Zvirevo 17:1-28
17 Zviri nani kuva nechingwa chakaoma paine runyararo,+ pane kuva neimba izere nezvibayiro zvokupopotedzana.+
2 Mushandi ane njere achatonga mwanakomana anoita zvinonyadzisa,+ uye achava nomugove wenhaka pakati pehama.+
3 Hari yokunatsira ndeyesirivha uye vira nderendarama,+ asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+
4 Munhu anoita zvakaipa anoteerera muromo unotaura zvinhu zvinokuvadza.+ Murevi wenhema anoteerera rurimi runokonzera nhamo.+
5 Munhu anonyomba murombo anonyomba Muiti wake.+ Munhu anofarira njodzi yomumwe haazoregi kurangwa.+
6 Korona yevakwegura vazukuru,+ uye kunaka kwevanakomana ndivanababa+ vavo.
7 Kutaura kwakarurama hakukodzeri benzi.+ Zvakadini nokutaura kwenhema kumunhu anokudzwa!+
8 Chipo idombo rinokosha rinofarirwa nomuridzi waro.+ Kwose kwose kwaanoenda anobudirira.+
9 Munhu anofukidza kudarika anotsvaka rudo,+ uye uya anoramba achitaura nezvenyaya yacho anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.+
10 Kutsiura kunoshanda zvakanyanya kumunhu anonzwisisa+ kupfuura kurova benzi kane zana.+
11 Munhu akaipa anoramba achingotsvaka kupandukira,+ uye anotumirwa nhume ine utsinye.+
12 Zviri nani kuti munhu asangane nemhuka inonzi bheya yafirwa nevana vayo+ pane kusangana nebenzi noupenzi hwaro.+
13 Munhu anotsiva zvakanaka nokuita zvakaipa,+ zvakaipa hazvizobvi pamba pake.+
14 Kutanga kwokukakavara kwakaita somunhu anovhurira mvura;+ saka ibva kupopotedzana kusati kwatanga.+
15 Munhu anoti munhu akaipa akarurama+ uye anoti munhu akarurama akaipa+—vose zvavo vanosemesa Jehovha.+
16 Nei muruoko rwebenzi muine mutengo wokuwana uchenjeri,+ asi iye asina mwoyo une njere?+
17 Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose,+ uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.+
18 Munhu ane mwoyo usina njere anobatana maoko+ nomumwe achiita chibvumirano, achizviita chokumbofanobata pamberi peshamwari yake.+
19 Munhu anoda kudarika anoda kukakavara.+ Munhu anoita kuti pasuo rake pave pakakwirira anotsvaka kuputsika.+
20 Munhu ane mwoyo usina kururama haazowani zvakanaka,+ uye munhu anonyengera norurimi rwake achawira mudambudziko.+
21 Munhu anobereka mwana benzi—achashungurudzwa;+ uye baba vomwana benzi havafari.+
22 Mwoyo unofara unorapa,+ asi kushushikana kunoomesa mapfupa.+
23 Munhu akaipa achatora pfumbamuromo pachipfuva+ kuti atsaudzire makwara okururamisira.+
24 Uchenjeri huri pamberi pomunhu anonzwisisa,+ asi maziso ebenzi ari kumugumo kwenyika.+
25 Mwanakomana benzi anotsamwisa baba vake,+ uye anorwadzisa iye akamubereka.+
26 Uyezve, kuripisa munhu akarurama hakuna kunaka.+ Kurova vanokudzwa kunopesana nezvakarurama.+
27 Munhu anorega kutaura mashoko ake ane zivo,+ uye munhu ane ungwaru akadzikama.+
28 Kunyange benzi, parinenge rakanyarara, richanzi rakachenjera;+ munhu anovhara miromo yake, achanzi anonzwisisa.