VaEfeso 3:1-21
3 Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, ndiri musungwa+ nemhaka yaKristu Jesu nokuda kwenyu, imi vanhu vemamwe marudzi+—
2 chokwadi, makanzwa nezvoutariri+ hwomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari hwandakapiwa nokuda kwenyu,
3 kuti ini ndakaziviswa chakavanzika chitsvene ndichiita zvokuzarurirwa,+ sezvandambonyora mumashoko mashoma.
4 Nokuda kweizvi imi, pamunoverenga izvi, munogona kuona kunzwisisa+ kwandinoita chakavanzika chitsvene+ pamusoro paKristu.
5 Muzvizvarwa zvakapfuura, chakavanzika+ ichi hachina kuziviswa vanakomana vevanhu sokuzarurwa kwachakaitwa+ iye zvino kuvaapostora vake vatsvene nevaprofita+ pachishandiswa mudzimu,
6 kuti, vanhu vemamwe marudzi vanofanira kuva vagari venhaka pamwe chete nesu uye nhengo dzomuviri+ pamwe chete nesu uye kuti vagoverane pamwe chete nesu chipikirwa+ vari pamwe naKristu Jesu nemashoko akanaka.
7 Ndakava mushumiri+ weizvi maererano nechipo chepachena chomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari chandakapiwa maererano nokushanda kunoita simba rake.+
8 Ndakaitirwa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa,+ ini munhu muduku kupfuura muduku+ pavatsvene vose, kuti ndizivise mamwe marudzi+ mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzwisisiki+ yaKristu
9 uye ndinofanira kuita kuti vanhu vaone kuti chakavanzika chitsvene+ chinotarisirwa+ sei, chiya chave chakavanzwa muna Mwari akasika zvinhu zvose,+ kubvira kunguva yakapfuura isingagumi.
10 Izvi zvakaitika kuti zvino hurumende nevanhu vane masimba+ vari munzvimbo dzokudenga vaziviswe uchenjeri hwaMwari hunoratidzwa nenzira zhinji dzakasiyana-siyana+ pachishandiswa ungano,+
11 maererano nechinangwa chake chisingagumi chaakatanga pamusoro paKristu,+ Jesu Ishe wedu,
12 iye anoita kuti tive norusununguko urwu rwokutaura uye anoita kuti tikwanise kusvika+ kuna Mwari nechivimbo nokutenda kwedu maari.
13 Saka ndinokukumbirai kuti musaneta nokuda kwokukutambudzikirai+ kwandinoita, nokuti iko kunoreva kukudzwa kwenyu.
14 Nokuda kweizvi ndinopfugamira+ Baba,+
15 avo mhuri dzose+ dziri kudenga nedziri panyika dzinowana mazita adzo kubva kwavari,+
16 kuti maererano nepfuma+ yokukudzwa kwake abvumire kuti musimbiswe mumunhu wamuri nechomukati+ nesimba pachishandiswa mudzimu+ wake,
17 kuti Kristu agare mumwoyo menyu nokutenda kwenyu norudo;+ kuti mudzike midzi+ uye musimbiswe panheyo,+
18 kuti mukwanise kwazvo kunzwisisa+ pamwe chete nevatsvene vose kuti kufara nokureba nokukwirira nokudzika chii,+
19 uye kuti muzive rudo rwaKristu+ runopfuura zivo, kuti muzadzwe nezvinhu zvizere+ zvinopiwa naMwari.
20 Zvino iye anogona kuita zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga,+ maererano nesimba rake riri kushanda+ matiri,
21 ngaakudzwe pachishandiswa ungano uye pachishandiswa Kristu Jesu kusvikira kuzvizvarwa zvose nokusingaperi-peri.+ Ameni.