Bhuku Rekutanga reMadzimambo 2:1-46

  • Dhavhidhi anorayira Soromoni (1-9)

  • Dhavhidhi anofa; Soromoni anogara pachigaro (10-12)

  • Kupanduka kwaAdhonija kunomuurayisa (13-25)

  • Abhiyatari anodzingwa; Joabhi anourayiwa (26-35)

  • Shimei anourayiwa (36-46)

2  Nguva yekufa kwaDhavhidhi payakanga yaswedera, akarayira mwanakomana wake Soromoni achiti:  “Ndava pedyo nekufa.* Saka simba,+ uratidze kuti uri murume.+  Unofanira kuchengeta zvaunonzi uitire Jehovha Mwari wako kuburikidza nekufamba munzira dzake nekuchengeta mirau yake, mirayiro yake, zvaakatonga, nezviyeuchidzo zvake sekunyorwa kwazvakaitwa muMutemo waMozisi;+ kana ukadaro uchabudirira* pane zvese zvaunoita uye kwese kwaunoenda.  Uye Jehovha achaita zvaakavimbisa pamusoro pangu achiti: ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera nzira yavo nekufamba pamberi pangu vakatendeka nemwoyo yavo yese, nemweya* yavo yese,+ hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri.’+  “Iwe unonyatsozivawo zvandakaitirwa naJoabhi mwanakomana waZeruya, zvaakaitira vakuru vaviri vemauto aIsraeri, Abhineri+ mwanakomana waNeri naAmasa+ mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akadeura ropa+ iyo isiri nguva yehondo, uye akaisa ropa rehondo pabhandi raiva muchiuno chake nepashangu dzaiva mutsoka dzake.  Ita maererano neuchenjeri hwako uye usarega bvudzi rake jena richipinda muGuva*+ murugare.  “Asi uratidze rudo rusingachinji kuvanakomana vaBhazirai+ muGiriyedhi, uye vanofanira kuva pakati pevaya vanodya patafura yako, nekuti vakamira neni+ pandakatiza mukoma wako Absaromu.+  “Panawo Shimei mwanakomana waGera muBhenjamini wekuBhahurimu. Ndiye akandituka zvinorwadza+ pazuva randakanga ndichienda kuMahanaimu;+ asi paakadzika kuzosangana neni kuJodhani, ndakamupikira naJehovha, ndichiti: ‘Handizokuurayi nebakatwa.’+  Iwe usamurega asina kurangwa,+ nekuti uri murume akachenjera uye unoziva zvaunofanira kumuitira; haufaniri kumurega achipinda muGuva* nekungozvifira ega nekukwegura.”*+ 10  Dhavhidhi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa muGuta raDhavhidhi.+ 11  Dhavhidhi akatonga Israeri kwemakore 40. MuHebroni+ akatonga kwemakore 7, uye muJerusarema akatonga kwemakore 33.+ 12  Soromoni akabva agara pachigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, uye zvishoma nezvishoma umambo hwake hwakasimbiswa.+ 13  Nekufamba kwenguva, Adhonija mwanakomana waHagiti akauya kuna Bhati-shebha, amai vaSoromoni. Vakamubvunza kuti: “Kwakanaka here?” Akapindura kuti: “Kwakanaka.” 14  Akabva ati: “Ndine zvandiri kuda kukuudzai.” Saka vakati: “Taura hako.” 15  Iye akati: “Imi munonyatsoziva kuti umambo hwaifanira kuva hwangu, uye vaIsraeri vese vaitarisira* kuti ndive mambo;+ zvisinei umambo hahuna kuzova hwangu asi hwakaenda kumunin’ina wangu, nekuti Jehovha ndiye akaita kuti huve hwake.+ 16  Asi ndinongova nechikumbiro chimwe chete kwamuri. Musandirambira.” Saka vakati kwaari: “Taura hako.” 17  Iye akabva ati: “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni kuti andipe Abhishagi+ muShunemi kuti ave mudzimai wangu; nekuti haazokurambirii.” 18  Bhati-shebha akabva ati: “Zvakanaka! Ndichanotaura zvawakumbira kuna mambo.” 19  Saka Bhati-shebha akapinda maiva naMambo Soromoni kuti anotaura naye nyaya yaAdhonija. Mambo akasimuka kuti achingure amai vake, akakotama pamberi pavo. Akabva agara pachigaro chake cheumambo akaita kuti amai vamambo vaisirwe chigaro cheumambo, kuti vagare kurudyi rwake. 20  Vakabva vati: “Ndine chikumbiro chidiki kwauri. Usandirambira.” Saka mambo akati kwavari: “Kumbirai henyu, amai vangu; nekuti handizokurambirii.” 21  Ivo vakati: “Adhonija mukoma wako ngaapiwe Abhishagi muShunemi kuti ave mudzimai wake.” 22  Mambo Soromoni akapindura amai vake achiti: “Nei muri kukumbira kuti Adhonija apiwe Abhishagi muShunemi? Chibvai mamukumbirirawo neumambo hwacho+ nekuti mukoma wangu,+ uye ari kutsigirwa nemupristi Abhiyatari naJoabhi+ mwanakomana waZeruya.”+ 23  Mambo Soromoni akabva apika naJehovha achiti: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana zvakumbirwa naAdhonija zvikasaita kuti arasikirwe neupenyu hwake.* 24  NaJehovha mupenyu uyo akandigadza+ pachigaro cheumambo chababa vangu Dhavhidhi, akasimbisa utongi hwangu uye akandivakira imba*+ sezvaakavimbisa, nhasi Adhonija anofanira kuurayiwa.”