Zvirevo 20:1-30
20 Waini museki,+ doro rinodhaka rinokonzera mheremhere,+ uye munhu wose anotsauswa nazvo haana kuchenjera.+
2 Kutyisa kwamambo kwakafanana nokuomba kwomwana weshumba ava nezenze.+ Munhu anomushatirisa kwazvo anotadzira mweya wake.+
3 Munhu asingaiti nharo anokudzwa,+ asi munhu wose benzi anongoita nharo.+
4 Simbe hairimi nokuti inguva yechando;+ inozopemha munguva yokukohwa, asi panenge pasisina chinhu.+
5 Zano riri mumwoyo momunhu rakaita semvura yakadzika,+ asi munhu ane ungwaru achaichera.+
6 Mumwe nomumwe pavanhu vazhinji achazviti ane mutsa worudo,+ asi ndiani angawana munhu akatendeka?+
7 Munhu akarurama anofamba akavimbika.+ Vanakomana vake vanomutevera vanofara.+
8 Mambo akagara pachigaro choumambo chokutonga,+ achiparadzira zvakaipa zvose nemaziso ake.+
9 Ndiani angati: “Ndakachenesa mwoyo wangu;+ ndakachena pachivi changu”?+
10 Zvokuyeresa zviviri zvakasiyana uye zvokuyeresa zveefa zviviri zvakasiyana+—zvose pamwe chete chinhu chinosemesa Jehovha.+
11 Mukomana anoratidza kana basa rake rakachena uye kana rakarurama nezvaanoita.+
12 Nzeve inonzwa neziso rinoona—Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.+
13 Usada hope, kuti urege kuva murombo.+ Vhura maziso ako; guta nezvokudya.+
14 “Zvakaipa, zvakaipa!” anodaro mutengi, iye oenda hake.+ Zvino hoyo ozvirumbidza hake.+
15 Kune ndarama, uyewo matombo ekorari mazhinji; asi miromo ine zivo midziyo inokosha.+
16 Kana munhu akazviita chokumbofanobata kumunhu waasingazivi,+ tora nguo yake; uye kana akashamwaridzana nomukadzi wokumwe, mutorere chokumbofanobata.+
17 Zvokudya zvinowanikwa nokureva nhema zvinofadza munhu,+ asi pashure muromo wake uchazara norukangarabwe.+
18 Zvirongwa zvinosimbiswa kwazvo nokupanana mazano,+ uye irwa hondo yako nokutungamirira kwounyanzvi.+
19 Munhu anofamba-famba achichera vamwe anobudisa zvakavanzika;+ uye usashamwaridzana nomunhu anonyengerwa nemiromo yake.+
20 Munhu anotuka baba vake naamai vake,+ rambi rake richadzimwa kana rima rava kusvika.+
21 Nhaka inowanikwa nemakaro pakutanga,+ asi ramangwana rayo harizokomborerwi.+
22 Usati: “Ndichatsiva chakaipa!”+ Mirira Jehovha,+ iye achakuponesa.+
23 Zvokuyeresa zviviri zvakasiyana chinhu chinosemesa Jehovha,+ uye chikero chinonyengera hachina kunaka.+
24 Jehovha ndiye anoita kuti nhanho dzomurume akagwinya dzivepo.+ Asi munhu wepanyika angaziva sei nzira yake?+
25 Iwo musungo kana munhu wepanyika akurumidza kushevedzera kuti, “Chitsvene!”+ iye ozoda kuongorora+ atopika mhiko.+
26 Mambo akachenjera anoparadzira vanhu vakaipa,+ uye anoita kuti vhiri ritenderere pavari.+
27 Mhepo yokufema+ yomunhu wepanyika irambi raJehovha, rinonyatsoongorora mukatikati medumbu.+
28 Mutsa worudo nechokwadi—zvinochengetedza mambo;+ uye anotsigira chigaro chake choumambo nomutsa worudo.+
29 Kunaka kwemajaya ndiro simba rawo,+ uye kubwinya kwevakwegura ndiko kuchena kwemisoro yavo.+
30 Kurova kunokuzvura ndiko kunokwesha kuchibvisa zvakaipa;+ uye shamhu, dzinokwesha mukatikati medumbu.+