Rwiyo rwaSoromoni 6:1-13
6 “Mudiwa wako aenda kupi, haiwa iwe akanaka kwazvo pakati pevamwe vakadzi vose?+ Mudiwa wako aenda kupi, kuti timutsvake pamwe chete newe?”
2 “Mudiwa wangu aenda kumunda wake,+ kumihomba yomunda wemiti inonhuhwirira,+ kuti anofudzira+ pakati peminda, uye kuti anotanha maruva.
3 Ini ndiri womudiwa wangu, uye mudiwa wangu ndewangu.+ Ari kufudzira+ pakati pemaruva.”
4 “Wakanaka, haiwa iwe musikana wangu,+ seGuta Rinofadza,+ wakanaka seJerusarema,+ unotyisa semauto+ akaunganira mireza.+
5 Rega kunditarira nemaziso ako,+ nokuti andityisa. Bvudzi rako rakaita seboka rembudzi dzakwakuka dzichidzika kubva kuGiriyedhi.+
6 Mazino ako akaita seboka renhunzvi dzemakwai dzabva kunogezwa, dzose zvadzo dzinobereka vana vaviri vaviri, hapana imwe yadzo yakarasikirwa nevana vayo.+
7 Zvavovo zvako zviri seri kwechifukidziro chako zvakaita sedivi repomegraneti rakatsemurwa.+
8 Pangava navanamambokadzi makumi matanhatu nevarongo makumi masere uye vasikana vasingaverengeki.+
9 Njiva yangu,+ iye wangu asina chaanopomerwa,+ ndiye mumwe oga. Ndiye mumwe oga waamai vake. Ndiye akachena wouyo akamubereka. Vanasikana vakamuona, vakamuti anofara; vanamambokadzi nevarongo vakamuona, vakamurumbidza,+
10 ‘Ndiani mukadzi uyu+ anotarira pasi sezvinoita mambakwedza,+ akanaka sejenaguru,+ akachena sezuva rinopenya,+ anotyisa semauto akaunganira mireza?’”+
11 “Ndakanga ndaenda kumunda+ weminzungu, kuti ndinoona nhungirwa mumupata une rukova,+ kuti ndinoona kana muzambiringa wakanga watunga, kana miti yemipomegraneti yakanga yatumbuka.+
12 Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakanga wandiisa mungoro dzevanhu vangu vane chido chokubatsira.”
13 “Dzoka, dzoka, haiwa iwe muShuramiti! Dzoka, dzoka, kuti tikuone!”+
“Imi vanhu munooneiko pamuShuramiti?”+
“Chinhu chakaita sokutamba kwemapoka maviri!”