Zvirevo 10:1-32
10 Zvirevo zvaSoromoni.+
Mwanakomana akachenjera ndiye anoita kuti baba vafare,+ asi mwanakomana benzi anoshungurudza amai vake.+
2 Pfuma yomunhu akaipa haizobatsiri,+ asi kururama ndiko kuchanunura parufu.+
3 Jehovha haazoiti kuti mweya womunhu akarurama unzwe nzara,+ asi achasundira kure kupanga kwevakaipa.+
4 Munhu anoshanda akarembedza maoko achava murombo,+ asi ruoko rwomunhu anoshingaira ruchamupfumisa.+
5 Mwanakomana ane njere anounganidza muzhizha; mwanakomana anoita zvinonyadzisa anenge akafa nehope munguva yokukohwa.+
6 Zvikomborero ndezvomusoro womunhu akarurama,+ asi miromo yevakaipa inovanza chisimba.+
7 Kuyeukwa kwomunhu akarurama kunounza chikomborero,+ asi mazita evakaipa achaora.+
8 Munhu ane mwoyo wakachenjera achagamuchira mirayiro,+ asi anotaura zvoupenzi nemiromo yake achatsikwa-tsikwa.+
9 Munhu anofamba akavimbika achafamba akachengeteka,+ asi uya anoita kuti nzira dzake dzive dzisina kururama achazvizivisa.+
10 Anochonya neziso rake achakonzera kurwadziwa,+ uye anotaura zvoupenzi nemiromo yake achatsikwa-tsikwa.+
11 Muromo womunhu akarurama itsime roupenyu;+ asi miromo yevakaipa inovanza chisimba.+
12 Ruvengo ndirwo runomutsa kukakavara,+ asi rudo runofukidza kudarika kwose.+
13 Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yomunhu anonzwisisa,+ asi shamhu ndeyomusana womunhu ane mwoyo usina njere.+
14 Vakachenjera ndivo vanochengeta zivo,+ asi muromo webenzi uri pedyo nokuparadzwa.+
15 Zvinhu zvinokosha zvomupfumi itaundi rake rakasimba.+ Kuparadzwa kwevakaderera ndihwo urombo hwavo.+
16 Basa romunhu akarurama rinoguma noupenyu;+ zvibereko zvomunhu akaipa zvinoguma nechivi.+
17 Munhu anoomerera pakurangwa inzira inoenda kuupenyu,+ asi uya anoramba kutsiurwa anoita kuti pave nokudzungaira.+
18 Kumunhu anovanza ruvengo kune miromo yenhema,+ uye anounza mashoko akaipa ibenzi.+
19 Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika,+ asi munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.+
20 Rurimi rwomunhu akarurama isirivha yakanaka kwazvo;+ mwoyo womunhu akaipa haumbokoshi.+
21 Miromo yomunhu akarurama inoramba ichifudza vazhinji,+ asi mapenzi anoramba achifa nokuti ane mwoyo isina njere.+
22 Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa,+ uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.+
23 Kubenzi kusazvibata kwakaita somutambo,+ asi uchenjeri ndehwomunhu ane ungwaru.+
24 Chinhu chinotyisa munhu akaipa—ndicho chichauya kwaari;+ asi vakarurama vachapiwa zvavanoda.+
25 Sezvinoitika panopfuura dutu, munhu akaipa haazovipozve;+ asi munhu akarurama inheyo nokusingagumi.+
26 Sezvinoita vhiniga pamazino uye sezvinoita utsi mumaziso, ndizvo zvakaita simbe kune vaya vanoituma.+
27 Kutya Jehovha kuchawedzera mazuva,+ asi makore evakaipa achatapudzwa.+
28 Vakarurama vanomirira vachifara,+ asi tariro yevakaipa ichaparara.+
29 Nzira yaJehovha inhare kumunhu asina chaanopomerwa,+ asi kuparadzwa ndokwevanoita zvinhu zvinokuvadza.+
30 Munhu akarurama haazozununguswi nokusingagumi;+ asi vakaipa havazorambi vachigara panyika.+
31 Muromo womunhu akarurama—unobereka chibereko chouchenjeri,+ asi rurimi rwakatsauka ruchagurwa.+
32 Miromo yomunhu akarurama—inoziva zvinofarirwa,+ asi miromo yevakaipa yakatsauka.+