Zvirevo 14:1-35
14 Mukadzi akachenjera zvechokwadi anovaka imba yake,+ asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.+
2 Munhu anofamba mukururama kwake anotya Jehovha,+ asi munhu asina kururama panzira dzake anomuzvidza.+
3 Shamhu yokuzvikudza iri mumuromo mebenzi,+ asi miromo yevakachenjera ichavarinda.+
4 Kana pasina mombe chidyiro chezvipfuwo chinenge chakachena, asi zvirimwa zvinowanda nokuda kwesimba renzombe.
5 Chapupu chakatendeka ndechiya chisingazorevi nhema,+ asi chapupu chenhema chinobudisa nhema dzoga.+
6 Museki anotsvaka kuti awane uchenjeri, asi haahuwani; asi kumunhu anonzwisisa, zivo chinhu chiri nyore.+
7 Ibva pamberi pebenzi,+ nokuti chokwadi hauzocherechedzi miromo ine zivo.+
8 Uchenjeri hwomunhu ane njere kunzwisisa nzira yake,+ asi upenzi hwemapenzi unyengeri.+
9 Vaya vanoseka ivo vaine mhosva mapenzi,+ asi vakarurama vanobvumirana.+
10 Mwoyo unoziva kurwadziwa kwomweya womunhu,+ uye hapana mumwe munhuwo zvake angapindira pakufara kwawo.
11 Imba yevanhu vakaipa ichatsakatiswa,+ asi tende revakarurama richabudirira.+
12 Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu,+ asi kuguma kwayo inzira dzorufu.+
13 Kunyange uchiseka, mwoyo ungava uchirwadziwa;+ uye kufara kunoguma neshungu.+
14 Munhu asina kutenda mumwoyo achagutswa nemigumisiro yenzira dzake,+ asi munhu akanaka achagutswa nemigumisiro yezvaanoita.+
15 Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose,+ asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.+
16 Munhu akachenjera anotya uye anobva pane zvakaipa,+ asi benzi rinoshatirwa kwazvo uye rinozvivimba.+
17 Munhu anokurumidza kutsamwa achaita zvoupenzi,+ asi munhu ane mano okufunga anovengwa.+
18 Vasina zivo vachagara nhaka youpenzi,+ asi vane njere vachapfeka zivo sechishongo chomumusoro.+
19 Vanhu vakashata vachakotamira vakanaka,+ uye vanhu vakaipa vachakotama pamagedhi omunhu akarurama.
20 Murombo anovengwa kunyange nowokwake,+ asi mupfumi ane shamwari zhinji.+
21 Munhu anozvidza wokwake anotadza,+ asi uya anonzwira nyasha vanotambudzika anofara.+
22 Vaya vanofunga kuita zvakaipa havazodzungairi+ here? Asi vaya vanofunga kuita zvakanaka vanowana mutsa worudo nechokwadi.+
23 Kushanda zvakaoma kwose kune zvakunobatsira,+ asi kungotaura nemiromo kunoita kuti pave nokushayiwa.
24 Korona yevakachenjera ipfuma yavo; upenzi hwemafuza upenzi.+
25 Chapupu chechokwadi chinonunura mweya,+ asi chinonyengera chinobudisa nhema dzoga.+
26 Mukutya Jehovha mune chivimbo chakasimba,+ uye vanakomana vake vachawana kwokupotera.+
27 Kutya Jehovha itsime roupenyu,+ kuti ubve pamisungo yorufu.+
28 Kushonga kwamambo kunoonekwa nokuwanda kwevanhu,+ asi kuparara kwejinda kunoonekwa nokushayikwa kwevanhu.+
29 Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo,+ asi asingashiviriri anokwidziridza upenzi.+
30 Mwoyo wakadzikama upenyu hwomuviri wenyama,+ asi godo rinoodza mapfupa.+
31 Anobiridzira munhu akaderera anozvidza Muiti wake,+ asi munhu anonzwira murombo nyasha anomukudza Iye.+
32 Munhu akaipa achawisirwa pasi nokuda kwezvakaipa zvake,+ asi munhu akarurama achawana kwokupotera mukuvimbika kwake.+
33 Uchenjeri hunogara mumwoyo momunhu anonzwisisa,+ uye hunozivikanwa pakati pemapenzi.
34 Kururama ndiko kunokwidziridza rudzi,+ asi chivi chinhu chinonyadzisa mapoka emarudzi.+
35 Mambo anofadzwa nomushandi ane njere,+ asi anoshatirirwa kwazvo munhu anoita zvinonyadzisa.+