Zekariya 4:1-14
4 Zvino ngirozi yakanga ichitaura neni yakadzoka, ikandimutsa, somunhu anomutswa pahope.+
2 Yakabva yati kwandiri: “Uri kuonei?”+
Naizvozvo ndakati: “Ndaona, uye tarira! pane chigadziko chemarambi, chose zvacho chakagadzirwa nendarama,+ chiine ndiro pamusoro pacho. Marambi manomwe echigadziko chacho ari pachiri, iwo ari manomwe;+ uye marambi ari pamusoro pacho ane pombi nomwe.
3 Pane miorivhi miviri iri pedyo nacho,+ mumwe uri kurudyi rwendiro uye mumwe uri kuruboshwe rwayo.”
4 Ndakabva ndapindura ngirozi yakanga ichitaura neni, ndikati: “Ishe wangu, zvinhu izvi zvinorevei?”+
5 Naizvozvo ngirozi yakanga ichitaura neni yakapindura ikati kwandiri: “Chokwadi hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?”
Ini ndikati: “Hungu, ishe wangu.”+
6 Naizvozvo yakapindura, ikati kwandiri: “Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha kuna Zerubhabheri, achiti, ‘“Hazviitwi nehondo,+ kana nesimba,+ asi nomudzimu wangu,”+ Jehovha wemauto adaro.
7 Ndiwe ani, haiwa iwe gomo guru?+ Uchava nyika yakati chechetere pamberi paZerubhabheri.+ Iye achabudisa dombo repamusoro.+ Vachashevedzera+ kwariri kuti: “Unofadza kwazvo! Unofadza kwazvo!”’”+
8 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti:
9 “Maoko aZerubhabheri akavaka nheyo yeimba iyi,+ uye maoko ake achaipedzisa.+ Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwamuri.+
10 Nokuti ndiani akazvidza zuva rezvinhu zviduku?+ Vachafara,+ voona tambo yokuyeresa iri muruoko rwaZerubhabheri. Aya manomwe ndiwo maziso aJehovha.+ Ari kufamba-famba panyika pose.”+
11 Zvino ini ndakapindura ndikati kwairi: “Miorivhi miviri iyi iri kurutivi rworudyi rwechigadziko chemarambi nokuruboshwe rwacho inorevei?”+
12 Ndakabva ndapindura kechipiri ndikati kwairi: “Masvinga maviri ematavi emiorivhi, ari kudurura mvura mvura yakaita sendarama ichibva maari achishandisa pombi dzendarama chii?”
13 Naizvozvo iyo yakati kwandiri: “Chokwadi hauzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?”
Ini ndikati: “Hungu, ishe wangu.”+
14 Naizvozvo yakati: “Ava ndivo vakazodzwa+ vaviri vakamira pedyo naIshe wenyika yose.”+