Tsamba Yekutanga kuvaTesaronika 5:1-28
5 Hama, kana iri nyaya yenguva nemwaka, hamufaniri kutombonyorerwa chinhu.
2 Nekuti imi munonyatsoziva kuti zuva raJehovha*+ riri kuuya sembavha inouya usiku.+
3 Pavanongoti, “Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” vachabva vangoparadzwa pakarepo vasingatarisiri,+ semauyiro anoita marwadzo emukadzi ane pamuviri ava kusununguka, uye havasi kuzopukunyuka.
4 Asi imi hama, hamusi murima, zvekuti zuva iroro ringakusvikirai sezvaringaita kumbavha,
5 nekuti mese muri vanakomana vechiedza nevanakomana vemasikati.+ Isu hatisi veusiku kana verima.+
6 Saka ngatiregei kuramba takarara sevamwe vese,+ asi ngatirambei takamuka,+ pfungwa dzedu dzichinyatsoshanda.+
7 Nekuti vaya vanorara, vanorara usiku, uye vaya vanodhakwa, vanodhakwa usiku.+
8 Asi kana tiri isu vemasikati, pfungwa dzedu ngadzirambe dzichinyatsoshanda uye ngatipfekei kutenda nerudo sechinhu chinovharidzira chipfuva, uye tariro yeruponeso sengowani+
9 nekuti Mwari haana kutisarudza kuti atiitire hasha, asi kuti tiwane ruponeso+ naShe wedu Jesu Kristu.
10 Iye akatifira+ kuti pasinei nekuti taramba takamuka kana kuti takarara,* tinofanira kurarama pamwe chete naye.+
11 Saka rambai muchikurudzirana* uye muchivakana,+ sezvamuri kutoita iye zvino.
12 Saka hama tinokukumbirai kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikudzidzisai;
13 uye kuti muvape rukudzo rukuru murudo nekuda kwebasa ravo.+ Garisanai nerugare.+
14 Uyewo tinokukurudzirai hama, kuti muyambire vaya vanofamba zvisina kukodzera,+ munyaradze vaya vakaora mwoyo, mutsigire vasina simba, uye muitire mwoyo murefu vanhu vese.+
15 Ivai nechokwadi chekuti hapana anotsiva chakaipa nechakaipa,+ asi garai muchiitirana zvakanaka uye muchizviitirawo vamwe vese.+
16 Garai muchifara.+
17 Rambai muchinyengetera.+
18 Tendai zvese zvamunoitirwa.+ Uku ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
19 Musadzima moto wemweya.+
20 Musashora uprofita.+
21 Ivai nechokwadi nezvinhu zvese;+ batisisai zvinhu zvakanaka.
22 Musatomboita zvinhu zvese zvakaipa.+
23 Mwari werugare pachake ngaakutsvenesei zvakakwana. Uye mweya yenyu nemwoyo* yenyu nemiviri yenyu hama, ngazvirambe zvakakwana muzvese, zvisina pazvinoshoreka pakuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu.+
24 Iye ari kukudanai akatendeka, uye achatozviita.
25 Hama, rambai muchitinyengeterera.+
26 Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene.
27 Ndiri kukutetererai muzita raShe kuti muverengere tsamba ino hama dzese.+
28 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “takarara murufu.”
^ Kana kuti “muchinyaradzana.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”