Zvirevo 11:1-31
11 Chikero chinonyengedza chinhu chinosemesa Jehovha,+ asi chiyero chedombo chakakwana chinomufadza.
2 Kuzvikudza kwavapo here? Ruzvidzo ruchabva rwavapowo;+ asi vane mwero ndivo vane uchenjeri.+
3 Kutendeka kwevakarurama ndiko kunovatungamirira,+ asi kusarurama kwevaya vanonyengera kuchavapamba.+
4 Zvinhu zvinokosha hazvizobatsiri pazuva rokushatirwa kukuru,+ asi kururama kuchanunura parufu.+
5 Kuvimbika kwomunhu asina chaanopomerwa ndiko kucharuramisa nzira yake,+ asi munhu akaipa achafira muzvakaipa zvake.+
6 Kururama kwevakarurama ndiko kuchavanunura,+ asi vaya vanonyengera vachabatwa nokupanga kwavo.+
7 Munhu akaipa paanofa, tariro yake inoparara;+ kunyange tariro yakavakirwa pakuva nesimba inoparara.+
8 Munhu akarurama ndiye anonunurwa pakutambudzika,+ asi munhu akaipa anopinda panzvimbo pake.+
9 Munhu akatsauka anoparadza wokwake nomuromo wake,+ asi vakarurama vanonunurwa nezivo.+
10 Taundi rinofara kwazvo nokuda kwokunaka kwevakarurama,+ asi vakaipa pavanoparara panova nokushevedzera kwokufara.+
11 Taundi rinokwidziridzwa+ nokuda kwechikomborero chevakarurama, asi rinoputswa nokuda kwemiromo yevakaipa.+
12 Munhu ane mwoyo usina njere anozvidza wokwake,+ asi munhu ane ungwaru kwazvo ndiye anoramba akanyarara.+
13 Munhu anofamba-famba achichera vamwe+ anobudisa zvakavanzika,+ asi akatendeka anofukidza nyaya.+
14 Kutungamirira kwounyanzvi pakunenge kusipo, vanhu vanowa;+ asi kuponeswa kunovapo kana paine vanopa mazano vazhinji.+
15 Anozviita chokumbofanobata kumunhu waasingazivi+ achachema nazvo, asi anovenga kubatana maoko kuti aite chibvumirano anoramba asinganetseki.
16 Mukadzi akanaka ndiye anokudzwa;+ asi vadzvinyiriri, vanowana pfuma.
17 Munhu ane mutsa worudo anoitira mweya wake zvakanaka,+ asi munhu ane utsinye anounzira muviri wake dambudziko.+
18 Munhu akaipa anowana mubayiro wenhema,+ asi anodyara kururama anowana mubayiro wechokwadi.+
19 Anomira akasimba nokuda kwokururama achawana upenyu,+ asi anodzingirira zvakaipa achazviunzira rufu.+
20 Vaya vane mwoyo isina kururama vanosemesa Jehovha,+ asi vasina chavanopomerwa munzira dzavo vanomufadza.+
21 Kunyange vangabatana maoko, munhu akaipa haazoregi kurangwa;+ asi vana vevakarurama vachapukunyuka.+
22 Mukadzi akanaka asi asina kuchenjera,+ akaita serin’i yepamhino yakagadzirwa nendarama iri pamhino yenguruve.
23 Vakarurama vanoda zvakanaka chete;+ tariro yevakaipa inoguma nokushatirwa kukuru.+
24 Kune munhu anoparadzira asi iye achiwedzerwa;+ uyewo uya anorega kuita zvakarurama, asi zvinongoguma nokushayiwa.+
25 Mweya une rupo uchakodzwa,+ uye anodiridza vamwe kwazvo achadiridzwawo kwazvo.+
26 Munhu anonyima zviyo—achatukwa nevanhu, asi musoro weanorega zvichitengwa uchakomborerwa.+
27 Anotsvaka zvakanaka acharamba achitsvaka kufarirwa;+ asi anotsvaka kuita zvakaipa, zvichauya paari iye.+
28 Munhu anovimba nepfuma yake—iye achawa;+ asi vakarurama vachabudirira sezvinoita mashizha manyoro.+
29 Munhu anounzira imba yake dambudziko,+ achagara nhaka yemhepo+ zvayo; uye benzi richava mushandi womunhu ane mwoyo wakachenjera.
30 Zvibereko zvomunhu akarurama muti woupenyu,+ uye anowana mweya akachenjera.+
31 Tarira! Munhu akarurama—achapiwa mubayiro+ panyika. Zvino zvakadini nomunhu akaipa nomutadzi!+