Bhuku Rekutanga reMadzimambo 5:1-18
5 Hiramu mambo weTire+ paakanzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuva mambo panzvimbo yababa vake, akatuma varanda vake kuna Soromoni, nekuti Hiramu akanga agara ari shamwari yaDhavhidhi.*+
2 Soromoni akabva atumirawo shoko kuna Hiramu,+ achiti:
3 “Imi munonyatsoziva kuti baba vangu Dhavhidhi havana kukwanisa kuvaka imba yezita raJehovha Mwari wavo nemhaka yekurwiswa kwavaiitwa kumativi ese, kusvikira Jehovha aisa vavengi vavo pasi petsoka dzavo.+
4 Asi iye zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ese.+ Hapana ari kundirwisa, uye hapana chakaipa chiri kuitika.+
5 Saka ndiri kuda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakavimbiswa baba vangu Dhavhidhi naJehovha, achiti: ‘Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako cheumambo panzvimbo yako, ndiye achavakira zita rangu imba.’+
6 Zvino rayirai vanhu venyu kuti vanditemere misidhari yekuRebhanoni.+ Varanda vangu vachashanda nevaranda venyu, uye ndichapa varanda venyu mubhadharo wamunenge mataura, nekuti imi munoziva kuti pakati pedu hapana munhu anogona kutema miti sezvinoita vaSidhoni.”+
7 Hiramu paakanzwa mashoko aSoromoni, akafara chaizvo, akati: “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi nekuti akapa Dhavhidhi mwanakomana akachenjera kuti atungamirire vanhu ava vakawanda!”+
8 Saka Hiramu akatumira shoko kuna Soromoni, achiti: “Ndanzwa shoko rawanditumira. Ndichaita zvese zvauri kuda; ndichakupa matanda emisidhari nematanda emijunipa.+
9 Varanda vangu vachabva nawo kuRebhanoni vodzika nawo kugungwa, uye ndichaasunga pamwe chete ndichiayeredza nemugungwa achienda kunzvimbo yauchandiudza. Ndichaita kuti asunungurwe ikoko, iwe wozoatakura. Iwewo uchandipa zvekudya zveimba yangu zvandichakumbira.”+
10 Saka Hiramu akapa Soromoni matanda ese emisidhari neemijunipa aidiwa naSoromoni.
11 Soromoni akapawo Hiramu makori* 20 000 egorosi kuti veimba yake vadye nemakori 20 emafuta akacheneswa emaorivhi. Soromoni aipa Hiramu zvinhu izvozvo gore negore.+
12 Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa.+ Pakati paHiramu naSoromoni pakava nerugare, uye vaviri vacho vakaita chibvumirano.*
13 Mambo Soromoni akatora varume kubva muIsraeri yese kuti vaite basa rekumanikidzwa;+ akatora varume 30 000.
14 Aivatuma kuRebhanoni vari mumapoka evanhu 10 000 pamwedzi. Vaiita mwedzi vari kuRebhanoni, uye mwedzi miviri vari kumisha yavo; Adhoniramu+ ndiye aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa.
15 Soromoni aiva nevashandi 70 000 vaiita basa risingadi unyanzvi* ne80 000 vaicheka matombo+ mumakomo,+
16 uyewo paiva nevatariri+ 3 300 vaSoromoni avo vaiva maforomani evashandi vacho.
17 Vachitevera murayiro waMambo, vakachera matombo makuru, matombo anodhura,+ kuti vavake faundesheni+ yeimba yacho nematombo akavezwa.+
18 Saka vavaki vaSoromoni nevavaki vaHiramu nevanhu vekuGebhari+ vakaveza matombo, uye vakagadzira matanda nematombo ekuvakisa imba yacho.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “akanga agara achida Dhavhidhi.”
^ Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kana kuti “sungano.”
^ Kana kuti “rekutakura zvinorema.”