Zvirevo 25:1-28
25 Izviwo ndizvo zvirevo zvaSoromoni+ zvakanyorwa nevarume vaHezekiya mambo waJudha:+
2 Kukudzwa kwaMwari kuri mukuvanzwa kwenyaya,+ uye kukudzwa kwemadzimambo kuri mukutsvakisiswa kwenyaya.+
3 Matenga nokuda kwokukwirira+ kwawo, nyika nokuda kwokudzika+ kwayo, pamwe chete nemwoyo yemadzimambo, hazvigoni kuongororwa.+
4 Tsvina yakaita furo ngaibviswe pasirivha, uye yose ichabuda yanatswa.+
5 Munhu akaipa ngaabviswe pamberi pamambo,+ uye chigaro chake choumambo chichasimbiswa kwazvo nokururama.+
6 Usazvikudza pamberi pamambo,+ uye usamira munzvimbo yevakuru.+
7 Nokuti zviri nani kuti iye ati kwauri: “Kwira kuno,”+ pane kuti akuderedze pamberi pomunhu anokudzwa wawaona nemaziso ako.+
8 Usachimbidza kunomhan’ara mhosva, kuti usazoshaya zvokuita pakupedzisira mumwe wako paanokunyadzisa.+
9 Pedzerana mhosva yako nowokwako,+ uye usabudisa zvakavanzika zvomumwe;+
10 kuti anoteerera arege kukunyadzisa uye mashoko ako akaipa atadze kudzoswa.
11 Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.+
12 Munhu akachenjera anotsiura nzeve inonzwa akaita semhete yendarama, uye chishongo chendarama chaiyo.+
13 Nhume yakatendeka yakaita sokutonhorera kwechando+ pazuva rokukohwa kune vaya vanoituma, nokuti inozorodza mweya yavanatenzi vayo.+
14 Munhu anozvirumbidza nokuda kwechipo chenhema+ akafanana nemakore nemhepo zvisinganayisi mvura.
15 Mutungamiriri anonyengetedzwa nokushivirira, uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.+
16 Wawana uchi here?+ Idya hwakakukwanira, kuti urege kudya hwakawandisa ukahurutsa.+
17 Tsoka yako ngairege kunyanya kuenda kuimba yowokwako, kuti arege kuneta newe akakuvenga.
18 Munhu anopupurira wokwake zvakaipa sechapupu chenhema+ akaita setsvimbo yehondo nebakatwa nomuseve wakarodzwa.
19 Kuvimba nomunhu anonyengera pazuva rokutambudzika kwakafanana nezino rakagurika uye netsoka inogweda-gweda.+
20 Munhu anobvisa nguo pazuva rinotonhora akaita sevhiniga kana yaiswa pasoda uye somuimbi anoimbira mwoyo wakasuruvara nziyo.+
21 Kana munhu anokuvenga aine nzara, mupe zvokudya kuti adye; uye kana aine nyota, mupe mvura kuti anwe.+
22 Nokuti uri kututira mazimbe pamusoro wake,+ uye Jehovha achakupa mubayiro.+
23 Mhepo yokuchamhembe inounza mvura zhinji,+ sokunge kuti inoiunza nemarwadzo okusununguka; uye rurimi runotaura zvakavanzika, runounza chiso chine mhosva.+
24 Zviri nani kugara pakona yedenga reimba pane kugara muimba imwe chete nomudzimai anokakavara.+
25 Mashoko akanaka anobva kunyika iri kure+ akaita sezvinoita mvura inotonhorera kumweya waneta.+
26 Munhu akarurama paanenge achidzedzereka pamberi pomunhu akaipa, akafanana nechitubu chakasvibiswa uye tsime rakashatiswa.+
27 Kudya uchi hwakawandisa hakuna kunaka;+ uye kuti vanhu vazvitsvakire kukudzwa, kukudzwa here?+
28 Munhu asingazvidzori akaita seguta rakaputswa, risina rusvingo.+