VaRoma 2:1-29
2 Naizvozvo hauna chokuzvipembedza nacho, haiwa iwe munhu,+ pasinei nokuti uri ani, kana uchitonga;+ nokuti pachinhu chaunotonga mumwe munhu, unozvipa mhosva, iwe unotonga+ zvauine tsika yokuita zvinhu izvozvo.+
2 Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari, kunoenderana nechokwadi,+ kunorwisana nevaya vane tsika yokuita zvinhu zvakadaro.
3 Asi une pfungwa iyi here, haiwa iwe munhu,+ yokuti zvaunotonga vaya vane tsika yokuita zvinhu zvakadaro asi iwe uchizviitawo, unoti uchapukunyuka kutonga kwaMwari here?+
4 Kana kuti unozvidza here pfuma yomutsa+ wake nokushivirira+ nomwoyo murefu,+ nokuti hauzivi kuti mutsa waMwari uri kuedza kukuita kuti upfidze?+
5 Asi maererano noukukutu+ hwako nomwoyo usingapfidzi+ uri kuzviunganidzira hasha+ pazuva rehasha+ uye rokuratidzwa+ kwokutonga kwakarurama kwaMwari.+
6 Iye achaitira mumwe nomumwe maererano nemabasa ake:+
7 upenyu husingaperi kune vaya vari kutsvaka kubwinya nokukudzwa nokusaora+ vachitsungirira mubasa rakanaka;
8 zvisinei, pane vaya vanokakavara+ uye vasingateereri chokwadi+ asi vanoteerera zvinhu zvisina kururama pachava nehasha nokutsamwa,+
9 kutambudzika nenhamo zvichava pamweya womunhu wose anoita zvinokuvadza, kutanga pamweya womuJudha+ uyewo pane womuGiriki;+
10 asi kubwinya nokukudzwa norugare zvichava pamunhu wose anoita zvakanaka,+ kutanga pamuJudha+ uyewo pamuGiriki.+
11 Nokuti Mwari haasaruri.+
12 Somuenzaniso, vose vakatadza vasina mutemo vachapararawo vasina mutemo;+ asi vose vakatadza vari pasi pomutemo+ vachatongwa nomutemo.+
13 Nokuti vanonzwa mutemo havasi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vanoita+ zvinodiwa nomutemo vachanzi vakarurama.+
14 Nokuti nguva yose vanhu vemamwe marudzi+ vasina mutemo+ pavanoita zvinhu zvomutemo+ maererano nemasikirwo avakaitwa, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo.
15 Ivo ndivo vanoratidza kuti zvinhu zvine chokuita nomutemo zvakanyorwa mumwoyo mavo,+ hana+ yavo painenge ichipupurirana navo uye, pane zvavanofunga, vari kupiwa mhosva+ kana kuti kunyange kupembedzwa.
16 Izvi zvichaitika pazuva iro Mwari achashandisa Kristu Jesu kuti atonge+ zvinhu zvakavanzika+ zvevanhu,+ maererano nemashoko akanaka andinozivisa.+
17 Zvino, kana uri muJudha nezita+ uye uchivimba nomutemo+ uye uchizvirumbidza muna Mwari,+
18 uchiziva zvaanoda+ uye uchibvumira zvinhu zvakanaka kwazvo nokuti unorayiridzwa muMutemo uchiita zvokutaurirwa nomuromo;+
19 uye unotenda kuti uri mutungamiriri wemapofu,+ chiedza chevaya vari murima,+
20 mururamisi wemapenzi,+ mudzidzisi wevacheche,+ uye munhu ane kuumbwa+ kwezivo nokwechokwadi+ zviri muMutemo—
21 zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?+ Iwe, unoparidza kuti “Usaba,”+ haubi here?+
22 Iwe, unoti “Usaita upombwe,”+ hauiti upombwe here? Iwe, unosema zvidhori, haubiri+ temberi here?
23 Iwe, unozvirumbidza nomutemo, hauzvidzi Mwari here nokudarika kwako Mutemo?+
24 Nokuti sokunyorwa kwazvakaitwa; “zita raMwari riri kumhurwa pakati pemamwe marudzi nemhosva yenyu.”+
25 Chokwadi, kudzingiswa,+ kunobatsira chete kana uchichengeta mutemo;+ asi kana uri mudariki womutemo, kudzingiswa kwako+ kwava kusadzingiswa.+
26 Naizvozvo, kana munhu asina kudzingiswa+ achichengeta zvinhu zvakarurama zvinodiwa+ noMutemo, kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?+
27 Nokuchengeta Mutemo, munhu akagara asina kudzingiswa kubvira pakuzvarwa achatonga iwe+ mudariki womutemo akadzingiswa uye ane bumbiro rawo rakanyorwa.
28 Nokuti anonzi muJudha haasi uya akadaro nechokunze,+ uye kudzingiswa hakusi kuya kwokunze kunoitwa panyama.+
29 Asi anonzi muJudha ndiye uya akadaro nechomukati,+ uye kudzingiswa kwake ndiko kuya kwomwoyo+ nomudzimu, kwete nebumbiro romutemo rakanyorwa.+ Kurumbidzwa+ kwaiyeyo kunobva kuna Mwari, kwete kuvanhu.+