Zvakazarurwa 1:1-20
1 Zvakazarurwa+ naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari,+ kuti aratidze varanda vake+ zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.+ Akatuma ngirozi yake,+ akaishandisa kuzvipa ichiita zvokuratidza+ muranda wake Johani,+
2 uyo akapupurira shoko rakapiwa naMwari+ uye uchapupu hwakapiwa naJesu Kristu,+ kunyange zvinhu zvose zvaakaona.
3 Anofara+ uyo anoverenga zvinonzwika+ nevaya vanonzwa mashoko ouprofita uhwu,+ nevanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri;+ nokuti nguva yakatarwa yava pedyo.+
4 Johani, kuungano nomwe+ dziri muruwa rweEzhiya:
Mutsa usina kukodzera kuwanwa norugare ngazvive nemi zvinobva kuna “Iye aripo neakanga aripo uye ari kuuya,”+ nokumidzimu minomwe+ iri pamberi pechigaro chake choumambo,
5 uye zvinobva kuna Jesu Kristu, “Chapupu Chakatendeka,”+ “Dangwe kubva kuvakafa,”+ no“Mutongi wemadzimambo enyika.”+
Kuna iye anotida+ uye akatisunungura pazvivi zvedu achishandisa ropa rake+—
6 uye akaita kuti tive umambo,+ vapristi+ kuna Mwari wake uye Baba vake—chokwadi, kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi.+ Ameni.
7 Tarira! Ari kuuya nemakore,+ uye maziso ose achamuona,+ nevaya vakamubaya;+ uye madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake.+ Chokwadi, Ameni.
8 “Ndini Arufa naOmega,”+ anodaro Jehovha Mwari, “Iye aripo neakanga aripo uye ari kuuya,+ Wemasimbaose.”+
9 Ini Johani, hama yenyu neanogoverana nemi pakutambudzika+ nomuumambo+ nomukutsungirira+ ndiri pamwe chete naJesu,+ ndakava pachitsuwa chinonzi Patmosi nokuda kwokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.+
10 Ini ndakava+ muzuva raShe+ ndaita zvokufuridzirwa+ uye ndakanzwa inzwi rakasimba+ shure kwangu rakaita serebhosvo,
11 richiti: “Zvaunoona nyora+ mumupumburu uzvitumire kuungano nomwe,+ muEfeso+ nomuSimina+ nomuPegamo+ nomuTiyatira+ nomuSadhisi+ nomuFiradhefiya+ nomuRaodhikiya.”+
12 Ndakatendeuka kuti ndione inzwi rakanga richitaura neni, uye, ndatendeuka, ndakaona zvigadziko zvemarambi zvendarama zvinomwe,+
13 pakati pezvigadziko zvemarambi pakanga paine mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu,+ akapfeka nguo yaisvika kutsoka, akasunga pachipfuva nebhandi rendarama.
14 Zvakare, musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena+ semvere dzemakwai chena, sechando, uye maziso ake akanga akaita somurazvo womoto;+
15 tsoka dzake dzakanga dzakafanana nemhangura yakanatswa+ painenge ichipenya iri muvira; inzwi+ rake rakanga rakaita sokutinhira kwemvura zhinji.
16 Muruoko rwake rworudyi akanga aine nyeredzi nomwe,+ uye mumuromo make makabuda bakatwa refu rakapinza,+ rinocheka nekwose, uye chiso chake chakanga chakaita sezvinoita zuva parinopenya nesimba raro.+
17 Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sokunge ndakanga ndafa.
Akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu, akati: “Usatya.+ Ndini Wokutanga+ noWokupedzisira,+
18 nomupenyu;+ uye ndakanga ndakafa,+ asi, tarira! ndiri mupenyu nokusingaperi-peri,+ uye ndine kiyi dzorufu+ nedzeHadhesi.+
19 Naizvozvo nyora zvinhu zvawaona, uye zvinhu zviripo nezvinhu zvichaitika pashure peizvi.+
20 Kana chiri chakavanzika chitsvene chenyeredzi nomwe+ dzawaona paruoko rwangu rworudyi, nechezvigadziko zvemarambi zvendarama zvinomwe:+ Nyeredzi nomwe dzinomirira ngirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvinomirira ungano nomwe.+