Tito 3:1-15
3 Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi+ uye kuti vateerere hurumende nevanhu vane masimba sevatongi,+ kuti vave vakagadzirira kuita mabasa ose akanaka,+
2 kuti varege kutaura zvinokuvadza pamusoro pomunhu chero upi zvake, kuti varege kurwa,+ kuti vave vanonzwisisa,+ vachiratidza unyoro kuvanhu vose zvizere.+
3 Nokuti kunyange isu taimbova mapenzi, tisingateereri, tichitsauswa, tiri varanda vokuchiva kwakasiyana-siyana nemafaro, tichirambira pane zvakaipa nepashanje, tichisemesa, tichivengana.+
4 Zvisinei, mutsa+ uye kuda vanhu zvoMuponesi wedu,+ iye Mwari, pazvakaratidzwa pachena,+
5 zvisingaitwi nokuda kwemabasa+ okururama atakanga taita,+ asi maererano nengoni+ dzake, iye akatiponesa nokushambidza+ kwakatiunza kuupenyu+ uye nokuitwa kwedu vatsva nomudzimu mutsvene.+
6 Iye akatidururira kwazvo mudzimu uyu achishandisa Jesu Kristu Muponesi wedu,+
7 kuti, pashure pokunge tanzi takarurama+ pachishandiswa mutsa usina kukodzera kuwanwa waiyeye,+ tive vagari venhaka+ maererano netariro youpenyu husingaperi.+
8 Shoko iri rakatendeka,+ uye pamusoro pezvinhu izvi ndinoda kuti utaure zvakasimba nguva dzose, kuti vaya vakatenda Mwari varambe vachifunga nezvokuita mabasa akanaka.+ Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira vanhu.
9 Asi ramba mibvunzo youpenzi+ nenyaya dzemadzinza+ nokukakavadzana+ nokurwa pamusoro poMutemo,+ nokuti hazvina zvazvinobatsira uye hazvina maturo.
10 Kana ari munhu anoparadzira dzidziso dzenhema,+ usashamwaridzana+ naye pashure pokunge wamurayira kekutanga nekechipiri;+
11 uchiziva kuti munhu akadaro akatsauka panzira uye ari kutadza, achizvipa mhosva.+
12 Pandichatuma Atemasi kana Tikiko+ kwauri, ita zvose zvaunogona kuti uuye kwandiri kuNikoporisi, nokuti ndiko kwandasarudza kupedzera mwaka wechando ndiri.+
13 Nyatsogovera Zenasi, uyo anoziva Mutemo kwazvo, naAporo nokuda kworwendo rwavo, kuti vasava nechavanoshayiwa.+
14 Asi vanhu vedu ngavadzidzewo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vakwanise kuwana zvavanoda zvinokosha,+ kuti varege kuva vasina zvibereko.+
15 Vose vari pamwe neni vanokukwazisa.+ Ndikwazisirewo vanotida kwazvo mukutenda.
Mutsa usina kukodzera kuwanwa ngauve nemi mose.+