Tsamba Yekutanga kuvaTesaronika 4:1-18
4 Hama dzangu, regai ndipedzise nekuti, sekugamuchira kwamakaita murayiro wakabva kwatiri pamusoro pemafambiro amunofanira kuita kuti mufadze Mwari,+ zvinova ndizvo zvamuri kutoita, tinokukumbirai uye tinoteterera kwamuri nekunaShe Jesu kuti murambe muchiwedzera pane zvamuri kuita.
2 Nekuti munoziva mirayiro yatakakupai nekunaShe Jesu.
3 Nekuti kuda kwaMwari ndekwekuti muve vatsvene+ morega upombwe.*+
4 Mumwe nemumwe wenyu anofanira kudzidza kudzora muviri*+ wake muutsvene+ nekukudzwa,
5 asingaratidzi makaro nekusazvidzora pakuda zvebonde+ sezvinoitwa nemamwe marudzi asingazivi Mwari.+
6 Hapana anofanira kupfuura muganhu uye kutadzira hama yake panyaya iyi, nekuti Jehovha* acharangira vanhu zvinhu zvese izvi, sezvatakambokuudzai uye zvatakakuyambirai.
7 Nekuti Mwari haana kutidanira kusachena asi utsvene.+
8 Saka anoshora izvi haasi kushora munhu, asi ari kushora Mwari,+ uyo anokupai mweya mutsvene wake.+
9 Asi kana iri nyaya yekudanana sehama,+ hatifaniri kutombokunyorerai, nekuti imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane.+
10 Ndingatoti muri kuitira izvi hama dzese dziri muMakedhoniya yese. Asi tinokukurudzirai hama, kuti murambe muchiwedzera pane zvamuri kuita.
11 Vavarirai kugara makanyarara,+ muchisiyana nenyaya dzisinei nemi,+ moshanda nemaoko enyu,+ sezvatakakurayirai,
12 kuti mufambe zvinoyemurika kuvanhu vari kunze+ uye kuti musava nechamunoshayiwa.
13 Uyezve hama, tinoda kuti munzwisise nezvevaya vakarara murufu,+ kuti murege kusuruvara sezvinoita vamwe vasina tariro.+
14 Nekuti kana tichitenda kuti Jesu akafa akamuka,+ Mwari achaunzawo vaya vakarara murufu muna Jesu.+
15 Nekuti izvi ndizvo zvatinokuudzai neshoko raJehovha,* kuti isu vapenyu tinenge tichirarama pakuvapo kwaShe hatizombotangiri vakarara murufu;
16 nekuti Ishe pachake achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru+ nebhosvo raMwari, uye vaya vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka.+
17 Pashure pacho isu vapenyu tinenge tichirarama, tichatorwa mumakore+ pamwe chete navo, kuti tisangane naShe+ mumhepo; saka tichazogara tiina Ishe.+
18 Saka rambai muchinyaradzana nemashoko aya.
Mashoko Emuzasi
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiGir., “mudziyo.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.