VaKorose 3:1-25
3 Zvisinei, kana makamutswa+ pamwe chete naKristu, rambai muchitsvaka zvinhu zviri kumusoro,+ uko Kristu agere kuruoko rworudyi rwaMwari.+
2 Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro,+ kwete pazvinhu zviri panyika.+
3 Nokuti makafa,+ uye upenyu hwenyu+ hwakavanzwa pamwe chete naKristu muri pamwe+ naMwari.
4 Kristu, ihwo upenyu hwedu,+ paanoratidzwa pachena, imiwo mucharatidzwa pachena+ pamwe chete naye mukubwinya.+
5 Naizvozvo, urayai+ nhengo dzemiviri yenyu+ dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu,+ kuchiva kunokuvadza, nokuchochora+ uko kunoreva kunamata zvidhori.
6 Hasha dzaMwari dziri kuuya nokuda kwezvinhu izvozvo.+
7 Imi makambofambawo muzvinhu izvozvo chaizvo, pamaigara mazviri.+
8 Asi zvino bvisai zvose pamuri+ zvinoti, hasha, kutsamwa, zvinhu zvakaipa, kutuka,+ uye bvisai kutaura kunonyadzisa+ mumiromo yenyu.
9 Musareverana nhema.+ Pfekenurai unhu hwekare+ nemabasa ahwo,
10 mupfeke unhu hutsva,+ huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo+ woUya akahusika pachishandiswa zivo yakarurama,
11 pane izvi hapana muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, munhu wokune imwe nyika, muSitiya, muranda, munhu akasununguka,+ asi Kristu ndiye zvinhu zvose uye ari muna vose.+
12 Naizvozvo, sevanhu vaMwari vakasarudzwa,+ vatsvene uye vanodiwa, pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi,+ mutsa, pfungwa dzinozvininipisa,+ unyoro,+ nomwoyo murefu.+
13 Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose+ kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira+ mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose,+ imiwo itai saizvozvo.
14 Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo,+ nokuti irwo chisungo+ chakakwana chokubatana.
15 Uyewo, rugare+ rwaKristu ngarudzore mumwoyo menyu,+ nokuti, chokwadi, makarushevedzerwa mumuviri mumwe chete.+ Imi ratidzai kuti munoonga.
16 Shoko raKristu ngarigare mamuri kwazvo muuchenjeri hwose.+ Rambai muchidzidzisana+ uye muchirayirana nemapisarema,+ nziyo dzokurumbidza Mwari, nziyo dzomudzimu+ nenyasha, muimbire Jehovha mumwoyo menyu.+
17 Zvose zvamunoita mushoko kana mubasa,+ itai zvose muzita raShe Jesu,+ muchionga+ Mwari Baba nokwaari.
18 Imi madzimai, zviisei pasi+ pevarume venyu, sezvazvakakodzera munaShe.
19 Imi varume, rambai muchida madzimai+ enyu uye musaatsamwira kwazvo.+
20 Imi vana, teererai+ vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza kwazvo munaShe.
21 Imi vanababa, musashusha vana venyu,+ kuti varege kuora mwoyo.
22 Imi varanda, teererai vaya vari vanatenzi venyu panyama muzvinhu zvose,+ kwete kushanda pamunenge muchionekwa, sevanhu vanofadza vanhu,+ asi nomwoyo wose, muchitya Jehovha.+
23 Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose+ sokunge munoitira Jehovha,+ kwete vanhu,
24 nokuti munoziva kuti muchawana mubayiro wakakodzera wenhaka+ kubva kuna Jehovha.+ Shandirai Tenzi, iye Kristu.+
25 Uya ari kuita zvakaipa achawana+ zvaakaita nenzira yakaipa, uye hapana rusaruro.+