Bhuku Rechipiri reMadzimambo 1:1-18

  • Eriya anoprofita nezvekufa kwaAhaziya (1-18)

1  Pashure pekufa kwaAhabhi, vaMoabhi+ vakapandukira vaIsraeri.  Panguva iyoyo Ahaziya ndipo paakawira pasi nepaburi raiva nesefa achibva muimba yepadenga remba yake muSamariya, achibva akuvara. Saka akatuma nhume, akati kwadziri: “Endai munobvunza Bhaari-zebhubhu, mwari weEkroni,+ kuti munzwe kuti ndichapora here pakukuvara uku kwandaita.”+  Asi ngirozi yaJehovha yakati kuna Eriya*+ muTishbhi: “Simuka uende kunosangana nenhume dzamambo weSamariya, uti kwadziri, ‘MuIsraeri hamuna Mwari here zvamuri kuenda kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni?+  Saka zvanzi naJehovha: “Hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.”’” Eriya akabva aenda.  Nhume dzacho padzakadzoka kuna mambo, akabva ati kwadziri: “Madzokerei?”  Dzakati kwaari: “Pane murume auya kuzosangana nesu akatiudza kuti, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai, muti kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘MuIsraeri hamuna Mwari here zvauri kutuma vanhu kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni? Saka hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.’”’”+  Akabva avabvunza kuti: “Murume wacho auya kuzosangana nemi akakuudzai mashoko aya anga akaita sei?”  Saka vakati kwaari: “Murume wacho anga akapfeka nguo yemvere,+ akasunga bhandi reganda muchiuno make.”+ Akabva ati: “NdiEriya muTishbhi.”  Mambo akabva amutumira mukuru wevanhu 50 aine varume vake 50. Paakakwidza kwaaiva, akamuwana akagara pamusoro pegomo. Akati kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi,+ zvanzi namambo, ‘Burukai.’” 10  Asi Eriya akapindura mukuru wevanhu 50 achiti: “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kubva kudenga+ ukuparadze nevarume vako 50.” Moto wakabva waburuka kudenga ukamuparadza nevarume vake 50. 11  Saka mambo akamutumira mumwe mukuru wevanhu 50 aine varume vake 50. Akaenda akanoti kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi, zvanzi namambo, ‘Burukai nekukurumidza.’” 12  Asi Eriya akavapindura achiti: “Kana ndiri munhu waMwari wechokwadi, moto ngauburuke kubva kudenga ukuparadze nevarume vako 50.” Moto waMwari wakabva waburuka kubva kudenga ukamuparadza nevarume vake 50. 13  Mambo akabva atumazve mukuru wevanhu 50 wechitatu aine varume vake 50. Asi mukuru wevanhu 50 wechitatu akakwira, akapfugama pamberi paEriya, akatanga kuteterera kunzwirwa nyasha, akati kwaari: “Munhu waMwari wechokwadi, ndapota, upenyu hwangu neupenyu hwevaranda venyu ava 50 ngahukoshe kwamuri. 14  Moto watoburuka kubva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vevanhu 50 vatanga kuuya nemapoka avo evanhu 50, asi zvino upenyu hwangu ngahukoshe* kwamuri.” 15  Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Eriya: “Dzika naye. Usamutya.” Saka akasimuka, akaenda naye kwaiva namambo. 16  Eriya akabva ati kuna mambo: “Zvanzi naJehovha, ‘Wakatuma nhume kunobvunza Bhaari-zebhubhu mwari weEkroni.+ MuIsraeri hamuna Mwari here?+ Wakaregererei kubvunza kuti anoti chii? Saka hausi kuzobva pamubhedha pawakarara, nekuti chokwadi uchafa.’” 17  Saka akafa, maererano neshoko raJehovha rakanga rataurwa naEriya; uye sezvo akanga asina mwanakomana, Jehoramu*+ akava mambo panzvimbo yake, mugore rechipiri raJehoramu+ mwanakomana waJehoshafati mambo weJudha. 18  Kana iri nhoroondo yese yaAhaziya,+ zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha.”
Kana kuti “mweya wangu ngaukoshe.”
Kureva, munin’ina waAhaziya.