VaGaratiya 1:1-24
1 Ini Pauro,+ ndiri muapostora,+ asina kubva kuvanhu kana kugadzwa nomunhu, asi akagadzwa naJesu Kristu+ naMwari Baba,+ vaya vakamumutsa kubva kuvakafa.+
2 Ini nehama dzose dziri pamwe chete neni,+ tinonyorera ungano dzeGaratiya:+
3 Mutsa usina kukodzera kuwanwa norugare+ zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.
4 Iye akazvipa nokuda kwezvivi zvedu+ kuti atinunure mumamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino+ maererano nokuda+ kwaMwari wedu naBaba vedu,
5 ivo ngavakudzwe nokusingaperi-peri.+ Ameni.
6 Ndinoshamiswa kuti muri kukurumidza zvakadaro kubva pana Iye+ akakudanai nomutsa usina kukodzera kuwanwa waKristu+ muchienda kune mamwe mashoko akanaka akasiyana.+
7 Asi iwo haasi mamwe; kungoti chete kune vamwe vari kukunetsai+ vachida kutsaudzira mashoko akanaka pamusoro paKristu.+
8 Zvisinei, kunyange kudai isu kana ngirozi inobva kudenga yaizokuzivisai chimwe chinhu chichinzi mashoko akanaka, chinopfuura zvatakakuzivisai tichiti mashoko akanaka, iyo ngaive yakatukwa.+
9 Sezvatataura pamusoro apa, iniwo zvino ndinoti, Hazvinei kuti ndiani anokuzivisai chimwe chinhu achiti mashoko akanaka chinopfuura zvamakagamuchira,+ iye ngaave akatukwa.
10 Chokwadi, iko zvino ndava kuedza kunyengetedza vanhu here kana kuti Mwari? Kana kuti ndiri kutsvaka kufadza vanhu here?+ Kudai ndanga ndichiri kufadza vanhu,+ ndingadai ndisiri muranda waKristu.+
11 Nokuti hama, ndinokuzivisai kuti mashoko akanaka andakazivisa ndichiti mashoko akanaka haasi chinhu chomunhu;+
12 nokuti handina kuagamuchira achibva kumunhu, kana kuadzidziswa, asi ndakaita zvokuzarurirwa naJesu Kristu.+
13 Chokwadi, imi makanzwa nezvomufambiro wangu wekare muchiJudha,+ kuti ndakaramba ndichitambudza+ ungano yaMwari zvakanyanya uye ndichiiparadza,+
14 uye ndakanga ndichibudirira kwazvo muchiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mudzinza rangu,+ zvandakanga ndichishingairira+ kwazvo tsika+ dzemadzibaba angu.
15 Asi Mwari, iye akandiparadzanisa nedumbu raamai vangu paakandidana+ nomutsa wake usina kukodzera kuwanwa,+ akafunga kuti zvakanaka
16 kuti aratidze Mwanakomana wake achishandisa ini,+ kuti ndizivise mashoko akanaka pamusoro pake kune mamwe marudzi,+ ini handina kubva ndakurukura nenyama neropa.+
17 Uyewo handina kukwira kuJerusarema kune vaya vakanditangira kuva vaapostora,+ asi ndakaenda kuArabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko.+
18 Zvino kwapera makore matatu ini ndakakwira kuJerusarema+ kunoshanyira Kefasi,+ uye ndakagara naye kwemazuva gumi nemashanu.
19 Asi hapana nomumwewo zvake wevaapostora wandakaona, kunze kwaJakobho+ munun’una+ waShe.
20 Zvino kana zviri zvinhu zvandiri kukunyorerai, tarirai! handisi kureva nhema+ pamberi paMwari.
21 Pashure paizvozvo ndakaenda+ kunzvimbo dzeSiriya neKirikiya.
22 Asi ungano dzokuJudhiya dzakanga dziri pamwe naKristu+ dzakanga dzisati dzamboona chiso changu;
23 dzaingonzwa chete kuti: “Murume uya aimbotitambudza+ zvino ava kuzivisa mashoko akanaka pamusoro pokutenda kwaaimboparadza.”+
24 Naizvozvo vakatanga kukudza+ Mwari nokuda kwangu.