Zvirevo 12:1-28
12 Anoda kurangwa anoda zivo,+ asi anovenga kutsiurwa haafungi.+
2 Munhu akanaka anofarirwa naJehovha,+ asi munhu ane pfungwa dzakaipa anomuti akaipa.+
3 Hapana munhu achasimbiswa nezvakaipa;+ asi midzi yevakarurama haizozununguswi.+
4 Mudzimai anokwanisa ikorona kumurume wake,+ asi uya anonyadzisa akafanana nokuora kuri mumapfupa omurume wake.+
5 Pfungwa dzevakarurama ndedzokururamisira;+ kutungamirira kwevakaipa unyengeri.+
6 Mashoko evakaipa kuvandira ropa,+ asi miromo yevakarurama ndiyo ichavanunura.+
7 Vakaipa vachaparadzwa uye havazovipo,+ asi imba yevakarurama icharamba yakamira.+
8 Munhu acharumbidzwa nokuda kwomuromo wake wakangwara,+ asi ane mwoyo usina kururama achazvidzwa.+
9 Munhu asingaremekedzwi asi aine mushandi ari nani pane anozvikudza asi achishayiwa zvokudya.+
10 Munhu akarurama anotarisira mweya wechipfuwo chake,+ asi ngoni dzevakaipa dzine utsinye.+
11 Munhu anorima munda wake achaguta zvokudya,+ asi uya anotevera zvinhu zvisingakoshi ane mwoyo usina njere.+
12 Munhu akaipa anochiva mhuka yakabatwa mumambure evarume vakaipa;+ asi midzi yevakarurama inobereka zvibereko.+
13 Munhu akaipa anoteyiwa nokudarika kwemiromo,+ asi munhu akarurama anobuda mudambudziko.+
14 Munhu anogutswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake,+ uye zvinoitwa nemaoko omunhu zvichadzoka kwaari.+
15 Nzira yebenzi yakarurama mukuona kwaro,+ asi anoteerera zano akachenjera.+
16 Benzi ndiro rinozivisa kutsamwa kwaro zuva iroro,+ asi munhu ane njere anofukidza ruzvidzo.+
17 Munhu anobudisa mashoko akatendeka achataura zvakarurama,+ asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko ounyengeri.+
18 Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa,+ asi rurimi rwevakachenjera runoporesa.+
19 Muromo wechokwadi+ ndiwo uchasimbiswa nokusingaperi,+ asi rurimi rwenhema ruchangovapo kwenguva duku.+
20 Unyengeri huri mumwoyo mevaya vanoronga kuita zvakaipa,+ asi vaya vanopa mazano ezvorugare vanofara.+
21 Hapana chinhu chinokuvadza chichawira munhu akarurama,+ asi vakaipa ndivo vachazadzwa nedambudziko.+
22 Miromo inoreva nhema chinhu chinosemesa Jehovha,+ asi vaya vakatendeka vanomufadza.+
23 Munhu ane njere anovanza zivo,+ asi mwoyo yemapenzi ndiyo inoshevedzera upenzi.+
24 Ruoko rwevanoshingaira ndirwo ruchatonga,+ asi ruoko rune usimbe ruchashanda basa rokumanikidzirwa.+
25 Kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo momunhu ndiko kuchaukotamisa,+ asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.+
26 Munhu akarurama anoongorora mafuro ake, asi nzira yevakaipa inoita kuti vadzungaire.+
27 Usimbe hahuzoiti kuti munhu adzingirire mhuka dzomusango,+ asi munhu anoshingaira ndiyo pfuma inokosha yomunhu.
28 Mugwara rokururama mune upenyu,+ uye kufamba mugwara rakwo hakuunzi rufu.+