VaKorose 4:1-18
4 Imi vanatenzi, rambai muchiita zvakarurama nezvakanaka kuvaranda venyu,+ muchiziva kuti nemiwo muna Tenzi ari kudenga.+
2 Rambai muchinyengetera,+ muchiramba makamuka pamunoita izvozvo muchionga,+
3 panguva iyoyo muchitinyengetererawo,+ kuti Mwari ativhurire suo+ nokuda kweshoko redu, kuti titaure chakavanzika chitsvene+ pamusoro paKristu, icho zvechokwadi chandakasungirwa nezvisungo zvomujeri;+
4 kuti ndichiratidze pachena sezvandinofanira kutaura.+
5 Rambai muchifamba nokuchenjera kune vaya vari kunze,+ muchizvitengera nguva yakakodzera.+
6 Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha+ nguva dzose, kwakarungwa nomunyu,+ kuti muzive mapinduriro+ amunofanira kuita.
7 Tikiko,+ hama yangu inodiwa nomushumiri akatendeka nomuranda pamwe chete neni munaShe, achakuzivisai nezvangu zvose.
8 Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa chokuti muzive zvinhu zvine chokuita nesu uye kuti anyaradze mwoyo yenyu,+
9 ari pamwe chete naOnesimo,+ hama yangu yakatendeka uye inodiwa, inobva kwamuri. Ivo vachakuzivisai pamusoro pezvinhu zvose zviri kuno.
10 Aristako+ musungwa pamwe chete neni anokukwazisai, uye Mako+ hama yaBhanabhasi, (wamakarayirwa kuti mumugamuchire+ kana akazouya kwamuri,) anokukwazisaiwo
11 naJesu anonzi Justo, ava zvavari vamwe vevaya vakadzingiswa. Ava chete ndivo vashandi pamwe chete neni nokuda kwoumambo hwaMwari, uye ivava vakava ruyamuro runondisimbisa.
12 Epafrasi,+ anobva pakati penyu, muranda waKristu Jesu, anokukwazisai, anogara achizvishandisa nesimba nokuda kwenyu paanonyengetera, kuti pakupedzisira mumire makakwana+ muine chokwadi kwazvo nezvinhu zvose zvinodiwa naMwari.
13 Chokwadi ndinomupupurira kuti anoshingaira kwazvo nokuda kwenyu, uye nokuda kwevaya vari kuRaodhikiya+ nevaya vari kuHiraporisi.
14 Ruka,+ chiremba anodiwa anokukwazisai, uye Dhemasi+ anokukwazisaiwo.
15 Ndikwazisireiwo hama dziri kuRaodhikiya naNimufa neungano iri pamba pake.+
16 Kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, rongai kuti iverengwewo+ muungano yevaRaodhikiya uyewo kuti imi muverenge inobva kuRaodhikiya.
17 Uyewo, udzai Akipasi+ kuti: “Ramba uchichenjerera ushumiri hwawakagamuchira munaShe, kuti uhuite.”
18 Heino kwaziso yangu, ini Pauro, yandanyora noruoko rwangu.+ Rambai muchifunga nezvezvisungo zvangu zvomujeri.+ Mutsa usina kukodzera kuwanwa ngauve nemi.