VaRoma 10:1-21
10 Hama, zvandinoda mumwoyo mangu nezvandinoteterera kuna Mwari nokuda kwavo, chokwadi, ndezvokuti ivo vaponeswe.+
2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira+ kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama;+
3 nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari,+ havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari,+ asi vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo.+
4 Nokuti Kristu ndiye mugumo woMutemo,+ kuti munhu wose anotenda ave nokururama.+
5 Nokuti Mosesi anonyora kuti munhu anenge aita kururama kunodiwa noMutemo achararama maererano nako.+
6 Asi kururama kunobva mukutenda kunotaura seizvi: “Usati mumwoyo mako,+ ‘Ndiani achakwira kudenga?’+ kuti aburutse Kristu;+
7 kana kuti, ‘Ndiani achaburukira mugomba rakadzikadzika?’+ kuti amutse Kristu kubva kuvakafa.”+
8 Asi Rugwaro runoti kudini? Runoti, “Shoko racho riri pedyo newe, mumuromo mako nomumwoyo mako”;+ iro, “shoko”+ rokutenda, ratiri kuparidza.+
9 Nokuti kana uchizivisa pachena ‘shoko iroro riri mumuromo mako,’+ kuti Jesu ndiIshe,+ uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa,+ uchaponeswa.+
10 Nokuti munhu anotenda nomwoyo+ kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo+ kuti awane ruponeso.
11 Nokuti Rugwaro rwacho runoti: “Hapana anoisa+ kutenda kwake maari achaodzwa mwoyo.”+
12 Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha nomuGiriki,+ nokuti kuna Ishe mumwe chete wevanhu vose, anopfumisa+ vose vanodana paari.
13 Nokuti “munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”+
14 Zvisinei, vachadana sei pana iye wavasina kutenda maari?+ Uyewo, vachatenda sei maari iye wavasina kunzwa? Uyewo, vachanzwa sei kana pasina mumwe munhu anoparidza?+
15 Uyewo, vachaparidza sei kana vasina kutumwa?+ Sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Dzakanaka sei tsoka dzevaya vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!”+
16 Kunyange zvakadaro, havasi vose vakateerera mashoko akanaka.+ Nokuti Isaya anoti: “Jehovha, ndiani akatenda muchinhu chakanzwiwa kwatiri?”+
17 Naizvozvo kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.+ Uyewo chinhu chakanzwiwa chinouya neshoko pamusoro paKristu.+
18 Kunyange zvakadaro ndinobvunza kuti, Havana kukundikana kunzwa here? Chokwadi, chaizvoizvo, “inzwi ravo rakabuda rikaenda munyika yose,+ uye mashoko avo kumigumo yenyika inogarwa.”+
19 Kunyange zvakadaro ndinobvunza kuti, VaIsraeri havana kukundikana kuziva here?+ Kutanga Mosesi anoti: “Ndichaita kuti muve negodo neicho chisiri rudzi; ndichaita kuti mutsamwe zvine chisimba ndichishandisa rudzi rwemapenzi.”+
20 Asi Isaya anoshinga kwazvo obva ati: “Ndakawanikwa nevaya vakanga vasiri kunditsvaka;+ ndakaonekwa nevaya vakanga vasiri kundibvunza.”+
21 Asi pamusoro paIsraeri anoti: “Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kuvanhu vasingateereri+ uye vane nharo.”+