Vatongi 18:1-31
18 Mumazuva iwayo pakati paIsraeri pakanga pasina mambo.+ Uye mumazuva iwayo dzinza revaDhani+ rakanga richizvitsvakira nhaka yokuti rigare; nokuti kusvikira pazuva iroro vakanga vasati vawana nhaka pakati pemadzinza aIsraeri.+
2 Vanakomana vaDhani vakazotuma varume vashanu vemhuri yavo, varume vaibva pakati pavo, vanhu vakashinga, vaibva kuZora+ neEshtaori,+ kunosora+ nyika nokunoiongorora. Naizvozvo vakati kwavari: “Endai munoongorora nyika.” Kwapera nguva yakati, vakasvika munzvimbo ine makomo yaEfremu+ kuimba yaMika,+ vakararapo.
3 Pavakanga vari pedyo neimba yaMika, vakaziva inzwi rejaya riya, iye muRevhi wacho, zvokuti vakatsaukira ipapo. Vakati kwariri: “Ndiani akakuunza pano, uri kuitei munzvimbo ino, uye unodei pano?”
4 Rakatiwo kwavari: “Mika akandiitira zvokuti nezvokuti kuti andibhadhare,+ uye kuti ndive mupristi+ wake.”
5 Vakabva vati kwaari: “Tapota, bvunza+ Mwari+ kuti tizive kana rwendo rwedu rwatiri kufamba ruchizobudirira.”
6 Naizvozvo mupristi wacho akati kwavari: “Endai norugare. Rwendo rwenyu rwamunofamba runotarisirwa naJehovha.”
7 Naizvozvo varume vacho vashanu vakapfuurira, vakasvika kuRaishi,+ vakaona kuti vanhu vaiva mukati maro vaigara sei vachizviraramira maererano netsika yevaSidhoni, vakanyarara, vasingafungiri,+ uye kwaisava nomukundi aidzvinyirira akanga achinetsa chinhu munyika yacho, nokuti vaiva kure nevaSidhoni+ uye vakanga vasina chokuita nevanhu.
8 Vakazosvika kuhama dzavo kuZora+ neEshtaori,+ hama dzavo dzikatanga kuti kwavari: “Makafamba sei?”
9 Ivo vakati: “Simukai, handei tinorwa navo; nokuti takaona nyika yacho, uye yakanaka kwazvo.+ Asi muri kuzengurira. Musava nousimbe hwokufamba kuti mupinde muite kuti nyika yacho ive yenyu.+
10 Pamunopinda, muchasvika kuvanhu vasingafungiri,+ uye nyika yacho yakafara kwazvo; nokuti Mwari aiisa mumaoko enyu,+ nzvimbo isina chinhu chero chorudzi rupi zvarwo chiri panyika chingashayikwa.”+
11 Varume mazana matanhatu vaiva vakasungirira zvombo zvehondo, vaiva vemhuri yevaDhani,+ vakabva ikoko, kureva kuZora neEshtaori.+
12 Vakaenda, vakadzika musasa paKiriyati-jearimu+ riri muJudha. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Mahane-dhani+ kusvikira nhasi. Tarira! Iri kumavirira kweKiriyati-jearimu.
13 Pashure paizvozvo vakapfuura vachibva ipapo vachienda kunzvimbo ine makomo yaEfremu, vakasvika kuimba yaMika.+
14 Varume vashanu vakanga vaenda kunosora+ nyika yeRaishi+ vakabva vati kuhama dzavo: “Maiziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi neterafimu+ nomufananidzo wakavezwa+ nomufananidzo wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa?+ Zvino fungai zvamunofanira kuita.”+
15 Naizvozvo vakatsaukira ipapo, vakasvika kuimba yejaya racho, muRevhi,+ paimba yaMika, vakatanga kubvunza kuti rakanga rakadini.+
16 Nguva yose iyi varume mazana matanhatu vakanga vakasungirira zvombo zvavo zvehondo,+ vaiva vevanakomana vaDhani,+ vakanga vakamira panopindwa napo pagedhi.
17 Varume vashanu vakanga vaenda kunosora nyika+ zvino vakaenda, kuti vapinde imomo vatore mufananidzo wakavezwa+ neefodhi+ neterafimu+ nomufananidzo wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa.+ (Mupristi+ wacho akanga akamira panopindwa napo pagedhi aine varume mazana matanhatu vakanga vakasungirira zvombo zvehondo.)
18 Ivava vakapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, efodhi neterafimu nomufananidzo wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa.+ Mupristi+ wacho akati kwavari: “Muri kuitei?”
19 Asi vakati kwaari: “Nyarara. Bata muromo wako, uende nesu uve baba+ nomupristi+ wedu. Ndezvipi zviri nani, kuti urambe uri mupristi weimba yomunhu mumwe chete+ kana kuti uve mupristi wedzinza nemhuri pakati paIsraeri?”+
20 Mwoyo womupristi wacho wakafara,+ akatora efodhi neterafimu nomufananidzo wakavezwa,+ akapinda pakati pevanhu vacho.
21 Vakabva vatendeuka, vakaenda, vakaisa vana nezvipfuwo nezvinhu zvinokosha mberi kwavo.+
22 Ivo vakanga vava kure zvishoma neimba yaMika, varume vaiva mudzimba dzaiva pedyo neimba yaMika+ pavakashevedzwa, vakaedza kunobata vanakomana vaDhani.
23 Pavakaramba vachishevedzera kuvanakomana vaDhani, ivo vakabva vacheuka vakati kuna Mika: “Waita seiko+ zvawaunganidza vanhu?”
24 Naizvozvo akati: “Matora vanamwari vangu+ vandakagadzira,+ uyewo mupristi+ wacho, zvino mava kuenda, ini ndichineizve?+ Saka, mungati sei kwandiri, ‘Waita seiko?’”
25 Vanakomana vaDhani vakati kwaari: “Usaita kuti inzwi rako rinzwike pedyo nesu, kuti varume vane mweya iri kushungurudzika+ varege kukurwisai, ukarasikirwa nomweya wako nemweya yeimba yako.”
26 Vanakomana vaDhani vakaramba vachienda; uye Mika akaona kuti vakanga vakasimba kupfuura zvaaiva,+ naizvozvo akatendeuka akadzokera kumba kwake.
27 Ivo vakatora zvakanga zvagadzirwa naMika nomupristi+ waakanga awana, vakaramba vachienda nechokuRaishi,+ kunorwa nevanhu vakanyarara, vasingafungiri.+ Vakavauraya nomuromo webakatwa,+ vakapisa guta racho nomoto.+
28 Pakanga pasina mununuri, nokuti raiva kure neSidhoni,+ uye vakanga vasina kana chokuita nevanhu; uye maiva mubani reBheti-rehobhu.+ Vakabva vavaka guta vakagara mariri.+
29 Uyezve, vakatumidza guta racho kuti Dhani zita rababa vavo, Dhani,+ akanga aberekerwa Israeri.+ Asi, pakutanga guta racho raimbonzi Raishi.+
30 Pashure paizvozvo vanakomana vaDhani vakazvimisira mufananidzo wakavezwa;+ uye Jonatani+ mwanakomana waGeshomu,+ mwanakomana waMosesi, iye nevanakomana vake vakava vapristi vedzinza revaDhani kusvikira pazuva rokutapwa kwenyika yacho.+
31 Vakaramba vakazvimisira mufananidzo wakavezwa waMika, waakanga agadzira, mazuva ose ayo imba+ yaMwari wechokwadi yakaramba iri muShiro.+