Bhuku Rekutanga reMadzimambo 12:1-33

  • Rehobhoamu anopindura nehasha (1-15)

  • Madzinza gumi anopanduka (16-19)

  • Jerobhoamu anoitwa mambo weIsraeri (20)

  • Rehobhoamu anorambidzwa kurwisa vaIsraeri (21-24)

  • Kunamata mhuru kwaJerobhoamu (25-33)

12  Rehobhoamu akaenda kuShekemu,+ nekuti vaIsraeri vese vakanga vaenda kuShekemu kuti vamugadze kuti ave mambo.+  Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akanzwa nezvazvo (Jerobhoamu akanga achiri kuIjipiti nekuti akanga atiza Mambo Soromoni uye akanga achigara muIjipiti).+  Vakabva vatumira shoko kuti anoshevedzwa. Jerobhoamu akabva aenda neungano yese yaIsraeri kuna Rehobhoamu vakati:  “Baba venyu vakaita kuti joko redu rirwadze.+ Asi kana mukaita kuti basa rinorwadza rataiitiswa nababa venyu rive nyore uye mukarerutsa joko rinorema* ravakaisa patiri, tichakushandirai.”  Iye akabva ati kwavari: “Endai mozodzoka kwandiri papera mazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda.+  Mambo Rehobhoamu akabva abvunza varume vakuru* vakanga vashandira baba vake Soromoni pavakanga vachiri vapenyu, achiti: “Mungandipa zano ripi rekuti ndipindure vanhu ava?”  Vakamupindura vachiti: “Nhasi kana ukava muranda wevanhu ava wonzwa chikumbiro chavo uye wovapindura zvakanaka, vachagara vari varanda vako.”  Zvisinei, haana kuteerera zano raakapiwa nevarume vakuru,* akanobvunza majaya aakakura nawo, akanga ava kumushandira.+  Akavabvunza kuti: “Nderipi zano ramungapa kuti tipindure vanhu ava vati kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa patiri nababa venyu’?” 10  Majaya acho aakanga akura nawo akati kwaari: “Izvi ndizvo zvaunofanira kuudza vanhu ava vati kwauri, ‘Baba venyu vakaita kuti joko redu rireme, asi imi tirerutsirei’; vaudze kuti, ‘Munwe wangu mudiki uchava mukobvu kupfuura hudyu dzababa vangu. 11  Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu. Baba vangu vaikurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.’” 12  Jerobhoamu nevanhu vese vakaenda kuna Rehobhoamu pazuva rechitatu, sezvakanga zvataurwa namambo kuti: “Dzokai kwandiri pazuva rechitatu.”+ 13  Asi mambo akapindura vanhu nehasha, achirega kuteerera zano raakanga apiwa nevarume vakuru.* 14  Akataura navo achitevedzera zano remajaya, achiti: “Baba vangu vakaita kuti joko renyu rireme, asi ini ndichaita kuti riwedzere kurema. Baba vangu vakakurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.” 15  Saka mambo haana kuteerera vanhu, nekuti Jehovha ndiye akaita kuti zvinhu zviende nenzira iyoyo,+ kuti azadzise shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuburikidza naAhija+ wekuShiro. 16  VaIsraeri vese pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vachiti: “Tine mugove wei kuna Dhavhidhi? Hatina nhaka kumwanakomana waJese. Imi vaIsraeri, endai kuna vanamwari venyu. Chizvichengetera imba yako, iwe Dhavhidhi!” VaIsraeri vakabva vadzokera kudzimba* dzavo.+ 17  Asi Rehobhoamu akaramba achitonga vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha.+ 18  Mambo Rehobhoamu akabva atuma Adhoramu,+ uyo aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa, asi vaIsraeri vese vakamutema nematombo vakamuuraya. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kukwira mungoro yake kuti atizire kuJerusarema.+ 19  Saka vaIsraeri vakapandukira+ imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi. 20  VaIsraeri vese pavakangonzwa kuti Jerobhoamu akanga adzoka, vakamushevedza kwaiva neungano, vakamugadza kuva mambo wevaIsraeri vese.+ Pavanhu vese hapana akatevera imba yaDhavhidhi kunze kwedzinza raJudha.+ 21  Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, akabva angounganidza imba yese yaJudha nedzinza raBhenjamini, varwi 180 000 vakadzidziswa hondo, kuti vanorwisa imba yaIsraeri vodzosa umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.+ 22  Shoko raMwari wechokwadi rakabva rasvika kuna Shemaya+ munhu waMwari wechokwadi, richiti: 23  “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha nekuimba yese yaJudha naBhenjamini nevamwe vanhu vese, 24  ‘Zvanzi naJehovha: “Musaenda kunorwisa hama dzenyu vaIsraeri. Mumwe nemumwe wenyu ngaadzokere kumba kwake, nekuti ndini ndakaita kuti zvidaro.”’”+ Saka vakateerera shoko raJehovha, vakadzokera kumba sezvavakanga vaudzwa naJehovha. 25  Jerobhoamu akabva avaka* Shekemu+ munyika ine makomo yaEfremu akagaramo. Akabva ikoko akanovaka* Penueri.+ 26  Jerobhoamu akati nechemumwoyo: “Iye zvino umambo hwava kudzokera kuimba yaDhavhidhi.+ 27  Kana vanhu ava vakaramba vachienda kunopa zvibayiro kuimba yaJehovha iri kuJerusarema,+ mwoyo yevanhu ava ichadzokerawo kunashe wavo, Mambo Rehobhoamu waJudha. Chokwadi vachandiuraya, vodzokera kuna Mambo Rehobhoamu weJudha.” 28  Pashure pekunge mambo abvunza mazano kune vamwe, akagadzira mhuru mbiri dzegoridhe,+ akati kuvanhu: “Zvekuenda kuJerusarema zviri kukuremerai. Heuno Mwari wenyu, imi vaIsraeri, uyo akakubudisai munyika yeIjipiti.”+ 29  Akabva aisa imwe mhuru kuBheteri,+ uye imwe yacho akaiisa kuDhani.+ 30  Izvi zvakaita kuti vatadze,+ uye vanhu vakatosvika kuDhani vachinonamata mhuru yaiva ikoko. 31  Akavaka dzimba dzekunamatira panzvimbo dzakakwirira akagadza vapristi kubva pavanhuwo zvavo, vakanga vasiri vaRevhi.+ 32  Jerobhoamu akaitawo kuti pave nemutambo waiitwa mumwedzi wechi8 pazuva rechi15 remwedzi wacho, wakafanana nemutambo waiitwa muJudha.+ Paatari yaakagadzira kuBheteri,+ akapa zvibayiro kumhuru dzaakanga agadzira uye akagadza vapristi kuBheteri kuti vashumire panzvimbo dzakakwirira dzaakanga agadzira. 33  Akatanga kupa mipiro paatari yaakanga agadzira kuBheteri, pazuva rechi15 remwedzi wechi8, mumwedzi waakanga angosarudza ega; akaita kuti pave nemutambo waiitwa nevaIsraeri, uye akakwira paatari yacho kuti ape mipiro nekukwidza utsi hwezvibayiro.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “reudzvinyiriri.”
Kana kuti “abvunza vakuru.”
Kana kuti “nevakuru.”
Kana kuti “nevakuru.”
ChiHeb., “kumatende.”
Kana kuti “avaka rusvingo rwekudzivirira.”
Kana kuti “akanovaka rusvingo rwekudzivirira.”