+ 25  Mambo Soromoni akabva angotuma Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, uyo akabva aenda kunorwisa Adhonija akamuuraya. 26  Kumupristi Abhiyatari,+ mambo akati: “Enda kunharaunda yako kuAnatoti!+ Wanga uchifanira kufa, asi nhasi handisi kukuuraya nekuti wakatakura Areka yaChangamire Ishe Jehovha pamberi pababa vangu Dhavhidhi,+ uye nekuti waiva nababa vangu pakutambudzika kwavo kwese.”+ 27  Saka Soromoni akadzinga Abhiyatari pakushumira semupristi waJehovha, kuti azadzise shoko raJehovha raakataura muShiro+ pamusoro peimba yaEri.+ 28  Shoko racho parakasvika kuna Joabhi, uyo akanga atsigira Adhonija+ asi asina kutsigira Absaromu,+ Joabhi akatizira kutende raJehovha,+ akabata nyanga dzeatari. 29  Mambo Soromoni akabva audzwa kuti: “Joabhi atizira kutende raJehovha, uye ari pedyo neatari.” Saka Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, achiti: “Enda unomuuraya!” 30  Saka Bhenaya akaenda kutende raJehovha akati kwaari: “Zvanzi namambo, ‘Buda imomo!’” Asi iye akati: “Hazviiti! Ndichafira muno.” Bhenaya akadzoka neshoko kuna mambo achiti: “Izvi ndizvo zvataurwa naJoabhi, uye izvi ndizvo zvaandipindura.” 31  Mambo akabva ati kwaari: “Ita sezvaataura; muuraye umuvige, kuti ubvise pandiri nepaimba yababa vangu ropa rakadeurwa naJoabhi pasina chikonzero.+ 32  Jehovha achamutsiva mhosva yake yekudeura ropa, nekuti baba vangu Dhavhidhi vasingazivi, akarwisa varume vaviri vakarurama uye vakanaka kumupfuura akavauraya nebakatwa, vanoti: Abhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto raIsraeri,+ naAmasa+ mwanakomana waJeteri, mukuru weuto raJudha.+ 33  Mhosva yekufa kwavo ichauya pana Joabhi nepavana vake* nekusingaperi;+ asi kuna Dhavhidhi nekuvana vake* nekuimba yake nekuchigaro chake cheumambo ngakuve nerugare runobva kuna Jehovha nekusingaperi.” 34  Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akabva aenda akarwisa Joabhi akamuuraya, uye akavigwa pamba pake murenje. 35  Mambo akabva agadza Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha kuti atungamirire uto panzvimbo paJoabhi, uye mambo akagadza mupristi Zadhoki+ panzvimbo yaAbhiyatari. 36  Mambo akabva ashevedza Shimei,+ akati kwaari: “Vaka imba muJerusarema, ugare imomo; usabuda uchienda kune imwe nzvimbo. 37  Pazuva raunobuda woyambuka Bani reKidroni,+ ziva kuti uchafa. Inenge iri mhosva yako.”* 38  Shimei akapindura mambo achiti: “Zvamataura zvakanaka. Muranda wenyu achaita sezvataurwa nashe wangu mambo.” Saka Shimei akaramba ari muJerusarema kwemazuva akawanda. 39  Asi pakapera makore matatu, varanda vaviri vaShimei vakatiza vakaenda kuna Akishi+ mwanakomana waMaaka mambo weGati. Shimei paakaudzwa kuti: “Varanda vako vari kuGati,” 40  Shimei akabva aisa chigaro padhongi rake, akaenda kunoona Akishi kuGati achitsvaga varanda vake. Shimei paakadzoka kubva kuGati nevaranda vake, 41  Soromoni akaudzwa kuti: “Shimei abuda muJerusarema akaenda kuGati uye adzoka.” 42  Mambo akabva ashevedza Shimei akati kwaari: “Handina here kuita kuti upike naJehovha ndikakuyambira kuti: ‘Pazuva raunobuda muno uchienda kune imwe nzvimbo, ziva kuti uchafa’? Uye hauna here kuti kwandiri, ‘Zvamuri kutaura zvakanaka; ndichateerera’?+ 43  Saka nei usina kuchengeta mhiko yaJehovha uye murayiro wandakakupa?” 44  Mambo akabva ati kuna Shimei: “Mumwoyo mako unoziva zvakaipa zvese zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi;+ Jehovha achadzorera zvakaipa izvozvo pamusoro wako.+ 45  Asi Mambo Soromoni achakomborerwa,+ uye chigaro chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nekusingaperi.” 46  Mambo akabva arayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, uyo akabva abuda akamurwisa, akamuuraya.+ Saka umambo hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Ndava kuenda nenzira yenyika yese.”
Kana kuti “uchaita nekuchenjera.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiHeb., “unofanira kupinza bvudzi rake jena muGuva neropa.”
ChiHeb., “vakanga vaisa zviso zvavo pandiri.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “dzinza remadzimambo.”
Kana kuti “nezvizvarwa zvake.”
Kana kuti “nekuzvizvarwa zvake.”
Kana kuti “Ropa rako richava pamusoro wako.”