Vatongi 1:1-36
1 Zvino pashure pokufa+ kwaJoshua, vanakomana vaIsraeri vakabvunza+ Jehovha, vachiti: “Ndiani wedu achatanga kuenda kuvaKenani kunovarwisa?”
2 Jehovha akati: “Judha achaenda.+ Tarirai! Ndichaisa nyika yacho muruoko rwake.”
3 Judha akabva ati kuna Simiyoni mukoma wake: “Handei tose kumugove wangu+ uye ngatirwe nevaKenani, ini ndichazoendawo newe kumugove wako.”+ Naizvozvo Simiyoni akaenda naye.+
4 Nokudaro Judha akaenda, Jehovha akaisa vaKenani nevaPerizi mumaoko avo,+ zvokuti vakavakunda muBhezeki, varume zviuru gumi.
5 Pavakawana Adhoni-bhezeki muBhezeki, vakabva varwa naye vakakunda vaKenani+ nevaPerizi.+
6 Adhoni-bhezeki paakatanga kutiza, vakamudzingirira vakamubata, vakagura zvigunwe zvikuru zvemaoko ake nezvigunwe zvikuru zvetsoka dzake.
7 Adhoni-bhezeki akabva ati: “Kwave kuine madzimambo makumi manomwe akagurwa zvigunwe zvikuru zvemaoko awo nezvigunwe zvikuru zvetsoka dzawo ainhonga zvokudya pasi petafura yangu. Sezvandakaita, naizvozvo Mwari anditsiva.”+ Pashure paizvozvo vakamuunza kuJerusarema,+ akafira ikoko.
8 Vanakomana vaJudha vakarwawo neJerusarema+ vakaritora, vakariparadza nomuromo webakatwa, vakapisa guta racho nomoto.
9 Pashure pacho vanakomana vaJudha vakaenda kunorwa nevaKenani vaigara munzvimbo ine makomo neNegebhu+ neShefera.+
10 Naizvozvo Judha akafamba achienda kunorwisa vaKenani vaigara muHebroni+ (zvino Hebroni raimbonzi Kiriyati-abha),+ uye vakauraya Sheshai naAhimani naTarimai.+
11 Vakaramba vachifamba kubva ipapo vachienda kunorwisa vagari vokuDhebhiri.+ (Izvozvo zvisati zvaitika Dhebhiri rainzi Kiriyati-seferi.)+
12 Karebhi+ akabva ati: “Munhu anorwisa Kiriyati-seferi akaritora, chokwadi, ndichamupa Akisa+ mwanasikana wangu kuti ave mudzimai wake.”+
13 Zvino Otinieri+ mwanakomana waKenazi,+ munun’una waKarebhi,+ akaritora. Nokuda kwaizvozvo akamupa Akisa mwanasikana wake kuti ave mudzimai wake.+
14 Paaienda kumba, akaramba achimukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akabva aombera ari pambongoro.+ Karebhi akati kwaari: “Unodei?”
15 Iye akati kwaari: “Ndipei chikomborero,+ nokuti mandipa chikamu chomunda chokumaodzanyemba, uye ndipei Guroti-maimu.” Naizvozvo Karebhi akamupa Guroti Yokumusoro neGuroti Yokuzasi.+
16 Zvino vanakomana vomuKeni,+ aiva tezvara vaMosesi,+ vakabuda muguta remichindwe+ nevanakomana vaJudha vachienda kurenje raJudha, riri kumaodzanyemba kweAradhi.+ Vakabva vaenda, vakagara nevanhu vacho.+
17 Asi Judha akaramba achifamba naSimiyoni mukoma wake, vakarwisa vaKenani vaigara muZefati, vakaritsaura kuti riparadzwe.+ Nokudaro guta racho rakanzi Homa.+
18 Pashure Judha akatora Gaza+ nenharaunda yaro neAshkeroni+ nenharaunda yaro neEkroni+ nenharaunda yaro.
19 Jehovha akaramba aina Judha, zvokuti akaita kuti nzvimbo ine makomo ive yake, asi akakundikana kudzinga vagari vomubani, nokuti vaiva nengoro dzehondo+ dzaiva nemajeko esimbi.+
20 Pavakapa Karebhi Hebroni, sezvakanga zvapikirwa naMosesi,+ akabva adzinga vanakomana vatatu vaAnaki+ imomo.
21 Vanakomana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vaigara muJerusarema;+ asi vaJebhusi vachiri kugara nevanakomana vaBhenjamini muJerusarema kusvikira nhasi.+
22 Munguva iyi imba yaJosefa+ yakaendawo kunorwa neBheteri,+ uye Jehovha akanga ainavo.+
23 Imba yaJosefa yakatanga kusora+ Bheteri (sezvineiwo, guta racho raimbonzi Ruzi),+
24 uye nharire dzakaona mumwe murume achibuda muguta. Naizvozvo dzakati kwaari: “Tapota, tiratidze nzira yokupinda nayo muguta, uye tichakuitira mutsa.”+
25 Naizvozvo murume wacho akadziratidza nzira yokupinda nayo muguta; dzikatanga kurwisa guta nomuromo webakatwa,+ asi dzakarega murume wacho nemhuri yake yose vachienda havo.+
26 Ipapo murume wacho akaenda kunyika yevaHiti,+ akavaka guta, akaritumidza kuti Ruzi. Ndiro zita raro kusvikira nhasi.
27 Zvino Manase+ haana kuita kuti Bheti-sheyani+ nemataundi aiva pasi paro neTaanaki+ nemataundi aiva pasi paro nevagari vokuDhori+ nemataundi aiva pasi paro nevagari vokuIbreyamu+ nemataundi aiva pasi paro nevagari vokuMegidho+ nemataundi aiva pasi paro ave ake, asi vaKenani vakaramba vachigara munyika iyi.+
28 VaIsraeri vakava nesimba,+ vakashandisa vaKenani basa rokumanikidzirwa,+ asi havana kuvadzinga zvachose.+
29 Efremu haanawo kudzinga vaKenani vaigara muGezeri, asi vaKenani vakaramba vachigara pakati pavo muGezeri.+
30 Zebhuruni+ haana kudzinga vagari vokuKitroni nevagari vokuNaharori,+ asi vaKenani vakaramba vachigara pakati pavo+ uye vakashandiswa basa rokumanikidzirwa.+
31 Asheri+ haana kudzinga vagari vokuAko nevagari vokuSidhoni+ neAarabhu neAkzibhu+ neHeribha neAfiki+ neRehobhu.+
32 VaAsheri vakaramba vachigara pakati pevaKenani vaigara munyika yacho, nokuti havana kuvadzinga.+
33 Naftari+ haana kudzinga vagari vokuBheti-shemeshi nevagari vokuBheti-anati,+ asi vakaramba vachigara pakati pevaKenani vaigara munyika yacho;+ uye vagari vokuBheti-shemeshi nevokuBheti-anati vakava vavo kuti vavashandise basa rokumanikidzirwa.+
34 VaAmori vakaramba vachisundira vanakomana vaDhani+ munzvimbo ine makomo, nokuti havana kuvabvumira kuti vaburukire mubani.+
35 Naizvozvo vaAmori vakaramba vachigara muGomo reHeresi nomuAijaroni+ neShaaribhimu.+ Asi ruoko rweimba yaJosefa rwakavatambudza kwazvo zvokuti vakamanikidzwa kuita basa rakaoma.+
36 Nharaunda yevaAmori yaibva pamukwidza weAkrabhimu,+ kubvira kuSera zvichikwidza.