Bhuku Rechipiri reMadzimambo 11:1-21

  • Atariya anobvuta chigaro (1-3)

  • Jehoashi anoitwa mambo pachivande (4-12)

  • Atariya anourayiwa (13-16)

  • Jehoyadha anogadzirisa zvinhu (17-21)

11  Atariya+ amai vaAhaziya pavakaona kuti mwanakomana wavo akanga afa,+ vakasimuka vakaparadza veimba yeumambo vese.*+  Zvisinei, Jehoshebha mwanasikana waMambo Jehoramu, hanzvadzi yaAhaziya, akatora Jehoashi+ mwanakomana waAhaziya, akamuba pakati pevanakomana vamambo vakanga vachizourayiwa, akamuchengeta pamwe chete nemureri wake muimba yekurara yaiva mukati. Vakakwanisa kuramba vakamuviga kuti asaonekwa naAtariya, saka haana kuurayiwa.  Akaramba ainaye kwemakore 6 akahwandiswa paimba yaJehovha, Atariya paakanga achitonga nyika.  Mugore rechi7, Jehoyadha akashevedza vakuru vemazana vevarindi veKariya nevevarindi vepamuzinda*+ akaita kuti vauye kwaari kuimba yaJehovha. Akaita chibvumirano* navo, akaita kuti vapike pamusoro pechibvumirano chacho paimba yaJehovha, achibva azovaratidza mwanakomana wamambo.+  Akavarayira achiti: “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Rimwe boka revanhu venyu richauya paSabata, uye richanyatsorinda imba yamambo,*+  uye rimwe richava paGedhi reNheyo, uye rimwe richava pagedhi riri shure kwevarindi vepamuzinda. Muchaita majana ekurinda imba yacho.  Mapoka enyu maviri anenge asiri kushanda paSabata anofanira kunyatsorinda imba yaJehovha kuti achengetedze mambo.  Munofanira kukomba mambo kumativi ese, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake. Kana pakava nemunhu anosvika pamuri anofanira kuurayiwa. Rambai muina mambo kwese kwaanoenda.”*  Vakuru vemazana+ vakaita zvese zvakanga zvarayirwa nemupristi Jehoyadha. Saka mumwe nemumwe akatora varume vake vaiva pabasa paSabata, pamwe chete nevaya vakanga vasiri pabasa paSabata, uye vakapinda maiva nemupristi Jehoyadha.+ 10  Mupristi akabva apa vakuru vemazana mapfumo nenhoo dzeraundi izvo zvaiva zvaMambo Dhavhidhi, zvaiva muimba yaJehovha. 11  Varindi vepamuzinda+ vakabva vamira munzvimbo dzavo, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake, kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba yacho, pedyo neatari+ uye pedyo neimba, vakakomberedza mambo. 12  Jehoyadha akabva abudisa mwanakomana wamambo,+ akamupfekedza korona uye akaisa Chipupuriro*+ paari, uye vakamugadza kuti ave mambo, vakamuzodza. Vakatanga kuombera, vachiti: “Mambo ngaarambe achirarama!”+ 13  Atariya paakanzwa ruzha rwevanhu vaimhanya, akabva angoenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+ 14  Akabva aona mambo amire pedyo nembiru sezvaigara zvichiitwa.+ Mambo aiva nevakuru nevanhu vairidza mabhosvo,+ uye vanhu vese vemunyika yacho vakanga vachipembera nemufaro vachiridza mabhosvo. Atariya akabva abvarura nguo dzake akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!” 15  Asi mupristi Jehoyadha akarayira vakuru vemazana,+ vaya vakagadzwa kuti vatungamirire uto, akati kwavari: “Mubvisei pakati pemauto, uye kana pakava neanomutevera, muurayei nebakatwa!” Nekuti mupristi akanga ati: “Musamuurayira muimba yaJehovha.” 16  Saka vakamubata, uye paakasvika paipinda nemabhiza muimba yamambo,*+ akaurayirwa ipapo. 17  Jehoyadha akabva aita kuti mambo nevanhu vaite sungano naJehovha,+ yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha, uye akaitawo kuti mambo aite sungano nevanhu.+ 18  Pashure paizvozvo, vanhu vese vemunyika yacho vakaenda kuimba* yaBhaari, vakaputsa atari dzake,+ uye vakapwanya-pwanya mifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho. Mupristi akabva agadza vatariri kuti vatungamirire imba yaJehovha.+ 19  Akatorawo vakuru vemazana,+ nevarindi veKariya, nevarindi vepamuzinda,+ nevanhu vese vemunyika yacho, kuti vaperekedze mambo kubva kuimba yaJehovha, uye vakasvika kuimba yamambo* nenzira yekugedhi revarindi vepamuzinda wamambo. Mambo akabva agara pachigaro chemadzimambo.+ 20  Saka vanhu vese vemunyika yacho vakafara chaizvo uye guta rakava nerunyararo, nekuti vakanga vauraya Atariya nebakatwa paimba yamambo. 21  Jehoashi+ aiva nemakore 7 paakava mambo.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “mbeu yese yeumambo.”
Kana kuti “sungano.”
ChiHeb., “nevevamhanyi.”
Kana kuti “muzinda wamambo.”
ChiHeb., “paanobuda nepaanopinda.”
Zvichida iri raiva gwaro raiva neMutemo waMwari.
Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
Kana kuti “kutemberi.”
Kana kuti “kumuzinda wamambo.”