Zvirevo 24:1-34
24 Usaitira vanhu vakaipa shanje,+ uye usapanga kufambidzana navo.+
2 Nokuti mwoyo yavo inoramba ichifungisisa zvokupamba, uye miromo yavo inoramba ichitaura zvinhu zvinotambudza.+
3 Imba inovakwa nouchenjeri,+ uye inosimbiswa kwazvo noungwaru.+
4 Dzimba dzomukati dzichazara nezvinhu zvose zvinokosha uye zvinofadza nokuda kwokuva nezivo.+
5 Munhu anoshandisa simba rake nokuchenjera murume akagwinya,+ uye munhu ane zivo anowedzera simba.+
6 Nokuti ucharwa hondo yako nokutungamirira kwounyanzvi,+ uye pane vanopa mazano vazhinji pane ruponeso.+
7 Uchenjeri hwechokwadi hwakanyanya kukwirira kubenzi;+ uye harizovhuri muromo waro pagedhi.
8 Ani naani anoronga kuita zvakaipa, achanzi tenzi wepfungwa dzakashata.+
9 Kusazvibata kwoupenzi chivi,+ uye museki anosemesa vanhu.+
10 Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here?+ Simba rako richava shoma.
11 Nunura vaya vari kuenda kunourayiwa; uye vaya vanodzedzereka vachienda kunourayiwa, haiwa vadzivise.+
12 Kana ukati: “Tarira! Takanga tisingazvizivi,”+ iye anoona zvakaita mwoyo haazozvizivi here,+ uye iye anonyatsotarira mweya wako haazozvizivi here,+ oripa munhu wepanyika zvinoenderana nebasa rake?+
13 Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; ita kuti uchi hwomumazinga hunotapira huve mumukanwa mako.+
14 Saizvozvowo, ziva uchenjeri kuti ubatsire mweya wako.+ Kana ukahuwana, ipapo uchava nenguva yemberi, uye tariro yako haizoparadzwi.+
15 Usavandira nzvimbo inogara munhu akarurama sezvinoita munhu akaipa;+ usapamba nzvimbo yake yaanozororera.+
16 Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka;+ asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.+
17 Muvengi wako paanowa, rega kufara; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,+
18 kuti Jehovha arege kuzviona zvikava zvakaipa mumaziso ake, akarega kumutsamwira.+
19 Usashatirwa nokuda kwevakaipa. Usaitira vanhu vakaipa shanje.+
20 Nokuti hapazovi nenguva yemberi nokuda kwomunhu chero upi zvake akaipa;+ rambi revanhu vakaipa richadzimwa.+
21 Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo.+ Usafambidzana nevaya vanoda zvokupanduka.+
22 Nokuti njodzi yavo ichangoerekana yavapo,+ zvokuti ndiani anoziva kutsakatika kuchaita vaya vanoda zvokupanduka?+
23 Mashoko ayawo ndeevakachenjera:+ Kusarura pakutonga hakuna kunaka.+
24 Munhu anoti kune munhu akaipa: “Wakarurama,”+ marudzi achamutuka, mapoka emarudzi achamupa mhosva.
25 Asi zvichafadza vaya vanomutsiura,+ uye vachakomborerwa nezvinhu zvakanaka.+
26 Iye anopindura nenzira yakarurama achatsvoda miromo.+
27 Gadzirira basa rako kunze, urigadzirire mumunda.+ Pashure uvakewo imba yako.
28 Usapupurira wokwako zvakaipa pasina chikonzero.+ Ipapo uchava benzi nemiromo yako.+
29 Usati: “Ndichamuitira sezvaakandiitira.+ Ndichatsiva mumwe nomumwe zvinoenderana nezvaakaita.”+
30 Ndakapfuura nepamunda wesimbe+ uye nepamunda womuzambiringa womunhu ane mwoyo usina njere.+
31 Tarira! wose zvawo wakamera sora.+ Rukato rwakafukidza pamusoro pawo, uye rusvingo rwawo rwakanga rwaputsika.+
32 Naizvozvo ini ndakaona; ndakatanga kuzviisa mumwoyo;+ ndakaona, uye ndakagamuchira kurangwa uku:+
33 Kumborara zvishoma, kumbotsimwaira zvishoma, kumbopeta maoko zvishoma kuti urare pasi,+
34 uye urombo hwako huchasvika segororo romumugwagwa uye kushayiwa kwako somunhu ane zvombo.+