Zvirevo 31:1-31
31 Mashoko amambo Remueri, iro shoko guru+ raakapiwa naamai vake vachimururamisa:+
2 Ndiri kutii, haiwa mwanakomana wangu, haiwa mwanakomana wedumbu rangu,+ haiwa mwanakomana wemhiko dzangu?+
3 Usapa vakadzi simba rako,+ kana kupa nzira dzako kuzvinhu zvinoparadza madzimambo.+
4 Hazvina kukodzera madzimambo, haiwa Remueri, hazvina kukodzera madzimambo kuti anwe waini kana machinda kuti ati: “Doro rinodhaka riri kupi?”+
5 kuti munhu arege kunwa akakanganwa zvakatemwa, akatsaudzira mhosva yevanakomana vanotambudzika.+
6 Ipai uya ava kuda kuparara doro rinodhaka,+ uye ipai mweya ine shungu waini.+
7 Munhu ngaanwe akanganwe urombo hwake, uye munhu ngaarege kuyeukazve kunetseka kwake.
8 Shama muromo wako nokuda kwembeveve,+ pamhosva yevaya vose vanopfuura.+
9 Shama muromo wako, tonga zvakarurama uye urwire mhosva yomunhu anotambudzika nomurombo.+
א [ʼAʹleph]*
10 Ndiani angawana mudzimai anokwanisa?+ Iye anokosha kupfuura matombo ekorari nokure.
ב [Behth]
11 Mwoyo womurume wake unovimba naye, uye hapana pfuma inoshayikwa.+
ג [Giʹmel]
12 Anomupa mubayiro wezvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.+
ד [Daʹleth]
13 Anotsvaka mvere dzemakwai nerineni, uye anoruka chero chinofarirwa nemaoko ake.+
ה [Heʼ]
14 Anoita sengarava dzomutengesi.+ Anouya nezvokudya zvake zvichibva kure.
ו [Waw]
15 Anomukawo huchiri usiku,+ opa veimba yake zvokudya nomugove wakatarirwa vakadzi vake vaduku.+
ז [Zaʹyin]
16 Anofunga nezvomunda outenga;+ anodyara munda wemizambiringa nezvaakawana nemaoko ake.+
ח [Chehth]
17 Anosunga muhudyu make nesimba, uye anosimbisa maoko ake.+
ט [Tehth]
18 Anoona kuti kutengesa kwake kwakanaka; rambi rake haridzimi usiku.+
י [Yohdh]
19 Anotambanudzira maoko ake kune chakamonererwa shinda, uye maoko ake anobata chokugadzirisa shinda.+
כ [Kaph]
20 Anotambanudzira munhu anotambudzika chanza chake, uye anotambanudzira murombo maoko ake.+
ל [Laʹmedh]
21 Haatyiri veimba yake nokuda kwechando, nokuti vose veimba yake vakavirikidza nguo.+
מ [Mem]
22 Akazvigadzirira machira epamubhedha.+ Zvipfeko zvake ndezverineni nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka.+
נ [Nun]
23 Murume+ wake munhu anozivikanwa pamagedhi,+ paanogara pasi nevarume vakuru venyika yacho.
ס [Saʹmekh]
24 Anotogadzirawo nguo dzomukati+ achidzitengesa, uye anopa vatengesi mabhandi.
ע [ʽAʹyin]
25 Simba norunako ndizvo zvipfeko zvake,+ uye anoseka zuva riri mberi.+
פ [Peʼ]
26 Anoshama muromo wake nouchenjeri,+ uye mutemo womutsa worudo uri parurimi rwake.+
צ [Tsa·dhehʹ]
27 Anotarisira zvinoitwa muimba yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.+
ק [Qohph]
28 Vanakomana vake vanosimuka vachimuti anofara;+ murume wake anosimuka, uye anomurumbidza.+
ר [Rehsh]
29 Kune vanasikana+ vazhinji vakaratidza kuti vanokwanisa, asi iwe—unovakunda vose.+
ש [Shin]
30 Chimiro chinganyengera,+ uye kunaka kungasabatsira;+ asi mukadzi anotya Jehovha ndiye anorumbidzwa.+
ת [Taw]
31 Mupei zvibereko zvemaoko ake,+ uye mabasa ake ngaamurumbidze kunyange pamagedhi.+