VaRoma 12:1-21
12 Naizvozvo ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu+ sechibayiro+ chipenyu,+ chitsvene,+ chinogamuchirika kuna Mwari,+ iro basa dzvene+ nesimba renyu rokufunga.+
2 Regai kuzvienzanisa+ nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu,+ kuti muedze, muzive+ zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.+
3 Nokuti nomutsa usina kukodzera kuwanwa wandakaitirwa ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga;+ asi kuti afunge kuitira kuti ave nepfungwa dzakanaka,+ mumwe nomumwe sokugoverwa kwaakaitwa chiyero+ chokutenda+ naMwari.
4 Nokuti zvatiine nhengo zhinji pamuviri mumwe chete,+ asi nhengo imwe neimwe haina basa rakafanana,
5 naizvozvo isu, kunyange tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete+ uri pamwe naKristu, asi somunhu oga tiri nhengo yomumwe nomumwe.+
6 Saka, zvatiine zvipo zvakasiyana+ maererano nomutsa usina kukodzera kuwanwa+ watakaitirwa, kana huri uprofita, ngatiprofitei maererano nokutenda kwatakagoverwa;
7 kana huri ushumiri, ngativei paushumiri uhwu;+ kana ari uya anodzidzisa,+ ngaave pakudzidzisa+ kwake;
8 kana ari uya anorayira, ngaave pakurayira kwake;+ uya anopa, ngaazviite norupo;+ uya anotungamirira,+ ngaazviite nomwoyo wose chaiwo; uya anoratidza ngoni,+ ngaazviite nomufaro.
9 Rudo+ rwenyu ngarurege kuva nounyengeri.+ Semai zvakaipa,+ namatirai kune zvakanaka.+
10 Pakudanana sehama,+ dananai kwazvo. Pakukudzana,+ tungamiriranai.
11 Musava nousimbe pabasa renyu.+ Pisai nomudzimu.+ Shandirai Jehovha.+
12 Farai patariro.+ Tsungirirai pakutambudzika.+ Rambai muchinyengetera.+
13 Goveranai nevatsvene maererano nezvavanoda.+ Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.+
14 Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai;+ komborerai+ uye musatuka.+
15 Farai nevanhu vanofara;+ chemai nevanhu vanochema.
16 Fungaiwo nezvevamwe semafungiro amunozviita;+ musafunga zvinhu zvakakwirira,+ asi tungamirirwai nezvinhu zvakaderera.+ Musazviti makangwara.+
17 Musadzorera chakaipa nechakaipa+ kuna ani naani zvake. Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose.
18 Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare+ nevanhu vose.
19 Musatsiva,+ vadiwa, asi dziurirai hasha;+ nokuti zvakanyorwa kuti: “Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.”+
20 Asi, “kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe;+ nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.”+
21 Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.+