Zvirevo 13:1-25
13 Mwanakomana anochenjera kana achirangwa nababa,+ asi museki ndiye asinganzwi kutsiurwa.+
2 Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake,+ asi mweya yevaya vanonyengera inoita zvechisimba.+
3 Munhu anorinda muromo wake anochengeta mweya wake.+ Munhu anoshama miromo yake kwazvo—achaparadzwa.+
4 Simbe inopanga, asi mweya wayo hauna chinhu.+ Zvisinei, mweya yevanoshingaira ichakodzwa.+
5 Vakarurama vanovenga shoko renhema,+ asi vakaipa vanoita zvinonyadzisa uye vanozvinyadzisa.+
6 Kururama kunochengetedza munhu asina chaanopomerwa munzira yake,+ asi uipi ndihwo hunowisira mutadzi pasi.+
7 Kune munhu anonyepedzera kuva mupfumi, asi iye asina kana chinhu;+ kune anonyepedzera kuva murombo asi iye aine zvinhu zvinokosha zvizhinji.
8 Rudzikinuro rwomweya womunhu ipfuma yake,+ asi murombo haanzwi kutsiurwa.+
9 Chiedza chevakarurama chichafara;+ asi rambi revakaipa—richadzimwa.+
10 Munhu anokonzera kukakavara nokuda kwokuzvikudza,+ asi vaya vanorangana vane uchenjeri.+
11 Zvinhu zvinokosha zvinowanikwa nenzira isina zvainobatsira zvinova zvishoma,+ asi munhu anounganidza noruoko ndiye anoita kuti zviwedzere.+
12 Kana chinhu chinotarisirwa chikanonoka, chinoita kuti mwoyo urware,+ asi chinhu chinodiwa muti woupenyu pachinosvika.+
13 Munhu anozvidza shoko,+ achatorerwa chokumbofanobata chomukwereti; asi munhu anotya murayiro ndiye achapiwa mubayiro.+
14 Mutemo womunhu akachenjera itsime roupenyu,+ kuti ubvise munhu pamisungo yorufu.+
15 Njere dzakanaka dzinoita kuti munhu anzwirwe nyasha,+ asi nzira yevaya vanonyengera haina kuenzana.+
16 Munhu wose ane njere achaita nezivo,+ asi benzi richaparadzira upenzi kwose kwose.+
17 Nhume yakaipa ichawira mune zvakaipa,+ asi nhume yakatendeka inoporesa.+
18 Munhu asina hanya nokurangwa anova murombo uye anozvidzwa,+ asi anochengeta kutsiurwa ndiye anokudzwa.+
19 Zvinodiwa pazvinoitika zvinofadza mweya;+ asi kurega zvakaipa chinhu chinosemesa mapenzi.+
20 Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera,+ asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.+
21 Vatadzi ndivo vanoteverwa nedambudziko,+ asi vakarurama ndivo vanopiwa mubayiro nezvakanaka.+
22 Munhu akanaka achasiyira vanakomana vevanakomana nhaka, uye pfuma yomutadzi chinhu chinochengeterwa munhu akarurama.+
23 Munda wakarimwa wevarombo unobereka zvokudya zvizhinji kwazvo,+ asi kune munhu anoparadzwa nokuda kwokusaruramisira.+
24 Munhu anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake,+ asi anomuda ndiye anotsvaka kumuranga.+
25 Munhu akarurama anodya kusvikira mweya wake waguta,+ asi matumbu evakaipa achange asina chinhu.+