Zvirevo 28:1-28
28 Munhu akaipa anotiza pasina anomudzingirira,+ asi vakarurama vakaita somwana weshumba ane chivimbo.+
2 Nemhaka yokudarika kwenyika machinda ayo anotevedzana anova mazhinji,+ asi kana paine munhu anonzwisisa ane zivo yezvakarurama, muchinda wacho achagara kwenguva refu.+
3 Murume murombo anobiridzira+ vakaderera akafanana nemvura inokukura zvokuti hapavi nezvokudya.
4 Vaya vanosiya mutemo vanorumbidza munhu akaipa,+ asi vaya vanochengeta mutemo vanokakavadzana navo.+
5 Varume vanoda zvakaipa havagoni kunzwisisa kutonga, asi vaya vanotsvaka Jehovha vanogona kunzwisisa zvinhu zvose.+
6 Murombo anofamba mukururama kwake ari nani kupfuura munhu asina kururama munzira dzake, kunyange zvake akapfuma.+
7 Mwanakomana anonzwisisa anochengeta mutemo,+ asi anoshamwaridzana nevanokara anonyadzisa baba vake.+
8 Munhu anowedzera zvinhu zvake zvinokosha nomubereko+ nechimbadzo anongozviunganidzira munhu anonzwira nyasha vakaderera.+
9 Munhu anoita kuti nzeve yake irege kunzwa mutemo+—kunyange munyengetero wake chinhu chinosemesa.+
10 Munhu anotsausira vakarurama+ munzira yakaipa achawira mugomba rake,+ asi vasina mhosva vachagara nhaka yezvakanaka.+
11 Mupfumi anozviti akachenjera,+ asi akaderera anonzwisisa anomuongorora.+
12 Kana vakarurama vachipembera nomufaro,+ pane runako rukuru; asi kana vakaipa vachisimuka, munhu anoita kuti arege kuzivikanwa.+
13 Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri,+ asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.+
14 Munhu anogara achitya anofara,+ asi anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.+
15 Mutongi akaipa anotonga vanhu vakaderera akaita seshumba inoomba nebheya rinomhanya-mhanya.+
16 Mutungamiriri asina ungwaru hwechokwadi anewo miitiro yokubiridzira mizhinji,+ asi munhu anovenga mubereko usina kururama+ achaita kuti mazuva ake ave mazhinji.
17 Munhu anoremerwa nemhosva yeropa yomweya achatizira mugomba.+ Ngavarege kumubata.
18 Munhu anofamba asina mhosva achaponeswa,+ asi asina kururama munzira dzake achabva angowa.+
19 Munhu anorima munda wake achava nezvokudya zvakakwana,+ asi uya anotevera zvinhu zvisina zvazvinobatsira achava nourombo kwazvo.+
20 Munhu ane mabasa okutendeka achawana zvikomborero zvizhinji,+ asi uya anoda kuchimbidza kuwana pfuma haazorambi asina mhosva.+
21 Kusarura hakuna kunaka,+ uyewo kuti murume akagwinya adarike nokuda kwechimedu chechingwa hakuna kunaka.
22 Munhu ane ziso rine shanje anomhanyira zvinhu zvinokosha,+ asi haazivi kuti kushayiwa kuchamuwira.
23 Munhu anotsiura mumwe munhu+ achazonzwirwa nyasha kupfuura uya anotaura zvokubata kumeso norurimi rwake.
24 Munhu anobira baba vake naamai+ vake uye anoti: “Hakusi kudarika,”+ ishamwari yomunhu anoparadza.
25 Munhu ane mweya unozvitutumadza anomutsa kukakavara,+ asi uya anovimba naJehovha achakodzwa.+
26 Munhu anovimba nomwoyo wake ibenzi,+ asi uya anofamba akachenjera ndiye achapukunyuka.+
27 Munhu anopa murombo haazoshayiwi,+ asi uya anovanza maziso ake achatukwa kazhinji.+
28 Vakaipa pavanosimuka, munhu anovanda;+ asi pavanoparara, vakarurama vanova vazhinji.+