Rute 4:1-22
4 Zvino Bhoazi akaenda kugedhi,+ akagara ikoko. Uye tarira! mudzikinuri wacho akanga achipfuura nepo, uya akanga ataurwa naBhoazi.+ Akabva ati: “Nhingi, tsaukira kuno, ugare pasi apa.” Nokudaro akatsauka akagara pasi.
2 Pashure paizvozvo akatora varume gumi pavarume vakuru+ veguta akati: “Garai pasi apa.” Naizvozvo vakagara pasi.
3 Zvino akati kumudzikinuri+ wacho: “Naomi, akadzoka achibva kunyika yeMoabhi,+ anofanira kutengesa chikamu chomunda waiva wehama yedu Erimereki.+
4 Ini ndafunga kuti ndikuzivise izvi, ndichiti, ‘Utenge+ pamberi pevagari vomuno nevarume vakuru vevanhu vokwangu.+ Kana uchizoudzikinura, udzikinure; asi kana usingazoudzikinuri, ndiudze, kuti ndizive, nokuti hakuna mumwezve kunze kwako angaudzikinura,+ uye ini ndinotevera iwe.’” Iye akati: “Ndini ndichaudzikinura.”+
5 Bhoazi akabva ati: “Pazuva rauchatenga munda wacho paruoko rwaNaomi, unofanira kuutengawo kuna Rute mukadzi muMoabhi, mudzimai womurume akafa, kuti umutse zita romurume akafa panhaka yake.”+
6 Mudzikinuri wacho akati: “Handikwanisi kuudzikinura, nokuti ndingaparadza nhaka yangu. Udzikinure hako iwe nekodzero yangu yokudzikinura, nokuti ini handikwanisi kudzikinura.”
7 Zvino iyi ndiyo yaiva tsika yenguva yekare pakati paIsraeri pamusoro pekodzero yokudzikinura uye pamusoro pokutsinhana, kuti vasimbise zvinhu zvemarudzi ose: Munhu aifanira kubvisa hwashu+ yake oipa mumwe wake, uye ichi ndicho chaiva chipupuriro pakati paIsraeri.
8 Naizvozvo mudzikinuri wacho paakati kuna Bhoazi: “Utenge,” akabvisa hwashu+ yake.
9 Bhoazi akabva ati kuvarume vakuru nevanhu vose: “Muri zvapupu+ nhasi kuti ndiri kutenga zvose zvaiva zvaErimereki nezvose zvaiva zvaKiriyoni naMaroni paruoko rwaNaomi.
10 Ndinotengawo Rute mukadzi muMoabhi, mudzimai waMaroni, kuti ave mudzimai wangu kuti ndimutse zita romurume akafa+ panhaka yake uye kuti zita romurume akafa rirege kuparara pakati pehama dzake nepagedhi renzvimbo yake. Muri zvapupu+ nhasi.”
11 Vanhu vose vakanga vari pagedhi nevarume vakuru vakati: “Tiri zvapupu! Jehovha ngaaite kuti mudzimai ari kuuya mumba mako ave saRakeri+ uye saReya,+ avo vakavaka imba yaIsraeri vari vaviri;+ ratidza kukosha kwako muEfrata+ uye uve nezita rakakurumbira muBhetrehema.+
12 Imba yako ngaive seimba yaPerezi, akaberekerwa Judha naTamari,+ kubva pavana vauchapiwa naJehovha pamukadzi wechiduku uyu.”+
13 Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mudzimai wake, akarara naye. Nokudaro Jehovha akaita kuti abate pamuviri+ akabereka mwanakomana.
14 Zvino vakadzi vakatanga kuti+ kuna Naomi: “Jehovha ngaarumbidzwe,+ asina kuita kuti ushaye mudzikinuri nhasi; kuti zita rake riziviswe pakati paIsraeri.
15 Ava mumutsidziri womweya wako nomunhu anotarisira kuchembera kwako,+ nokuti muroora wako uyo anokuda,+ ari nani kwauri kupfuura vanakomana vanomwe,+ amubereka.”
16 Naomi akatora mwana wacho akamuisa pachipfuva chake, akava mureri wake.
17 Vakadzi vakanga vakavakidzana+ naye vakabva vamupa zita, vachiti: “Naomi aberekerwa mwanakomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi.+ Ndiye baba vaJese,+ baba vaDhavhidhi.
18 Zvino izvi ndizvo zvizvarwa zvaPerezi:+ Perezi akabereka Hezroni;+
19 Hezroni akabereka Ramu; Ramu+ akabereka Aminadhabhi;
20 Aminadhabhi+ akabereka Nashoni; Nashoni+ akabereka Sarimoni;
21 Sarimoni+ akabereka Bhoazi; Bhoazi+ akabereka Obhedhi;
22 Obhedhi akabereka Jese;+ Jese akabereka Dhavhidhi.+