VaGaratiya 2:1-21
2 Zvino pashure pemakore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema+ ndiina Bhanabhasi,+ ndikaendawo pamwe chete naTito.
2 Asi ndakakwira ikoko nokuti pane zvandakanga ndazarurirwa.+ Mashoko akanaka andiri kuparidza pakati pemamwe marudzi ndakaaisa pamberi pevanhu vakakurumbira,+ asi ndakaaisa pamberi pavo, ivo vari pavo voga, ndichityira kuti ndingangodaro ndaimhanyira+ pasina kana kuti ndakanga ndamhanyira pasina.+
3 Zvisinei, kunyange Tito,+ wandakanga ndiinaye, haana kugombedzerwa kuti adzingiswe,+ kunyange zvazvo aiva muGiriki.
4 Asi nemhosva yehama dzenhema+ dzakapinda chinyararire,+ dzakaverevedza kuti dzisore rusununguko+ rwedu rwatiinarwo tiri pamwe naKristu Jesu, kuti dzinyatsotiita varanda+—
5 kune ivava isu hatina kumbobvuma senzira yokuzviisa pasi,+ aiwa, kunyange kweawa imwe chete zvayo, kuti chokwadi+ chemashoko akanaka chirambe chiinemi.
6 Asi kana vari vaya vaiita sokuti vanhu vanokosha,+ chokwadi, kwandiri vanhu ivavo vakakurumbira havana chinhu chitsva chavakapa. Chokwadi, kuti ivo vaimbova vanhu vorudzii hazvina zvazvinochinja kwandiri,+ nokuti Mwari haatariri kuti munhu akaita sei nechokunze.+
7 Asi, ivo pavakaona kuti ndakanga ndaronzeswa+ mashoko akanaka nokuda kwevaya vasina kudzingiswa,+ sezvakanga zvaitwa Petro nokuda kwevakadzingiswa+—
8 nokuti Iye akapa Petro simba rakakodzera rokuti ave muapostora kune vaya vakadzingiswa, akandipawo simba+ nokuda kwevaya vemamwe marudzi;
9 chokwadi, pavakasvika pakuziva mutsa usina kukodzera kuwanwa+ wandakaitirwa,+ Jakobho+ naKefasi naJohani, vaya vainzi ndivo mbiru,+ vakabatana neni naBhanabhasi+ nemaoko okurudyi zvichiratidza kugoverana+ pamwe chete, kuti isu tiende kune mamwe marudzi, asi ivo kune vakadzingiswa.
10 Asi tinofanirawo kufunga nezvevarombo.+ Ndakavavarirawo nomwoyo wose kuti ndiite chinhu ichochi.+
11 Zvisinei, pakauya Kefasi+ kuAndiyoki,+ ndakamushora takatarirana chiso nechiso, nokuti akanga aine mhosva.+
12 Nokuti vamwe varume vaibva kuna Jakobho+ vasati vasvika, iye aidya+ nevanhu vemamwe marudzi; asi pavakasvika, akarega, akazviparadzanisa, achitya+ vaya veboka revakadzingiswa.+
13 Vamwe vaJudha vose vakamutevedzerawo pakunyepedzera uku,+ zvokuti kunyange Bhanabhasi+ akabatanawo navo pakunyepedzera kwavo.
14 Asi pandakaona kuti vakanga vasiri kufamba zvakarurama maererano nechokwadi chemashoko akanaka,+ ndakati kuna Kefasi pamberi pavo vose:+ “Kana iwe, kunyange zvazvo uri muJudha, uchirarama sezvinoita mamwe marudzi, kwete sezvinoita vaJudha, sei uri kugombedzera vanhu vemamwe marudzi kuti vararame maererano netsika yechiJudha?”+
15 Isu takazvarwa tiri vaJudha+ kwete vatadzi+ vanobva kune mamwe marudzi,
16 zvatinoziva kuti munhu haanzi akarurama+ nokuda kwemabasa omutemo, asi nokungotenda+ muna Kristu Jesu, kunyange isu takatenda muna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nokuda kwokutenda muna Kristu,+ kwete nokuda kwemabasa omutemo, nokuti hapana munhu achanzi akarurama nokuda kwemabasa omutemo.+
17 Zvino kana isu, takaonekwawo tiri vatadzi,+ pakutsvaka kuti tinzi takarurama pachishandiswa Kristu,+ chokwadi Kristu mushumiri wechivi here?+ Izvozvo ngazvirege kumboitika!
18 Nokuti kana ndikavakazve zvinhu chaizvo zvandaimboputsa,+ ndinoratidza kuti ndiri mudariki.+
19 Kana ndiri ini, pachishandiswa mutemo ndakafa kumutemo,+ kuti ndive mupenyu kuna Mwari.+
20 Ndakarovererwa pamwe chete naKristu.+ Handisisiri ini ndiri kurarama,+ asi Kristu ndiye ari kurarama ari pamwe neni.+ Chokwadi, upenyu hwandinorarama zvino+ munyama ndinohurarama nokutenda muMwanakomana waMwari, iye akandida akazvipa nokuda kwangu.+
21 Handisundiri parutivi mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari;+ nokuti kana kururama kuchiitwa kuti kuvepo nomutemo,+ chokwadi Kristu hapana chaakafira.+