Vatongi 5:1-31
5 Zvino pazuva iroro Dhibhora+ pamwe chete naBheraki+ mwanakomana waAbhinoamu+ vakaimba rwiyo,+ vachiti:
2 “Rumbidzai Jehovha,+Nokuda kwokurega bvudzi rakarembera pakati paIsraeri kuti varwe,Nokuda kwokuzvipira kwevanhu.+
3 Teererai, imi madzimambo;+ ipai nzeve, imi machinda:Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha.+Ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri.+
4 Jehovha, pamakabva kuSeiri,+Pamakafamba muchibuda musango reEdhomu,+Nyika yakazununguka,+ matenga akadonhawo,+Makore akadonhawo mvura.
5 Makomo akayerera achibva pamberi paJehovha,+Sinai+ iri richibva pamberi paJehovha,+ Mwari waIsraeri.+
6 Mumazuva aShamgari+ mwanakomana waAnati,Mumazuva aJaeri,+ makwara aiva asina zvinofambamo,Vanofamba mumigwagwa vaifamba nemakwara anotenderera.+
7 Vaigara mumaruwa vakanga vasisimo, vasisimo pakati paIsraeri,+Kusvikira ini, Dhibhora,+ ndasimuka,Kusvikira ndasimuka saamai pakati paIsraeri.+
8 Vakasarudza vanamwari vatsva.+Kurwa kwakavapo pamagedhi panguva iyoyo.+Nhoo yaisagona kuonekwa, kana pfumo refu,Pakati pezviuru makumi mana pakati paIsraeri.+
9 Mwoyo wangu unotsigira vatungamiriri vaIsraeri,+Vaiva vazvipiri pakati pevanhu.+Rumbidzai Jehovha.+
10 Imi vatasvi vembongoro hadzi dzakatsvukuruka,+Imi munogara pamakapeti anokosha,Nemi munofamba mumugwagwa,Yeukai!+
11 Mamwe manzwi evagoveri vemvura pakati penzvimbo dzinocherwa mvura,+Ikoko akatanga kurondedzera mabasa akarurama aJehovha,+Mabasa akarurama evanhu vake vanogara mumaruwa pakati paIsraeri.Panguva iyoyo vanhu vaJehovha ndipo pavakaburukira kumagedhi.
12 Muka, muka, haiwa iwe Dhibhora;+Muka, muka, imba rwiyo!+Simuka, Bheraki,+ uende nenhapwa dzako, iwe mwanakomana waAbhinoamu!+
13 Panguva iyoyo vakapona ndipo pavakaburukira kuvakuru vakuru;Vanhu vaJehovha vakaburukira kwandiri kuzorwisana nevane simba.
14 Vakabva kuna Efremu mubani,+Vainewe, haiwa iwe Bhenjamini, pakati pemarudzi ako.Vatungamiriri vakaburuka vachibva kuna Makiri,+Vaya vaishandisa zvokushandisa zvomunyori+ vachibva kuna Zebhuruni.
15 Machinda aiva kwaIsakari+ aiva naDhibhora,SaIsakari, ndizvo zvaiva zvakaita Bheraki.+Akatumwa kubani netsoka.+Pakati pemapoka aRubheni kazhinji paiva nokuongororwa kwomwoyo.+
16 Wakagarirei pasi pakati pehomwe mbiri dzechigaro,Kuti uteerere kurira kwenyere nokuda kwemapoka ezvipfuwo here?+Nokuda kwemapoka aRubheni kazhinji paiva nokuongororwa kwomwoyo.+
17 Giriyedhi akaramba achigara kune rimwe divi raJodhani;+Dhani akarambirei achigara mungarava kwenguva yacho?+Asheri akagara asina chokuita pamhenderekedzo yegungwa,Akaramba achigara panzvimbo dzaaisvikira.+
18 VaZebhuruni vanhu vaizvidza mweya yavo kusvikira pakufa;+Naftariwo,+ panzvimbo dzakakwirira dzenyika.+
19 Madzimambo akauya, akarwa;Madzimambo eKenani ndipo paakarwa+MuTaanaki+ pedyo nemvura yeMegidho.+Hapana pfuma yesirivha yavakatora.+
20 Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga,+Dzakarwa naSisera dziri mumakwara adzinotenderera dziri.
21 Rukova rwaKishoni rwakavakukura,+Rukova rwemazuva ekare, irwo rukova rwaKishoni.+Wakatsika-tsika simba,+ haiwa mweya wangu.
22 Panguva iyoyo ndipo pairovera mahwanda emabhiza+ pasiNokuda kwokumhanya kwazvo kwemabhiza ake makono.
23 ‘Tukai+ Merozi,’ yakadaro ngirozi yaJehovha,+‘Rambai muchituka vagari vayo,Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha,Kuzobatsira Jehovha nevane simba.’
24 Jaeri+ mudzimai waHebheri muKeni+ achakomborerwa kwazvo pakati pevakadzi,Achakomborerwa kwazvo pakati pevakadzi vari mutende.+
25 Akakumbira mvura, iye akamupa mukaka;Akamupa mukaka wakakora mundiro huru yevakuru vakuru.+
26 Akabva atambanudzira ruoko rwake kuhoko yetende,Ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuti yevanoshanda nesimba.+Akarovera Sisera, akabvoora musoro wake,+Akaputsa, akatsemura zvavovo zvake.
27 Akawira pakati petsoka dzake, akadonha, akarara pasi;Akawira pakati petsoka dzake, akadonha;Paakawira, ndipo paakadonhera akundwa.+
28 Mukadzi akatarira nepahwindo akaramba achimutsvaka,Ivo amai vaSisera nepasefa,+‘Nei ngoro yake yehondo yanonoka kuuya?+Nei mitsindo yengoro dzake yanonoka kudai?’+
29 Vakadzi vake vakachenjera vanokudzwa+ vaimupindura,Chokwadi, iyewo aizvipindura nemashoko ake, achiti,
30 ‘Havafaniri kuwana here, havafaniri kugova zvakapambwa here,+Chibereko—zvibereko zviviri kumurume wose akagwinya,+Zvakapambwa zvemachira akaiswa rumwe ruvara nokuda kwaSisera, zvakapambwa zvemachira akaiswa rumwe ruvara,Nguo yakamendwa, jira rakaiswa rumwe ruvara, nguo mbiri dzakamendwaZvomumitsipa yevarume vakapambwa?’
31 Nokudaro vavengi venyu vose ngavaparare,+ haiwa Jehovha,Vanokudai+ ngavave sezvinoitika panobuda zuva rine simba.”+
Nyika haina kuzonetswazve kwemakore makumi mana.+