Bhuku Rechipiri reMadzimambo 11:1-21
11 Atariya+ amai vaAhaziya pavakaona kuti mwanakomana wavo akanga afa,+ vakasimuka vakaparadza veimba yeumambo vese.*+
2 Zvisinei, Jehoshebha mwanasikana waMambo Jehoramu, hanzvadzi yaAhaziya, akatora Jehoashi+ mwanakomana waAhaziya, akamuba pakati pevanakomana vamambo vakanga vachizourayiwa, akamuchengeta pamwe chete nemureri wake muimba yekurara yaiva mukati. Vakakwanisa kuramba vakamuviga kuti asaonekwa naAtariya, saka haana kuurayiwa.
3 Akaramba ainaye kwemakore 6 akahwandiswa paimba yaJehovha, Atariya paakanga achitonga nyika.
4 Mugore rechi7, Jehoyadha akashevedza vakuru vemazana vevarindi veKariya nevevarindi vepamuzinda*+ akaita kuti vauye kwaari kuimba yaJehovha. Akaita chibvumirano* navo, akaita kuti vapike pamusoro pechibvumirano chacho paimba yaJehovha, achibva azovaratidza mwanakomana wamambo.+
5 Akavarayira achiti: “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Rimwe boka revanhu venyu richauya paSabata, uye richanyatsorinda imba yamambo,*+
6 uye rimwe richava paGedhi reNheyo, uye rimwe richava pagedhi riri shure kwevarindi vepamuzinda. Muchaita majana ekurinda imba yacho.
7 Mapoka enyu maviri anenge asiri kushanda paSabata anofanira kunyatsorinda imba yaJehovha kuti achengetedze mambo.
8 Munofanira kukomba mambo kumativi ese, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake. Kana pakava nemunhu anosvika pamuri anofanira kuurayiwa. Rambai muina mambo kwese kwaanoenda.”*
9 Vakuru vemazana+ vakaita zvese zvakanga zvarayirwa nemupristi Jehoyadha. Saka mumwe nemumwe akatora varume vake vaiva pabasa paSabata, pamwe chete nevaya vakanga vasiri pabasa paSabata, uye vakapinda maiva nemupristi Jehoyadha.+
10 Mupristi akabva apa vakuru vemazana mapfumo nenhoo dzeraundi izvo zvaiva zvaMambo Dhavhidhi, zvaiva muimba yaJehovha.
11 Varindi vepamuzinda+ vakabva vamira munzvimbo dzavo, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake, kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba yacho, pedyo neatari+ uye pedyo neimba, vakakomberedza mambo.
12 Jehoyadha akabva abudisa mwanakomana wamambo,+ akamupfekedza korona uye akaisa Chipupuriro*+ paari, uye vakamugadza kuti ave mambo, vakamuzodza. Vakatanga kuombera, vachiti: “Mambo ngaarambe achirarama!”+
13 Atariya paakanzwa ruzha rwevanhu vaimhanya, akabva angoenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+
14 Akabva aona mambo amire pedyo nembiru sezvaigara zvichiitwa.+ Mambo aiva nevakuru nevanhu vairidza mabhosvo,+ uye vanhu vese vemunyika yacho vakanga vachipembera nemufaro vachiridza mabhosvo. Atariya akabva abvarura nguo dzake akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!”
15 Asi mupristi Jehoyadha akarayira vakuru vemazana,+ vaya vakagadzwa kuti vatungamirire uto, akati kwavari: “Mubvisei pakati pemauto, uye kana pakava neanomutevera, muurayei nebakatwa!” Nekuti mupristi akanga ati: “Musamuurayira muimba yaJehovha.”
16 Saka vakamubata, uye paakasvika paipinda nemabhiza muimba yamambo,*+ akaurayirwa ipapo.
17 Jehoyadha akabva aita kuti mambo nevanhu vaite sungano naJehovha,+ yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha, uye akaitawo kuti mambo aite sungano nevanhu.+
18 Pashure paizvozvo, vanhu vese vemunyika yacho vakaenda kuimba* yaBhaari, vakaputsa atari dzake,+ uye vakapwanya-pwanya mifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho.
Mupristi akabva agadza vatariri kuti vatungamirire imba yaJehovha.+
19 Akatorawo vakuru vemazana,+ nevarindi veKariya, nevarindi vepamuzinda,+ nevanhu vese vemunyika yacho, kuti vaperekedze mambo kubva kuimba yaJehovha, uye vakasvika kuimba yamambo* nenzira yekugedhi revarindi vepamuzinda wamambo. Mambo akabva agara pachigaro chemadzimambo.+
20 Saka vanhu vese vemunyika yacho vakafara chaizvo uye guta rakava nerunyararo, nekuti vakanga vauraya Atariya nebakatwa paimba yamambo.
21 Jehoashi+ aiva nemakore 7 paakava mambo.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “mbeu yese yeumambo.”
^ Kana kuti “sungano.”
^ ChiHeb., “nevevamhanyi.”
^ Kana kuti “muzinda wamambo.”
^ ChiHeb., “paanobuda nepaanopinda.”
^ Zvichida iri raiva gwaro raiva neMutemo waMwari.
^ Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
^ Kana kuti “kutemberi.”
^ Kana kuti “kumuzinda wamambo.”