Tsamba Yekutanga yaJohani 3:1-24
3 Onai kuti Baba vakatiratidza rudo rwakakura zvakadii+ nekuita kuti tinzi vana vaMwari!+ Uye ndizvo zvatiri. Ndokusaka nyika isingatizivi,+ nekuti haisati yasvika pakumuziva.+
2 Vadiwa, iye zvino tava vana vaMwari,+ asi zvatichazova hazvisati zvaratidzwa.+ Tinoziva kuti paacharatidzwa tichafanana naye, nekuti tichamuona sezvaari chaizvo.
3 Iye akachena, saka munhu wese ane tariro iyi anozvichenesawo.+
4 Munhu wese anogara achiita chivi anenge achitotyorawo mutemo, uye chivi kusateerera mutemo.
5 Munozivawo kuti Jesu akaratidzwa pachena kuti abvise zvivi zvedu,+ uye iye haana chivi.
6 Munhu wese anoramba ari pamwe naye haarambi achiita chivi;+ hapana munhu anogara achiita chivi akamuona kana akasvika pakumuziva.
7 Vana vangu, ngapasava neanokutsausai; uyo anoramba achiita zvakarurama akarurama, sezvo iyewo* akarurama.
8 Munhu anoramba achiita chivi anobva kuna Dhiyabhorosi, nekuti Dhiyabhorosi agara achitadza kubvira pakutanga.*+ Ndokusaka Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse* mabasa aDhiyabhorosi.+
9 Munhu wese akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi,+ nekuti mbeu* yaMwari inoramba iri mumunhu akadaro, uye hazviiti kuti arambe achiita chivi, nekuti akaberekwa naMwari.+
10 Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wese asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uye ndizvo zvimwe chetewo nemunhu asingadi hama yake.+
11 Nekuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, rekuti tinofanira kudanana;+
12 hatifaniri kuita saKaini uyo akabva kune akaipa, akaponda munin’ina wake.+ Akamuponderei? Nekuti mabasa ake akanga akaipa,+ asi emunin’ina wake akanga akarurama.+
13 Hama musashamiswa kuti nyika inokuvengai.+
14 Tinoziva kuti takabva murufu tikava vapenyu,+ nekuti tinoda hama dzedu.+ Uyo asingadi hama yake anoramba ari murufu.+
15 Munhu wese anovenga hama yake muurayi,+ uye munoziva kuti hapana muurayi anoramba aine upenyu husingaperi.+
16 Takasvika pakuziva rudo, nekuti iye akapa upenyu hwake* nekuda kwedu,+ uye isu tinotofanirawo kupa upenyu hwedu* nekuda kwehama dzedu.+
17 Asi munhu ane zvekurarama nazvo zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, oramba kuinzwira tsitsi, angati anoda Mwari here?+
18 Vana vangu, hatifaniri kungodanana neshoko kana nerurimi chete,+ asi nezviito+ nechokwadi.+
19 Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti tine chokwadi, uye tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi* pamberi pake
20 pamusoro pezvinhu zvese izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva, nekuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvese.+
21 Vadiwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tine rusununguko rwekutaura naMwari;+
22 uye anotipa zvinhu zvese zvatinomukumbira,+ nekuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinomufadza.
23 Chokwadi, uyu ndiwo murayiro wake: wekuti titende muzita reMwanakomana wake Jesu Kristu+ uye tidanane,+ sekutirayira kwaakaita.
24 Uyewo, munhu anochengeta mirayiro yake anoramba ari pamwe naye, uye iye anoramba ari pamwe nemunhu akadaro.+ Uye nemweya waakatipa tinoziva kuti anoramba ari pamwe nesu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, Jesu.
^ Kana kuti “aparadze.”
^ Kana kuti “kubvira paakatanga.”
^ Kureva, mbeu inobereka.
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “mweya yedu.”
^ Kana kuti “ibvume; igutsikane.”