Zvirevo 19:1-29
19 Murombo anofamba akavimbika ari nani+ pane munhu ane miromo isina kururama, uye pane benzi.+
2 Uyewo, hazvina kunaka kuti mweya urege kuva nezivo,+ uye anochimbidza netsoka dzake anotadza.+
3 Upenzi hwomunhu wepanyika ndihwo hunokanganisa nzira yake,+ naizvozvo mwoyo wake unotsamwira Jehovha.+
4 Pfuma ndiyo inowedzera shamwari zhinji,+ asi munhu akaderera anoparadzaniswa kunyange neshamwari yake.+
5 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,+ uye munhu anoreva nhema haazopukunyuki.+
6 Vazhinji ndivo vanotsvaka kunzwirwa nyasha nomunhu anokudzwa,+ uye munhu wose ishamwari yomunhu anopa zvipo.+
7 Hama dzose dzomurombo dzinomuvenga.+ Shamwari dzake dzepedyo dzinoramba dziri kure naye zvikuru sei!+ Anodzitevera aine zvokutaura; asi hadzimuteereri.+
8 Munhu anowana mwoyo une njere+ anoda mweya wake. Munhu anochengetedza ungwaru achawana zvakanaka.+
9 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,+ uye munhu anoreva nhema achaparara.+
10 Umbozha hahukodzeri benzi.+ Zvakadini nokuti mushandi atonge machinda!+
11 Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake,+ uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.+
12 Hasha dzamambo dzakafanana nokuomba kwomwana weshumba ava nezenze,+ asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pazvinhu zvinomera.+
13 Mwanakomana benzi inhamo kuna baba vake,+ uye kukakavara kwomudzimai kwakaita sedenga reimba rinodonha mvura rinoita kuti munhu atize.+
14 Imba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba,+ asi mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha.+
15 Usimbe hunokonzera hope huru,+ uye mweya une usimbe uchanzwa nzara.+
16 Munhu anochengeta mirayiro anochengeta mweya wake;+ munhu anozvidza nzira dzake achaurayiwa.+
17 Munhu anonzwira nyasha munhu akaderera, anokweretesa Jehovha,+ uye Iye achamuripa zvaanoita.+
18 Ranga mwanakomana wako pachine tariro;+ uye mweya wako ngaurege kuva nechido chokumuuraya.+
19 Munhu ane hasha zvikuru acharipa;+ nokuti kana ukamununura, iwe ucharamba uchingozviita.+
20 Teerera zano ugamuchire kurangwa,+ kuti uve akachenjera munguva yako yemberi.+
21 Zvirongwa zviri mumwoyo momunhu zvizhinji,+ asi zano raJehovha ndiro richamira.+
22 Chinhu chinodiwa pamunhu wepanyika ndiwo mutsa wake worudo;+ uye murombo ari nani kupfuura munhu anoreva nhema.+
23 Kutya Jehovha kunounza upenyu,+ uye munhu achagutsikana usiku hwose;+ munhu haazoshanyirwi nezvakaipa.+
24 Simbe inovanza ruoko rwayo mundiro;+ haigoni kurudzosa kumuromo wayo.+
25 Rova museki,+ kuti asina zivo ave nenjere;+ uye tsiura anonzwisisa, kuti anzwisise zivo.+
26 Munhu anoitira baba utsinye neanodzinga amai,+ iye mwanakomana anonyadzisa nokutsverudza.+
27 Mwanakomana wangu, kana ukarega kuteerera kurangwa, ucharasika pamashoko ezivo.+
28 Chapupu chisina zvachinobatsira chinonyomba kururamisira,+ uye muromo wevanhu vakaipa unomedza zvinhu zvinokuvadza.+
29 Kutonga kwakasimbiswa kwazvo nokuda kwevaseki,+ uye shamhu nokuda kwemisana yemapenzi.+