Bhuku Rekutanga reMadzimambo 15:1-34

  • Abhijamu, mambo weJudha (1-8)

  • Asa, mambo weJudha (9-24)

  • Nadhabhi, mambo weIsraeri (25-32)

  • Bhaasha, mambo weIsraeri (33, 34)

15  Mugore rechi18 raMambo Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, Abhijamu akava mambo weJudha.+  Akatonga muJerusarema kwemakore matatu. Amai vake vainzi Maaka,+ muzukuru waAbhisharomu.  Akafamba muzvivi zvese zvakanga zvaitwa nababa vake, uye mwoyo wake wakanga usina kuperera* kuna Jehovha Mwari wake semwoyo watateguru vake Dhavhidhi.  Zvisinei, achifunga nezvaDhavhidhi,+ Jehovha Mwari wake akamupa rambi muJerusarema+ paakaita kuti mwanakomana wake amutevere pachigaro, uye paakaita kuti Jerusarema rirambe riripo.  Nekuti Dhavhidhi akaita zvakarurama pamberi paJehovha, uye mazuva ese eupenyu hwake haana kutsauka pachinhu chero chipi zvacho chaakanga amurayira, kunze kwepanyaya yaUriya muHiti.+  Rehobhoamu naJerobhoamu vakaramba vachirwisana mazuva ese eupenyu hwake.+  Kana iri nhoroondo yese yaAbhijamu, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ Paivawo nehondo pakati paAbhijamu naJerobhoamu.+  Abhijamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, vakamuviga muGuta raDhavhidhi, uye mwanakomana wake Asa+ akava mambo panzvimbo yake.+  Mugore rechi20 raMambo Jerobhoamu weIsraeri, Asa akatanga kutonga Judha. 10  Akatonga muJerusarema kwemakore 41. Ambuya vake vainzi Maaka+ muzukuru waAbhisharomu. 11  Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha+ saDhavhidhi tateguru vake. 12  Akadzinga pfambi dzechirume dzepatemberi munyika yacho,+ akabvisa zvidhori zvese zvaisemesa* zvakanga zvagadzirwa nemadzitateguru ake.+ 13  Akatobvisawo ambuya vake Maaka+ pachinzvimbo chavo chepamusoro,* nekuti vakanga vagadzira chidhori chaisemesa chaishandiswa pakunamata bango rinoyera.* Asa akatema chidhori chavo chaisemesa,+ akachipisira muBani reKidroni.+ 14  Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa.+ Kunyange zvakadaro, mwoyo waAsa wakanga wakanyatsozvipira* kuna Jehovha kweupenyu hwake hwese.* 15  Akaunza muimba yaJehovha zvinhu zvavakanga vatsvenesa iye nababa vake zvinoti, sirivha, goridhe, nemimwe midziyo.+ 16  Asa naBhaasha+ mambo weIsraeri vakaramba vachingorwisana. 17  Saka Mambo Bhaasha weIsraeri akaenda kunorwisa Judha, akatanga kuvaka* Rama,+ kuti pasava nemunhu aibuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.+ 18  Asa akabva atora sirivha yese negoridhe zvakanga zvasara maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha nepfuma yeimba yamambo* akazvipa varanda vake. Mambo Asa akabva azvitumira kuna Bheni-hadhadhi mwanakomana waTabrimoni, mwanakomana waHeziyoni, mambo weSiriya,+ uyo aigara muDhamasiko, achiti: 19  “Pane chibvumirano* pakati pangu newe uye pakati pababa vangu nababa vako. Ndiri kukutumira chipo chesirivha negoridhe. Saka putsa chibvumirano chako* naBhaasha mambo weIsraeri, kuti abve kwandiri.” 20  Bheni-hadhadhi akateerera Mambo Asa, akatuma vakuru vemauto ake kunorwisa maguta eIsraeri, uye vakakunda Ijoni,+ Dhani,+ Abheri-bheti-maaka, Kinereti yese, nenyika yese yaNaftari. 21  Bhaasha paakazvinzwa, akabva angomira kuvaka* Rama, akaramba achigara muTiza.+ 22  Mambo Asa akabva ashevedza vaJudha vese, hapana akasiyiwa, uye vakatakura matombo nematanda zveRama zvakanga zvichivakiswa naBhaasha, uye Mambo Asa akazvishandisa kuvaka* Gebha+ iri muBhenjamini, neMizpa.+ 23  Kana iri nhoroondo yese yaAsa, simba rake rese nezvese zvaakaita nemaguta aakavaka,* hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? Asi pakukwegura kwake akava nechirwere mutsoka.+ 24  Asa akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi tateguru vake; uye mwanakomana wake Jehoshafati+ akava mambo panzvimbo yake. 25  Nadhabhi+ mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raMambo Asa weJudha, uye akatonga Israeri kwemakore maviri. 26  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba munzira yababa vake+ nemuchivi chavo chavakanga vakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 27  Bhaasha mwanakomana waAhija weimba yaIsakari akamupandukira, uye Bhaasha akamuuraya paGibhetoni,+ iyo yaiva yevaFiristiya, Nadhabhi nevaIsraeri vese pavakanga vachikomba Gibhetoni. 28  Saka Bhaasha akamuuraya mugore rechitatu raMambo Asa weJudha, achibva ava mambo panzvimbo yake. 29  Paakangova mambo, akauraya imba yese yaJerobhoamu. Haana waakasiya achifema pavanhu vekwaJerobhoamu; akaita kuti vaparadzwe maererano neshoko raJehovha raakanga ataura kuburikidza nemuranda wake Ahija wekuShiro.+ 30  Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu uye zvaakanga akonzera kuti vaIsraeri vaite uye nekuti akanga agumbura Jehovha Mwari waIsraeri chaizvo. 31  Kana iri nhoroondo yaNadhabhi, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 32  Asa naBhaasha mambo weIsraeri vakaramba vachingorwisana.+ 33  Mugore rechitatu raMambo Asa weJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija akava mambo muTiza achitonga vaIsraeri vese, uye akatonga kwemakore 24.+ 34  Asi akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ uye akafamba munzira yaJerobhoamu nemuchivi chake chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kunyatsozvipira.”
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
ChiHeb., “pachinzvimbo chavo samambokadzi.”
Kana kuti “wakanyatsoperera.”
ChiHeb., “kwemazuva ake ese.”
Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”
Kana kuti “yemuzinda wamambo.”
Kana kuti “sungano.”
Kana kuti “sungano yako.”
Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”
Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”
Kana kuti “aakakomberedza nemasvingo; aakavakazve.”