriisa pachigadziko cherambi, kuti vaya vanopinda vaone chiedza.+
17 Nokuti hapana chakavanzika+ chisingazoiswi pachena, kana chimwe chinhu chakanyatsovanzika chisingazombozivikanwi uye chisingazombobudi pachena.+
18 Naizvozvo, chenjererai kuteerera kwamunoita; nokuti munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe,+ asi munhu wose asina, achatorerwa kunyange zvaanofunga kuti anazvo.”+
19 Zvino amai vake nevanun’una vake+ vakauya kwaari, asi havana kukwanisa kusvika paaiva nokuda kweboka revanhu.+
20 Zvisinei, akaudzwa kuti: “Amai vako nevanun’una vako vamire panze, vanoda kukuona.”+
21 Achipindura, iye akati kwavari: “Amai vangu nevanun’una vangu ndivo ava vanonzwa shoko raMwari voriita.”+
22 Pane rimwe remazuva iwayo iye nevadzidzi vake vakapinda muchikepe, akati kwavari: “Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa.” Naizvozvo vakatanga kufamba nechikepe.+
23 Asi zvavaifamba nechikepe iye akabatwa nehope. Zvino dutu rine simba kwazvo rakaburukira pagungwa, vakatanga kuzarirwa nemvura uye kuva pangozi.+
24 Pakupedzisira vakaenda kwaari, vakamumutsa, vachiti: “Murayiridzi, Murayiridzi, tava kuda kuparara!”+ Achimuka, akatuka+ mhepo yacho nokuvinduka kwacho kwemvura, izvo zvikanyarara, kudzikama kukavapo.
25 Akabva ati kwavari: “Kutenda kwenyu kuripi?” Asi ivo vabatwa nokutya, vakashamisika, vachitaurirana vachiti: “Iyeyu anombova ani, nokuti anorayira kunyange mhepo nemvura, uye izvo zvinomuteerera?”+
26 Zvino vakasvika kumhenderekedzo munyika yevaGerasa, iri kurutivi rwakatarisana neGarireya.+
27 Asi zvaakabuda panyika yakaoma mumwe murume womuguta racho akanga aine madhimoni akasangana naye. Kwenguva refu, akanga asina kumbopfeka nguo, uye akanga asingagari pamba, asi kumakuva.+
28 Paakangoona Jesu akashevedzera kwazvo, akawira pasi pamberi pake, uye akati nenzwi guru: “Ndinei nemi,+ Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirai, kuti musandirwadzisa.”+
29 (Nokuti akanga ave achirayira mudzimu wacho usina kuchena kuti ubude mumurume wacho. Nokuti wakanga wamubata kwazvo kwenguva refu,+ uye aisungwa kazhinji necheni nezvisungo zvomumakumbo achichengetedzwa, asi aidambura zvisungo zvacho obva aendeswa nedhimoni racho kunzvimbo dzisina vanhu.)
30 Jesu akamubvunza kuti: “Unonzi ani?” Iye akati: “Rigiyoni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari.+
31 Iwo akaramba achimuteterera+ kuti asaarayire kuenda mugomba rakadzikadzika.+
32 Zvino boka renguruve+ zhinji kwazvo rakanga richidya mugomo imomo; naizvozvo akamuteterera kuti aabvumire kupinda madziri.+ Iye akaabvumidza.
33 Madhimoni acho akabva abuda mumurume wacho, akapinda munguruve, boka racho rikamhanya nepamawere rikapinda mugungwa, rikanyura.+
34 Asi vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, vakatiza, vakanozvitaura muguta nomuruwa rwacho.+
35 Vanhu vakabva vabuda kuti vanoona zvakanga zvaitika, vakauya kuna Jesu, vakawana murume akanga abuda madhimoni acho, akapfeka, ava munhu kwaye, agere patsoka dzaJesu; uye vakatya.+
36 Vaya vakanga vazviona vakavaudza kuporeswa kwakanga kwaitwa munhu akanga aine dhimoni.+
37 Naizvozvo vazhinji vose vomunyika yakapoteredza yevaGerasa vakamukumbira kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru.+ Akabva akwira muchikepe, akaenda.
38 Zvisinei, murume akabuda madhimoni akaramba achimukumbira kuti arambe ainaye; asi iye akaendesa murume wacho, achiti:+
39 “Chidzokera kumba, urambe uchirondedzera zvinhu zvawaitirwa naMwari.”+ Naizvozvo akaenda, achizivisa muguta rose zvinhu zvaakaitirwa naJesu.+
40 Jesu paakadzoka, boka revanhu rakamugamuchira nomutsa, nokuti vose vakanga vachimutarisira.+
41 Asi, tarira! murume ainzi Jairosi akasvika, murume uyu akanga ari mukuru aitungamirira wesinagogi. Zvino akawira patsoka dzaJesu, akatanga kumuteterera kuti apinde mumba make,+
42 nokuti aiva nomwanasikana akaberekwa ari mumwe oga akanga aine makore anenge gumi nemaviri uye akanga ava kuda kufa.+
Zvaaienda, mapoka evanhu akamuunganira.+
43 Zvino mumwe mukadzi, aibuda ropa+ kwemakore gumi nemaviri, akanga asina kukwanisa kurapwa chero nomunhu upi zvake,+
44 akasvika necheshure, akabata masa+ yenguo yake yokunze,+ kubuda ropa kwake kukabva kwamira.+
45 Naizvozvo Jesu akati: “Ndiani andibata?”+ Vose pavakanga vachiramba, Petro akati: “Murayiridzi, mapoka evanhu ari kukuunganirai achikumomoterai.”+
46 Asi Jesu akati: “Mumwe munhu andibata, nokuti ndanzwa kuti simba+ rabuda mandiri.”+
47 Achiona kuti akanga azivikanwa, mukadzi wacho akauya achidedera, akawira pasi pamberi pake, akadura pamberi pevanhu vose kuti akanga amubatirei uye kuti akabva aporeswa sei.+
48 Asi iye akati kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa;+ enda zvako norugare.”+
49 Achiri kutaura, mumwe mumiririri womukuru aitungamirira sinagogi akasvika, achiti: “Mwanasikana wenyu afa; chiregai henyu kunetsa mudzidzisi.”+
50 Jesu achinzwa izvi, akamupindura kuti: “Usatya, ingotenda chete,+ uye achaponeswa.”
51 Paakasvika pamba pacho haana kubvumira chero munhu upi zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro naJohani naJakobho nababa naamai vomusikana wacho.+
52 Asi vanhu vose vakanga vachisvimha misodzi vachizvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake. Naizvozvo akati: “Regai kusvimha misodzi,+ nokuti haana kufa asi akarara.”+
53 Ivo vakatanga kumuseka vachimuzvidza, nokuti vaiziva kuti akanga afa.+
54 Asi iye akamubata ruoko akashevedzera, achiti: “Musikana, muka!”+
55 Simba rake roupenyu+ rakadzoka, akabva asimuka,+ uye akarayira kuti apiwe chimwe chinhu chokudya.+
56 Naizvozvo, vabereki vake vakanga vasingachabatiki nokufara; asi akavarayira kuti vasaudza chero munhu upi zvake zvakanga zvaitika.+