Bhuku Rekutanga reMadzimambo 1:1-53

  • Dhavhidhi naAbhishagi (1-4)

  • Adhonija anoedza kutora chigaro cheumambo (5-10)

  • Natani naBhati-shebha vanoona zvekuita (11-27)

  • Dhavhidhi anorayira kuti Soromoni azodzwe (28-40)

  • Adhonija anotizira kuatari (41-53)

1  Mambo Dhavhidhi akanga akwegura,+ ava nemakore* akawanda uye kunyange zvazvo vaimufukidza nemachira, akanga asisadziyirwe.  Saka varanda vake vakati kwaari: “Ishe wangu mambo ngaatsvagirwe musikana mhandara kuti ashandire mambo achimuchengeta. Acharara mumaoko enyu kuti ishe wangu mambo adziyirwe.”  Vakatsvaga musikana akanaka munharaunda yese yeIsraeri, vakawana Abhishagi+ wekuShunemi,+ vakapinda naye maiva namambo.  Musikana wacho akanga akanaka chaizvo, uye akava mushandi wamambo achimuchengeta, asi mambo haana kurara naye semukadzi wake.  Munguva iyi, Adhonija+ mwanakomana waHagiti akanga achizvikwidziridza, achiti: “Ndini ndichava mambo!” Akatsvaga ngoro nevatasvi vemabhiza nevarume 50 kuti vamhanye vari mberi kwake.+  Asi baba vake havana kumbobvira vamubvunza kuti:* “Uri kuzviitirei?” Aivawo nechimiro chakanaka chaizvo, uye akazoberekwa Absaromu atoberekwa.  Akarangana naJoabhi mwanakomana waZeruya nemupristi Abhiyatari,+ uye vakati vaizobatsira Adhonija vachimutsigira.+  Asi mupristi Zadhoki,+ naBhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, nemuprofita Natani,+ naShimei,+ naRei, nevarwi vaDhavhidhi vaiva nesimba+ havana kutsigira Adhonija.  Adhonija akazobayira+ makwai, mombe, nemhuka dzakakodzwa pedyo nedombo reZohereti riri pedyo neEni-rogeri, uye akakoka vanin’ina vake vese, ivo vanakomana vamambo, nevarume vese veJudha, ivo varanda vamambo. 10  Asi haana kukoka muprofita Natani, Bhenaya nevarwi vaiva nesimba, kana munin’ina wake Soromoni. 11  Natani+ akabva ati kuna Bhati-shebha,+ amai vaSoromoni:+ “Hauna kunzwa here kuti Adhonija+ mwanakomana waHagiti ava mambo, asi ishe wedu Dhavhidhi haana chaari kuziva nezvazvo? 12  Uya ndikupe mazano, kuti uzviponese iwe nemwanakomana wako* Soromoni.+ 13  Pinda muna Mambo Dhavhidhi, uti kwaari, ‘Hamusi imi here ishe wangu mambo, makapika kumuranda wenyu muchiti: “Mwanakomana wako Soromoni ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo”?+ Saka nei Adhonija ava mambo?’ 14  Paunenge uchiri kutaura namambo, ini ndichabva ndapinda ndichikutevera, uye ndichatsigira mashoko ako.” 15  Saka Bhati-shebha akapinda maiva namambo, muimba yake yekurara. Mambo akanga akwegura chaizvo, uye Abhishagi+ muShunemi akanga achishandira mambo. 16  Bhati-shebha akabva apfugama pamberi pamambo akadzikisa musoro wake, mambo achibva ati: “Unoda kukumbirei?” 17  Iye akati: “Ishe wangu, ndimi makapika naJehovha Mwari wenyu kumuranda wenyu muchiti, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo.’+ 18  Asi onai, Adhonija ndiye ava mambo, uye ishe wangu mambo haana chaari kuziva.+ 19  Abayira mikono yemombe, mhuka dzakakodzwa, nemakwai zvakawanda chaizvo, akakoka vanakomana vese vamambo nemupristi Abhiyatari naJoabhi mukuru weuto;+ asi haana kukoka muranda wenyu Soromoni.+ 20  Ishe wangu mambo, maziso evaIsraeri vese ari pamuri, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro cheumambo chashe wangu mambo pashure penyu. 21  Kana mukasadaro, ishe wangu mambo paanongoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, ini nemwanakomana wangu Soromoni tichanzi tiri vapanduki.” 22  Paakanga achiri kutaura namambo, muprofita Natani akabva apinda.+ 23  Mambo akabva audzwa kuti: “Muprofita Natani auya!” Natani akapinda akaenda pamberi pamambo, akapfugama, akadzikisa musoro wake. 24  Natani akabva ati: “Ishe wangu mambo, ko imi makati here, ‘Adhonija ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo’?+ 25  Nekuti nhasi aenda kunobayira+ mikono yemombe, mhuka dzakakodzwa, nemakwai zvakawanda chaizvo, uye akoka vanakomana vese vamambo nevakuru veuto nemupristi Abhiyatari.+ Vari kutodya nekunwa naye, uye vari kuramba vachiti, ‘Mambo Adhonija ngaarambe achirarama!’ 26  Asi haana kundikoka, ini muranda wenyu, kana mupristi Zadhoki, kana Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, kana muranda wenyu Soromoni. 27  Ishe wangu mambo abvumira here kuti izvi zviitwe asina kuudza muranda wenyu kuti ndiani achagara pachigaro cheumambo chashe wangu mambo pashure pake?” 28  Mambo Dhavhidhi akapindura kuti: “Ndishevedzerei Bhati-shebha.” Saka akabva apinda, akamira pamberi pamambo. 