Vatongi 15:1-20
15 Zvino kwapera chinguva, mumazuva okukohwa gorosi, Samsoni akashanyira mudzimai wake aine mbudzana.+ Naizvozvo akati: “Ndichapinda mune mudzimai wangu muimba yomukati.”+ Asi baba vake havana kumubvumira kupinda.
2 Baba vake vakati: “Chaizvoizvo ndakati, ‘Chokwadi unofanira kuva unomuvenga.’+ Nokudaro ndakamupa muperekedzi wako.+ Munun’una wake haasi nani kupinda zvaari here? Ndapota, ngaave wako panzvimbo pomumwe wacho.”
3 Zvisinei, Samsoni akati kwavari: “Iko zvino handisi kuzova nemhosva nevaFiristiya kana ndikavaitira zvinovakuvadza.”+
4 Zvino Samsoni akaenda, akabata makava+ mazana matatu, akatora mazhenje omoto, akasunganidza miswe yacho akaisa zhenje romoto rimwe pakati pemiswe miviri, pakati chaipo.
5 Adaro, akabatidza mazhenje omoto, akaaregedzera muminda yaiva nezviyo zvakanga zvisati zvakohwewa zvevaFiristiya. Nokudaro akapisa zvinhu zvose nomoto kubvira kuchisote kusvikira kuzviyo zvakanga zvisati zvakohwewa neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi.+
6 Zvino vaFiristiya vakatanga kuti: “Ndiani aita izvi?” Vakabva vati: “NdiSamsoni mukuwasha womuTimna, nokuti akatora mudzimai wake, akamupa muperekedzi wake.”+ VaFiristiya vakaenda vakapisa mukadzi wacho nababa vake nomoto.+
7 Samsoni akatiwo kwavari: “Kana mukaita zvakadai, hapana zvandingaita kunze kwokuti ndizvitsive pamuri,+ uye pashure ndicharega.”
8 Zvino akauraya vakawanda kwazvo, achiunganidza makumbo pamusoro pezvidya, achibva aenda, akatanga kugara mumukaha weibwe reEtamu.+
9 Gare gare vaFiristiya+ vakauya, vakadzika musasa muJudha,+ vakafamba-famba muRehi.+
10 Varume vaJudha vakabva vati: “Nei mauya kuzotirwisa?” ivo vachibva vati: “Tauya kuzosunga Samsoni, kuti timuitire sezvaakatiitira.”
11 Naizvozvo varume vaJudha zviuru zvitatu vakaenda kumukaha weibwe reEtamu+ vakati kuna Samsoni: “Hauzivi here kuti vaFiristiya vari kutitonga?+ Nokudaro izvi zvawatiitira zvinorevei?” Akabva ati kwavari: “Zvavakandiitira ndizvo zvandakavaitirawo.”+
12 Asi vakati kwaari: “Tauya kuzokusunga, kuti tikuise muruoko rwevaFiristiya.” Samsoni akati kwavari: “Ndipikirei kuti imi hamuzondirwisi.”
13 Ivo vakati kwaari: “Aiwa, asi tichangokusunga chete, tokuisa mumaoko avo; asi chokwadi hatizokuurayi.”
Naizvozvo vakamusunga netambo itsva mbiri+ vakamubudisa muibwe racho.
14 Iye akasvika kuRehi, vaFiristiya vakashevedzera nomufaro pavakasangana naye.+ Zvino mudzimu waJehovha+ wakashanda paari, tambo dzaiva pamaoko ake dzikava seshinda dzerineni dzatsva nomoto,+ zvokuti zvisungo zvake zvakanyunguduka pamaoko ake.
15 Zvino akawana pfupa nyoro reshaya yembongoro hono, akatambanudza ruoko rwake, akaritora, akauraya varume chiuru naro.+
16 Samsoni akabva ati:
“Nepfupa reshaya yembongoro hono—murwi mumwe, mirwi miviri!
Nepfupa reshaya yembongoro hono ndauraya varume chiuru.”+
17 Paakapedza kutaura, akabva arasa pfupa reshaya raiva muruoko rwake, akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Ramati-rehi.+
18 Zvino akava nenyota kwazvo, akatanga kuchema kuna Jehovha akati: “Ndimi makapa ruponeso urwu rukuru muruoko rwomushumiri wenyu,+ zvino ndofa nenyota uye ndowira muruoko rwevanhu vasina kudzingiswa here?”+
19 Naizvozvo Mwari akatsemura gomba rakaita seduri raiva muRehi, mvura+ ikatanga kubuda mariri, akanwa, pashure simba+ rake rikadzoka, akararamazve.+ Ndokusaka akaritumidza kuti Eni-hakore, riri muRehi kusvikira nhasi.
20 Akaramba achitonga Israeri mumazuva evaFiristiya kwemakore makumi maviri.+