Bhuku Rekutanga raSamueri 7:1-17
7 Saka varume vekuKiriyati-jearimu vakauya vakatora Areka yaJehovha, vakanoiisa muimba yaAbhinadhabhi+ yaiva pachikomo, uye vakatsaura mwanakomana wake Eriyezari kuti achengetedze Areka yaJehovha.
2 Kubvira pazuva rakauya Areka muKiriyati-jearimu, pakapfuura nguva refu chaizvo yaisvika makore 20, uye imba yese yaIsraeri yakatanga kutsvaga* Jehovha.+
3 Samueri akabva ati kuimba yese yaIsraeri: “Kana muri kudzoka kuna Jehovha nemwoyo yenyu yese,+ bvisai pakati penyu vanamwari vekune dzimwe nyika+ nemifananidzo yaAshtoreti,+ muzvipire nemwoyo yenyu yese kuna Jehovha, mushumire iye ega,+ uye achakununurai paruoko rwevaFiristiya.”+
4 VaIsraeri vakabva vabvisa vanaBhaari nemifananidzo yaAshtoreti, vakatanga kushumira Jehovha chete.+
5 Samueri akabva ati: “Unganidzai vaIsraeri vese kuMizpa,+ uye ndichakunyengetererai kuna Jehovha.”+
6 Saka vakaungana kuMizpa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, uye vakatsanya pazuva iroro.+ Vari ipapo vakati: “Takatadzira Jehovha.”+ Samueri akabva atanga kushumira semutongi+ wevaIsraeri kuMizpa.
7 VaFiristiya pavakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vaungana kuMizpa, madzishe evaFiristiya+ akaenda kunorwisa vaIsraeri. VaIsraeri pavakazvinzwa, vakatya vaFiristiya.
8 Saka vaIsraeri vakati kuna Samueri: “Musarega kushevedzera kuna Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire+ uye atiponese paruoko rwevaFiristiya.”
9 Samueri akabva atora gwayana raiyamwa, akaripa sechibayiro chinopiswa+ kuna Jehovha; uye Samueri akashevedzera kuna Jehovha kuti vaIsraeri vabatsirwe, Jehovha akamupindura.+
10 Samueri paaipa chibayiro chinopiswa, vaFiristiya vakaswedera pedyo kuti varwise vaIsraeri. Jehovha akabva aita kuti kutinhire zvinotyisa+ zuva iroro achirwisa vaFiristiya, uye akavavhiringidza,+ vakakundwa nevaIsraeri.+
11 Varume veIsraeri vakabva vabuda muMizpa, vakadzingirira vaFiristiya vachivauraya kusvikira kumaodzanyemba kweBheti-kari.
12 Samueri akabva atora dombo,+ akarimisa pakati peMizpa neJeshana, akaritumidza kuti Ebhenezeri,* nekuti akati: “Jehovha atibatsira kusvikira iye zvino.”+
13 Saka vaFiristiya vakakundwa, uye havana kuzouyazve munharaunda yevaIsraeri;+ uye ruoko rwaJehovha rwakaramba ruchirwa nevaFiristiya mazuva ese aSamueri.+
14 Uyewo maguta akanga atorerwa vaIsraeri nevaFiristiya akadzoka kuvaIsraeri, kubva kuEkroni kusvika kuGati, uye vaIsraeri vakatora nharaunda yavo yakanga yapambwa nevaFiristiya.
Paivawo nerugare pakati pevaIsraeri nevaAmori.+
15 Samueri akaramba achitonga nyaya dzevaIsraeri kweupenyu hwake hwese.+
16 Gore negore aifamba achitenderera nekuBheteri,+ Girigari,+ neMizpa,+ achitonga nyaya dzevaIsraeri munzvimbo dzese idzi.
17 Asi aidzokera kuRama,+ nekuti ndiko kwaiva neimba yake, uye aitongawo vaIsraeri ikoko. Akavakira Jehovha atari ikoko.+