29  Mambo akabva aita mhiko achiti: “NaJehovha mupenyu uyo akandinunura* pakutambudzika kwangu kwese,+ 30  sekupika kwandakaita kwauri naJehovha Mwari waIsraeri ndichiti, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achanditevera pakuva mambo, uye ndiye achagara pachigaro changu cheumambo panzvimbo pangu!’ ndizvo zvandichaita nhasi.” 31  Bhati-shebha akabva apfugama pamberi pamambo, akadzikisa musoro wake, akati: “Ishe wangu Mambo Dhavhidhi ngaararame nekusingaperi!” 32  Mambo Dhavhidhi akabva ati: “Ndishevedzerei mupristi Zadhoki, muprofita Natani, naBhenaya+ mwanakomana waJehoyadha.”+ Vakabva vapinda vakanomira pamberi pamambo. 33  Mambo akati kwavari: “Endai nevaranda vashe wenyu, muite kuti mwanakomana wangu Soromoni atasve nyurusi rangu,*+ mudzike naye kuGihoni.+ 34  Mupristi Zadhoki nemuprofita Natani vachamuzodza+ ikoko kuti ave mambo weIsraeri; mubve maridza hwamanda moti, ‘Mambo Soromoni ngaarambe achirarama!’+ 35  Ibvai madzoka muchimutevera, uye achapinda ogara pachigaro changu cheumambo; achava mambo panzvimbo pangu, uye ndichamugadza kuti ave mutungamiriri weIsraeri neweJudha.” 36  Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akabva ati kuna mambo: “Ameni! Jehovha Mwari washe wangu mambo ngaaite saizvozvo. 37  Jehovha zvaakava nashe wangu mambo, ngaavewo naSoromoni,+ uye ngaaite kuti chigaro chake cheumambo chive chikuru kupfuura chashe wangu Mambo Dhavhidhi.”+ 38  Mupristi Zadhoki, muprofita Natani, Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti+ vakabva vaenda, vakaita kuti Soromoni atasve nyurusi raMambo Dhavhidhi,+ uye vakaenda naye kuGihoni.+ 39  Mupristi Zadhoki akabva atora nyanga yemafuta+ mutende,+ akazodza Soromoni,+ uye vakatanga kuridza hwamanda, vanhu vese vakatanga kushevedzera vachiti: “Mambo Soromoni ngaarambe achirarama!” 40  Pashure paizvozvo, vanhu vese vakakwidza vachimutevera, vachiridza nyere uye vachipembera nemufaro mukuru, zvekuti nyika yakatsemuka neruzha rwavo.+ 41  Adhonija nevaya vese vaakanga akoka vakazvinzwa pavakanga vapedza kudya.+ Joabhi paakangonzwa kurira kwehwamanda, akabva ati: “Ko mheremhere iri muguta ndeyei?” 42  Achiri kutaura, Jonatani+ mwanakomana wemupristi Abhiyatari akabva asvika. Adhonija akabva ati: “Pinda, nekuti uri murume akanaka,* uye ndinoziva kuti wauya nemashoko akanaka.” 43  Asi Jonatani akapindura Adhonija achiti: “Aiwa! Ishe wedu Mambo Dhavhidhi agadza Soromoni kuti ave mambo. 44  Mambo aita kuti aende nemupristi Zadhoki, muprofita Natani, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, nevaKereti nevaPereti, uye vaita kuti atasve nyurusi ramambo.+ 45  Mupristi Zadhoki nemuprofita Natani vabva vamuzodza muGihoni kuti ave mambo. Pashure paizvozvo, vakwidza vachibva ikoko vachifara chaizvo, uye guta riri kupemberera. Ndirwo ruzha rwamanzwa. 46  Uyezve, Soromoni agara pachigaro cheumambo. 47  Uyewo, varanda vamambo vapinda kuti vakorokotedze ishe wedu Mambo Dhavhidhi, vachiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive rakanaka kwazvo kupfuura zita renyu, uye ngaaite kuti chigaro chake cheumambo chive chikuru kupfuura chigaro chenyu cheumambo!’ Mambo abva akotamisa musoro wake ari pamubhedha. 48  Uye mambo atiwo, ‘Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo aita kuti mumwe munhu agare pachigaro changu cheumambo nhasi, uye aita kuti maziso angu azvione!’” 49  Vaya vese vakanga vakokwa naAdhonija vakatanga kubvunda nekutya, uye mumwe nemumwe wavo akasimuka akananga kwake. 50  Adhonija akatyawo Soromoni, saka akasimuka akaenda kunobata nyanga dzeatari.+ 51  Soromoni akaudzwa kuti: “Adhonija ari kutya Mambo Soromoni; uye abata nyanga dzeatari, achiti, ‘Mambo Soromoni ngaatange apika kwandiri kuti haazourayi muranda wake nebakatwa.’” 52  Soromoni akabva ati: “Kana akaratidza kuti munhu kwaye, hapana kana bvudzi rake rimwe chete richawira pasi; asi kana pakawanika chinhu chakaipa paari,+ anofanira kufa.” 53  Saka Mambo Soromoni akatuma vanhu kunomuburutsa paatari. Akabva apinda, akakotama pamberi paMambo Soromoni, Soromoni achibva ati kwaari: “Enda zvako kumba kwako.”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nemazuva.”
Kana kuti “vamurwadzisa vachiti; vamutsiura vachiti.”
Kana kuti “uponese mweya wako nemweya wemwanakomana wako.”
Kana kuti “akadzikinura mweya wangu.”
Kana kuti “nyurusi rangu gadzi.”
Kana kuti “anoremekedzwa.”