Tsamba Yekutanga yaPetro 4:1-19
4 Sezvo Kristu akatambura panyama,+ imiwo zvishongedzei nemafungiro akaita saiwayo; nekuti munhu anenge atambura panyama arega zvivi,+
2 kuti nguva yake yasara yekurarama panyama, arege kuiraramira kuchiva,+ asi kuita kuda kwaMwari.+
3 Nekuti nguva yamakapedza muchiita zvaidiwa nevanhu vemamwe marudzi+ yakakwana, yamaigara muchiita mabasa akafumuka,* muine ruchiva rwakanyanya, muchinwa zvakapfurikidza, muchiita mitambo yekufara zvakapfurikidza, nemitambo yekunwa zvakanyanyisa, muchiita zvinorambidzwa nemutemo zvekunamata zvidhori.+
4 Vanhu ivavo vanoshaya kuti sei musingarambi muchiita navo zvinhu izvozvo zvakaipa, saka vanotaura zvakaipa nezvenyu.+
5 Asi vanhu ava vachazvidavirira kune uya akagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.+
6 Izvi ndizvo zvakatoita kuti mashoko akanaka aziviswewo kune vakafa,+ kuti kunyange zvazvo vachitongwa sezvavari panyama maererano nezvinoonekwa nevanhu, vararame vachitungamirirwa nemweya mukuona kwaMwari.
7 Asi kuguma kwezvinhu zvese kwava pedyo. Saka ivai nepfungwa dzakanaka,+ uye garai makagadzirira kunyengetera.+
8 Kupfuura zvese, dananai kwazvo,+ nekuti rudo runovhara zvivi zvizhinji.+
9 Gamuchiranai zvakanaka musinganyunyuti.+
10 Zvichienderana nekuti mumwe nemumwe wenyu akagamuchira chipo chakaita sei, ngaachishandise pakushumira vamwe semutariri akanaka kwazvo wenyasha dzaMwari dzinoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.+
11 Kana munhu achitaura, ngaaite izvozvo seari kutaura mashoko anobva kuna Mwari; kana munhu achishumira, ngaaite izvozvo seari kuvimba nesimba rinopiwa naMwari,+ kuti Mwari akudzwe+ muzvinhu zvese kuburikidza naJesu Kristu. Kukudzwa nesimba ndezvake nariini nariini. Ameni.
12 Vadiwa, musashamiswa nemiedzo yakaita semoto yamuinayo,+ sekunge kuti zviri kuitika kwamuri zvitsva.
13 Asi rambai muchifara+ nepamasvika pakutamburawo sezvakaita Kristu,+ kuti mufarewo uye mupembere nemufaro pakuratidzwa kwekubwinya kwake.+
14 Kana muchishorwa* nekuda kwezita raKristu, munofara,+ nekuti mweya wekubwinya, iwo mweya waMwari, uri pamuri.
15 Zvisinei, ngaparege kuva nemumwe wenyu anotambura nekuti muurayi kana kuti imbavha kana kuti anoita zvakaipa kana kuti anopindira munyaya dzisinei naye.+
16 Asi kana munhu akatambura nekuti muKristu, ngaarege kunyara,+ asi ngaarambe achikudza Mwari achidanwa nezita iri.
17 Nekuti yava nguva yakasarudzwa yekuti kutonga kutange neimba yaMwari.+ Zvino kana kukatanga nesu,+ zvichamira sei kune vaya vasingateereri mashoko akanaka aMwari?+
18 “Uye kana zvakaoma kuti munhu akarurama apone, chii chichaitika kumunhu asingadi Mwari uye kumutadzi?”+
19 Saka vaya vari kutambura nemhaka yekuti vari kuita kuda kwaMwari ngavarambe vachizviisa* mumaoko eMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mabasa anoratidza kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”
^ Kana kuti “muchitukwa.”
^ Kana kuti “vachiisa mweya yavo.”