VaEfeso 6:1-24
6 Vana, teererai vabereki+ venyu munaShe,+ nokuti izvi ndizvo zvakarurama:+
2 “Kudza baba vako naamai vako”;+ uyo uri murayiro wokutanga une chipikirwa chokuti:+
3 “Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.”+
4 Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu,+ asi rambai muchivarera+ mukuranga+ nokutungamirira pfungwa+ kunoitwa naJehovha.
5 Imi varanda, teererai vaya vari vanatenzi venyu panyama,+ nokutya nokudedera+ nemwoyo yenyu yose, sokuna Kristu,
6 musingashandi pamunenge muchingoonekwa chete sevanhu vanofadza vanhu,+ asi sevaranda vaKristu, muchiita zvinodiwa naMwari nomweya wose.+
7 Ivai varanda vane pfungwa dzakanaka, sokuna Jehovha,+ kwete kuvanhu,
8 nokuti munoziva kuti chero zvakanaka zvingaitwa nomumwe nomumwe, iye achawanazve izvozvi kubva kuna Jehovha,+ angava ari muranda kana kuti munhu akasununguka.+
9 Uyewo, imi vanatenzi, rambai muchivaitirawo saizvozvo, muchirega kuvatyisidzira,+ nokuti munoziva kuti Tenzi wavo nowenyu+ ari kumatenga, uye haasaruri.+
10 Pakupedzisira, rambai muchiwana simba+ munaShe nomuukuru+ hwesimba rake.
11 Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo+ dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano+ aDhiyabhorosi;
12 nokuti hatirwi+ neropa nenyama, asi nehurumende,+ nevanhu vane masimba,+ nevatongi venyika+ verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa+ ari munzvimbo dzomumatenga.
13 Nokuda kweizvi torai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari,+ kuti mukwanise kurwisa pazuva rakaipa uye, kumira makasimba pashure pokunge manyatsoita zvinhu zvose.+
14 Naizvozvo, mirai makasimba, zviuno zvenyu zvakasungwa+ nechokwadi,+ uye makapfeka chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama,+
15 uye tsoka+ dzenyu dzakapfeka kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare.+
16 Kupfuura zvinhu zvose, torai nhoo huru yokutenda,+ yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa.+
17 Uyewo, gamuchirai ngowani+ yoruponeso, nebakatwa+ romudzimu,+ iro shoko raMwari,+
18 muchiramba muchinyengetera+ mumudzimu nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera.+ Nokuda kwaizvozvo rambai makamuka nguva dzose muchitetererera vatsvene vose,
19 uye iniwo, kuti ndigoneswe kutaura+ nokushama muromo wangu, norusununguko rwokutaura+ kuti ndizivise chakavanzika chitsvene chemashoko akanaka,+
20 andiri kushanda ndiri mumiririri wawo ndakasungwa+ necheni; kuti nditaure pamusoro pawo noushingi sezvandinofanira kutaura.+
21 Zvino kuti muzivewo nezvangu, kuti ndakadii, Tikiko,+ hama inodiwa nomushumiri akatendeka munaShe, achakuzivisai zvose.+
22 Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwaizvozvi, kuti muzive nezvezvinhu zvine chokuita nesu uye kuti anyaradze mwoyo yenyu.+
23 Hama ngadzive norugare norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naShe Jesu Kristu.
24 Mutsa usina kukodzera kuwanwa+ ngauve nevaya vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nenzira isingaori.