Bhuku Rekutanga reMadzimambo 5:1-18

  • Mambo Hiramu anopa zvekuvakisa (1-12)

  • Vanhu vakatorwa naSoromoni kuti vaite basa (13-18)

5  Hiramu mambo weTire+ paakanzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuva mambo panzvimbo yababa vake, akatuma varanda vake kuna Soromoni, nekuti Hiramu akanga agara ari shamwari yaDhavhidhi.*+  Soromoni akabva atumirawo shoko kuna Hiramu,+ achiti:  “Imi munonyatsoziva kuti baba vangu Dhavhidhi havana kukwanisa kuvaka imba yezita raJehovha Mwari wavo nemhaka yekurwiswa kwavaiitwa kumativi ese, kusvikira Jehovha aisa vavengi vavo pasi petsoka dzavo.+  Asi iye zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ese.+ Hapana ari kundirwisa, uye hapana chakaipa chiri kuitika.+  Saka ndiri kuda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakavimbiswa baba vangu Dhavhidhi naJehovha, achiti: ‘Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako cheumambo panzvimbo yako, ndiye achavakira zita rangu imba.’+  Zvino rayirai vanhu venyu kuti vanditemere misidhari yekuRebhanoni.+ Varanda vangu vachashanda nevaranda venyu, uye ndichapa varanda venyu mubhadharo wamunenge mataura, nekuti imi munoziva kuti pakati pedu hapana munhu anogona kutema miti sezvinoita vaSidhoni.”+  Hiramu paakanzwa mashoko aSoromoni, akafara chaizvo, akati: “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi nekuti akapa Dhavhidhi mwanakomana akachenjera kuti atungamirire vanhu ava vakawanda!”+  Saka Hiramu akatumira shoko kuna Soromoni, achiti: “Ndanzwa shoko rawanditumira. Ndichaita zvese zvauri kuda; ndichakupa matanda emisidhari nematanda emijunipa.+  Varanda vangu vachabva nawo kuRebhanoni vodzika nawo kugungwa, uye ndichaasunga pamwe chete ndichiayeredza nemugungwa achienda kunzvimbo yauchandiudza. Ndichaita kuti asunungurwe ikoko, iwe wozoatakura. Iwewo uchandipa zvekudya zveimba yangu zvandichakumbira.”+ 10  Saka Hiramu akapa Soromoni matanda ese emisidhari neemijunipa aidiwa naSoromoni. 11  Soromoni akapawo Hiramu makori* 20 000 egorosi kuti veimba yake vadye nemakori 20 emafuta akacheneswa emaorivhi. Soromoni aipa Hiramu zvinhu izvozvo gore negore.+ 12  Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa.+ Pakati paHiramu naSoromoni pakava nerugare, uye vaviri vacho vakaita chibvumirano.* 13  Mambo Soromoni akatora varume kubva muIsraeri yese kuti vaite basa rekumanikidzwa;+ akatora varume 30 000. 14  Aivatuma kuRebhanoni vari mumapoka evanhu 10 000 pamwedzi. Vaiita mwedzi vari kuRebhanoni, uye mwedzi miviri vari kumisha yavo; Adhoniramu+ ndiye aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa. 15  Soromoni aiva nevashandi 70 000 vaiita basa risingadi unyanzvi* ne80 000 vaicheka matombo+ mumakomo,+ 16  uyewo paiva nevatariri+ 3 300 vaSoromoni avo vaiva maforomani evashandi vacho. 17  Vachitevera murayiro waMambo, vakachera matombo makuru, matombo anodhura,+ kuti vavake faundesheni+ yeimba yacho nematombo akavezwa.+ 18  Saka vavaki vaSoromoni nevavaki vaHiramu nevanhu vekuGebhari+ vakaveza matombo, uye vakagadzira matanda nematombo ekuvakisa imba yacho.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “akanga agara achida Dhavhidhi.”
Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “sungano.”
Kana kuti “rekutakura zvinorema.”