Zvirevo 9:1-18
9 Uchenjeri hwechokwadi+ hwakavaka imba yahwo;+ hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
2 Hwakaronga kuuraya mhuka dzahwo; hwakavhenganisa waini yahwo; kupfuura izvozvo, hwakagadzira tafura yahwo yezvokudya.+
3 Hwakatuma vashandikadzi vahwo, kuti hushevedzere huri pamusoro penzvimbo dzakakwirira dzetaundi huchiti:
4 “Munhu wose asina zivo, ngaatsaukire pano.”+ Kumunhu wose ane mwoyo usina njere+—ihwo hwakati kwaari:
5 “Uya, idya zvokudya zvangu uye unwewo waini yandavhenganisa.+
6 Siyana nevasina zivo urambe uchirarama,+ ufambe zvakarurama munzira yokunzwisisa.”+
7 Munhu anoruramisa museki anozviunzira ruzvidzo,+ uye uya anotsiura munhu akaipa—anozviunzira urema.+
8 Usatsiura museki, kuti arege kukuvenga.+ Tsiura munhu akachenjera uye iye achakuda.+
9 Rayiridza munhu akachenjera uye iye achawedzera kuchenjera.+ Ipa munhu akarurama zivo uye iye achawedzera kudzidza.
10 Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri,+ uye kuziva Mutsvenetsvene ndiko kunzwisisa.+
11 Nokuti ini ndichaita kuti mazuva ako ave mazhinji,+ uye iwe uchawedzerwa makore oupenyu.+
12 Kana ukava munhu akachenjera, unova nouchenjeri iwe pachako;+ uye kana ukava museki, iwe woga ndiwe uchazvionera.+
13 Mukadzi benzi haana kugadzikana.+ Iye haambofungi uye haana kana chaanoziva.+
14 Anogara pasuo reimba yake, pachigaro, munzvimbo dzakakwirira dzetaundi,+
15 kuti ashevedzere kune vaya vanopfuura nenzira, vaya vanoenda vakananga mberi vari pamakwara avo, achiti:+
16 “Munhu wose asina zivo ngaatsaukire pano.”+ Kumunhu wose ane mwoyo usina njere+—iye anotiwo kwaari:
17 “Mvura yokuba inotapira,+ uye zvokudya zvinodyiwa pakavanda—zvinonaka.”+
18 Asi haazivi kuti vaya vasina simba vari murufu varipo, kuti vaya vanoshevedzwa naye vari munzvimbo dzakadzikira dzeSheori.+