Tsamba Yekutanga yaPetro 3:1-22
3 Imi madzimai itaiwo saizvozvo muchizviisa pasi pevarume venyu,+ kuti kana paine vasingateereri shoko, vasvike pakuteerera pasina shoko rataurwa zvichibva pane zvinoitwa nemadzimai avo,+
2 nekuti vanenge vaona vega zvinhu zvakanaka* zvamunoita+ uye kuremekedza kwenyu kukuru.
3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka bvudzi uye kwekupfeka zvishongo zvegoridhe+ kana zvipfeko zvakanaka,
4 asi ngakuve munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chekuva munhu akanyarara uye munyoro,+ izvo zvinokosha chaizvo kuna Mwari.
5 Nekuti vakadzi vatsvene vekare avo vaiva netariro muna Mwari vaizvishongedzawo saizvozvo, vachizviisa pasi pevarume vavo,
6 sezvaiitwa naSara uyo aiteerera Abrahamu, achimuti ishe.+ Zvino mava vana vake kana mukaramba muchiita zvakanaka uye musingatyi.+
7 Saizvozvowo imi varume rambai muchigara nemadzimai enyu nekuziva.* Vabatei nerukudzo+ sezvamunoita mudziyo usina kusimba, sezvo vachawanawo upenyu pamwe chete nemi+ nekuda kwenyasha dzaMwari, nekuti mukasadaro minyengetero yenyu hainzwikwi.
8 Ndinopedzisa ndichiti mese ivai nepfungwa dzimwe chete,*+ muchinzwirana tsitsi, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana nyasha kwazvo,+ muchizvininipisa.+
9 Musatsiva chakaipa nechakaipa+ kana kutuka nekutuka.+ Panzvimbo paizvozvo tsivai nechikomborero,+ nekuti izvozvo ndizvo zvamakadanirwa, kuti muwane chikomborero.
10 Nekuti, “munhu wese anoda upenyu nekuona mazuva akanaka, anofanira kudzora rurimi rwake kuti rusataura zvakaipa+ nemuromo wake kuti usataura zvekunyengera.
11 Ngaasiye zvakaipa+ aite zvakanaka;+ ngaatsvage rugare arutevere.+
12 Nekuti maziso aJehovha* ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinoteerera kuteterera kwavo,+ asi chiso chaJehovha* chinovenga vaya vanoita zvakaipa.”+
13 Chokwadi, ndiani angakuitirai zvakaipa kana mukashingaira kuita zvakanaka?+
14 Asi kunyange kana mukatambura nekuti muri kuita zvakarurama, muchafara.+ Zvisinei, musatya zvavanotya,* uye musanetseka.+
15 Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kupindura munhu wese anokubvunzai nezvetariro yamuinayo, asi muchizviita neunyoro+ neruremekedzo rukuru.+
16 Rambai muine hana yakanaka+ kuti pazvinhu zvese zvamunopomerwa, vaya vanokupomerai vanyare+ pavanoona mararamiro enyu akanaka sevateveri vaKristu.+
17 Nekuti zviri nani kuti mutambure pamusana pekuti muri kuita zvakanaka,+ kana Mwari azvibvumira kuti zviitike, pane kuti mutambure nekuti muri kuita zvakaipa.+
18 Nekuti Kristu akafira zvivi+ kamwe chete zvikabva zvakwana, iye munhu akarurama achiitira vasina kururama,+ kuti akutungamirirei kuna Mwari.+ Akaurayiwa panyama,+ akaitwa mupenyu pamweya.+
19 Akabva aenda akanoparidza kumweya yaiva mujeri,+
20 iyo yakanga isingateereri, Mwari paakanga achimirira nemwoyo murefu mumazuva aNoa,+ areka ichivakwa,+ iyo yakatakura vanhu vashoma, ivo vanhu 8, vachibva vapona* mumvura.+
21 Rubhabhatidzo, urwo rwakafanana neizvi ruri kukuponesaiwo zvino, (kwete nekubviswa kwetsvina panyama, asi nekukumbira hana yakanaka kuna Mwari),+ pachishandiswa kumuka kwaJesu Kristu.
22 Iye akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ uye ngirozi nevanokudzwa nemasimba zvakaiswa pasi pake.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiGir., “zvakachena.”
^ Kana kuti “muchivanzwisisa.”
^ Kana kuti “bvumiranai pane zvamunofunga.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “musatya kutyisidzira kwavo.”
^ Kana kuti “iyo mweya misere, ichibva yapona.”