Zvirevo 26:1-28
26 Kukudzwa hakuna kukodzera benzi,+ sezvakaita chando muzhizha uye mvura munguva yokukohwa.+
2 Shiri zvaiine chikonzero chokutiza uye nyenganyenga zvaiine chikonzero chokubhururuka, saizvozvowo kutukwa hakuuyi pasina chikonzero chaicho.+
3 Tyava ndeyebhiza,+ matomu+ ndeembongoro, uye shamhu ndeyemisana yemapenzi.+
4 Usapindura benzi noupenzi hwaro, kuti urege kufanana naro.+
5 Pindura benzi noupenzi hwaro, kuti risazviona serakachenjera.+
6 Munhu anotuma benzi nenyaya akaita somunhu ari kugura tsoka dzake, uye somunhu ari kunwa chisimba.+
7 Makumbo omunhu akaremara akambochera mvura here? Saka ndizvo zvinoita chirevo mumiromo yemapenzi.+
8 Munhu anokudza benzi+ akafanana nomunhu anovharira dombo mumurwi wematombo.
9 Zvakaita utumbambeva hunowanikwa muruoko rwechidhakwa, ndizvo zvakaita chirevo mumiromo yemapenzi.+
10 Munhu anobhadhara benzi+ kana kuti anobhadhara munhu anenge achingopfuura hake kuti amushandise akaita somunhu anopfura nouta achingobaya zvinhu zvose.
11 Benzi rinodzokorora upenzi hwaro, sezvinoita imbwa inodzokera kumarutsi ayo.+
12 Waona munhu anozviti akachenjera here?+ Benzi rinotova netariro+ kupfuura iye.
13 Simbe inoti: “Munzira mune mwana weshumba, munzvimbo dzinoungana vanhu mune shumba.”+
14 Suo rinoramba richitenderera pahinji yaro, uye simbe inoramba ichitenderera pamubhedha wayo.+
15 Simbe inovanza ruoko rwayo mundiro; haisisina simba rokurudzosa kumuromo wayo.+
16 Simbe inozviti yakachenjera+ kupfuura vanomwe vanopindura nokuchenjera.
17 Munhu anenge achipfuurawo zvake oshatirwa nokuda kwokupopotedzana kusinei naye akafanana nomunhu anobata nzeve dzembwa.+
18 Sezvinoita munhu anopenga anokanda zvombo zvinoita zvokukandwa zvinobvira moto,+ miseve norufu,
19 ndizvo zvinoita munhu anonyengedza wokwake ozoti: “Handiti ndanga ndichingotamba hangu here?”+
20 Kana pasina huni, moto unodzima, uye kana pasina munhu anochera vamwe, kukakavara kunopera.+
21 Sezvinoita marasha kumazimbe uye sezvinoita huni kumoto, ndizvo zvinoita munhu anokakavara anokonzera kupopotedzana.+
22 Mashoko omunhu anochera vamwe akaita sezvinhu zvinomedzwa nokukara, zvinopinda mukatikati medumbu.+
23 Miromo inopisa pamwe chete nomwoyo wakaipa zvakaita sesirivha inopenya yakanamirwa pachimedu chomudziyo wevhu.+
24 Munhu anovenga anoita kuti asazivikanwa achishandisa miromo yake, asi anoisa unyengeri mukati make.+
25 Kunyange achiita kuti inzwi rake rive nenyasha,+ usamutenda,+ nokuti mumwoyo make mune zvinhu zvinomwe zvinosemesa.+
26 Ruvengo runofukidzwa nounyengeri. Uipi hwake huchafumurwa muungano.+
27 Munhu anochera gomba achawira mariri,+ uye anokungurutsa dombo—iro richamudzokera.+
28 Rurimi rwenhema runovenga munhu anodzvinyirirwa narwo,+ uye muromo unotaura zvokubata kumeso unoparadza.+