Zvakazarurwa 7:1-17
7 Pashure peizvi ndakaona ngirozi+ ina dzimire pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo+ ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika kana pagungwa kana pamuti+ chero upi zvawo.
2 Ndakaona imwe ngirozi ichikwira ichibva kunobuda zuva,+ iine chisimbiso chaMwari mupenyu;+ uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina dzakanga dzabvumirwa kukuvadza nyika negungwa,
3 ichiti: “Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso+ pahuma dzevaranda vaMwari wedu.”+
4 Zvino ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina,+ vakaiswa chisimbiso vachibva mumadzinza ose+ evanakomana vaIsraeri:+
5 Mudzinza raJudha+ vane zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso;mudzinza raRubheni+ zviuru gumi nezviviri;mudzinza raGadhi+ zviuru gumi nezviviri;
6 mudzinza raAsheri+ zviuru gumi nezviviri;mudzinza raNaftari+ zviuru gumi nezviviri;mudzinza raManase+ zviuru gumi nezviviri;
7 mudzinza raSimiyoni+ zviuru gumi nezviviri;mudzinza raRevhi+ zviuru gumi nezviviri;mudzinza raIsakari+ zviuru gumi nezviviri;
8 mudzinza raZebhuruni+ zviuru gumi nezviviri;mudzinza raJosefa+ zviuru gumi nezviviri;mudzinza raBhenjamini+ zviuru gumi nezviviri zvakaiswa chisimbiso.+
9 Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu,+ vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose+ nemadzinza nevanhu+ nendimi,+ vamire pamberi pechigaro choumambo+ nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena;+ uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe.+
10 Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu,+ agere pachigaro choumambo,+ uye kuGwayana.”+
11 Zvino ngirozi dzose+ dzakanga dzakamira dzakakomberedza chigaro choumambo nevakuru+ nezvisikwa zvipenyu zvina,+ uye dzakawira pasi nezviso zvadzo pamberi pechigaro choumambo dzikanamata Mwari,+
12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokukudzwa nouchenjeri nokuonga nokuremekedzwa nesimba+ nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni.”+
13 Mumwe wevakuru+ achipindura akati kwandiri: “Ava vakapfeka nguo refu chena,+ ndivanaani uye vabva kupi?”
14 Naizvozvo ndakabva ndati kwaari: “Ishe wangu, ndimi munoziva.” Iye akati kwandiri: “Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru,+ uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena+ muropa+ reGwayana.
15 Ndokusaka vari pamberi+ pechigaro choumambo chaMwari; uye vari kumuitira basa dzvene+ masikati nousiku mutemberi yake; uye Iye agere pachigaro choumambo+ achatambanudza tende+ rake pamusoro pavo.
16 Havazonzwizve nzara kana kunzwazve nyota, uyewo zuva harizovapisi kana chero kupisa kukuru kupi zvako,+
17 nokuti Gwayana,+ riri pakati pechigaro choumambo, richavafudza,+ uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura+ youpenyu. Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.”+