Zvirevo 3:1-35
3 Mwanakomana wangu, usakanganwa+ mutemo wangu, uye mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu,+
2 nokuti uchawedzerwa mazuva mazhinji nemakore oupenyu+ norugare.+
3 Mutsa worudo nechokwadi ngazvirege kukusiya.+ Zvisungirire mumutsipa mako.+ Zvinyore pahwendefa romwoyo+ wako,
4 uwane nyasha nenjere dzakanaka pamberi paMwari uye pamberi pomunhu wepanyika.+
5 Vimba naJehovha nomwoyo wako wose,+ urege kuvimba nokunzwisisa kwako.+
6 Funga nezvake munzira dzako dzose,+ uye iye acharuramisa makwara ako.+
7 Usazviti wakachenjera.+ Itya Jehovha ubve pane zvakaipa.+
8 Ngazvirape+ guvhu rako nokusimbisa mapfupa ako.+
9 Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha+ uye nezvibereko zvako zvokutanga pazvibereko zvose zvaunowana.+
10 Ipapo matura ako achazara nezvakawanda;+ uye zvisviniro zvako zvichafashukira newaini itsva.+
11 Haiwa mwanakomana wangu, usaramba kuranga kwaJehovha;+ uye usasema kutsiura kwake,+
12 nokuti Jehovha anotsiura waanoda,+ sokutsiura kunoita baba mwanakomana wavanofarira.+
13 Munhu anowana uchenjeri+ ndiye anofara, nomunhu anowana ungwaru,+
14 nokuti kuva nahwo sepfuma kuri nani kupfuura kuva nesirivha sepfuma, uye kuva nahwo sezvibereko kuri nani kupfuura ndarama.+
15 Hunokosha kupfuura matombo ekorari,+ uye zvimwe zvose zvinokufadza hazvigoni kuenzaniswa nahwo.
16 Mazuva mazhinji ari muruoko rwahwo rworudyi;+ muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa.+
17 Nzira dzahwo inzira dzinofadza, uye migwagwa yahwo yose ndeyorugare.+
18 Ihwo muti woupenyu+ kune vaya vanohubata, uye vaya vanohubata zvakasimba+ vachanzi vanofara.+
19 Jehovha akavaka nheyo dzenyika achishandisa uchenjeri.+ Akasimbisa matenga achishandisa ungwaru.+
20 Achishandisa zivo yake makungwa akakamukana,+ uye matenga ane makore anoramba achipfunha-pfunha mvura.+
21 Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pamaziso ako.+ Chengetedza uchenjeri hunobatsira nemano okufunga,+
22 zvichava upenyu kumweya wako+ norunako mumutsipa mako.+
23 Ipapo uchafamba wakachengeteka+ panzira yako, uyewo tsoka yako haizogumburwi nechinhu chero chipi zvacho.+
24 Pose paunorara pasi hauzotyi;+ chokwadi ucharara pasi, uye hope dzako dzichava dzinofadza.+
25 Hauzotyi chero chinhu chipi zvacho chinotyisa chinongoerekana chauya,+ kana dutu rinouya pane vakaipa, nokuti riri kuuya.+
26 Nokuti chokwadi Jehovha ndiye wauchavimba naye,+ uye iye achaita kuti tsoka yako irege kubatwa.+
27 Usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka,+ kana ruoko rwako ruine simba rokuzviita.+
28 Usati kune wokwako: “Enda uzodzoka uye ndichakupa mangwana,” iwe uine chimwe chinhu.+
29 Usarongera wokwako chinhu chakaipa,+ paanenge agere newe achifunga kuti akachengeteka.+
30 Usapopotedzana nomunhu pasina chikonzero,+ kana asina kukuitira zvakaipa.+
31 Usaitira shanje murume anoita zvechisimba,+ kana kusarudza imwe yenzira dzake.+
32 Nokuti munhu anonyengedzera+ anosemesa Jehovha,+ asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.+
33 Jehovha anotuka imba yomunhu akaipa,+ asi anokomborera nzvimbo inogarwa nevakarurama.+
34 Kana vari vaseki,+ iye achavanyomba;+ asi achanzwira nyasha vanyoro.+
35 Vanhu vakachenjera vachakwidziridzwa,+ asi mapenzi achazvidzwa.+