Bhuku Rechipiri reMadzimambo 13:1-25

  • Jehoahazi, mambo weIsraeri (1-9)

  • Jehoashi, mambo weIsraeri (10-13)

  • Erisha anoedza Jehoashi kuti aone kuzvipira kwake (14-19)

  • Kufa kwaErisha; mapfupa ake anomutsa munhu (20, 21)

  • Uprofita hwaErisha hwekupedzisira hunozadziswa (22-25)

13  Mugore rechi23 raJehoashi+ mwanakomana waAhaziya+ mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu+ akava mambo weIsraeri muSamariya uye akatonga kwemakore 17.  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, uye akaramba achiita chivi chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Haana kuchirega.  Saka Jehovha akatsamwira+ vaIsraeri chaizvo,+ uye akavaisa muruoko rwaMambo Hazaeri+ weSiriya nemuruoko rwaBheni-hadhadhi+ mwanakomana waHazaeri mazuva avo ese.  Kwapera nguva, Jehoahazi akateterera Jehovha kuti amunzwire nyasha, uye Jehovha akamunzwa, nekuti akanga aona kudzvinyirirwa kwaiitwa Israeri namambo weSiriya.+  Saka Jehovha akapa vaIsraeri muponesi+ kuti avasunungure paudzvinyiriri hweSiriya, uye vaIsraeri vakanga vava kukwanisa kugara mumisha yavo sezvavaimboita.*  (Asi havana kurega chivi cheimba yaJerobhoamu chaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Vakaramba vachiita chivi ichi,* uye bango rinoyera*+ rakaramba rakamira muSamariya.)  Jehoahazi akasara neuto raingova nevatasvi vemabhiza 50, nengoro 10, nevarwi vaifamba netsoka 10 000, nekuti mambo weSiriya akanga avaparadza,+ akavatsika-tsika seguruva renguva yekupura.+  Kana iri nhoroondo yese yaJehoahazi, zvese zvaakaita uye simba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri?  Jehoahazi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muSamariya;+ uye mwanakomana wake Jehoashi akava mambo panzvimbo yake. 10  Mugore rechi37 raMambo Jehoashi weJudha, Jehoashi+ mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore 16. 11  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asingaregi zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga akonzera kuti vaIsraeri vaite.+ Akaramba achiita zvivi* izvi. 12  Kana iri nhoroondo yese yaJehoashi, zvese zvaakaita uye simba rake nekurwa kwaakaita naMambo Amaziya weJudha,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 13  Jehoashi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, Jerobhoamu*+ achibva agara pachigaro chake cheumambo. Uye Jehoashi akavigwa muSamariya pamwe chete nemadzimambo eIsraeri.+ 14  Erisha+ paakanga ava kurwara nechirwere chakazomuuraya, Jehoashi mambo weIsraeri akaenda kwaaiva, akachema akamutsamira achiti: “Baba vangu, baba vangu kani! Ngoro yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!”+ 15  Erisha akabva ati kwaari: “Tora uta nemiseve.” Saka akatora uta nemiseve. 16  Akabva ati kuna mambo weIsraeri: “Bata uta.” Saka akahubata, Erisha achibva aisa maoko ake pamaoko amambo. 17  Akabva ati: “Vhura hwindo rekumabvazuva.” Saka akarivhura. Erisha akati: “Pfura!” Saka akapfura. Akabva ati: “Museve waJehovha wekukunda,* iwo museve wekukunda Siriya! Iwe uchakunda Siriya kuAfeki+ kusvikira waiparadza.” 18  Akabva ati: “Tora miseve yacho,” iye akaitora. Akabva ati kuna mambo weIsraeri: “Pfura pasi.” Saka akapfura pasi katatu achibva arega. 19  Munhu waMwari wechokwadi akamutsamwira akati: “Waifanira kupfura kashanu kana katanhatu! Kudai wadaro waizokunda Siriya kusvikira waiparadza, asi zvino uchakunda Siriya katatu chete.”+ 20  Pashure paizvozvo Erisha akafa akavigwa. Kwaiva nemapoka evanhu vaipamba evaMoabhi+ aiuya munyika pakutanga kwegore.* 21  Vamwe varume pavakanga vachiviga mumwe murume, vakaona boka revapambi, saka vakakurumidza kukanda murume wacho muguva raErisha, vachibva vamhanya vachitiza. Murume wacho paakagumha mapfupa aErisha, akava mupenyu,+ akasimuka ndokumira. 22  Mambo Hazaeri+ weSiriya akadzvinyirira vaIsraeri+ mazuva ese aJehoahazi. 23  Asi Jehovha akavaitira nyasha nengoni,+ akavanzwira tsitsi achifunga sungano yaakaita naAbrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+ Haana kuda kuvaparadza, uye haana kuvarasa kusvikira nhasi. 24  Mambo Hazaeri weSiriya paakafa, mwanakomana wake Bheni-hadhadhi akava mambo panzvimbo yake. 25  Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akabva atorazve kubva kuna Bheni-hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atorera Jehoahazi baba vake muhondo. Jehoashi akamukunda katatu,+ akatorazve maguta eIsraeri.

Mashoko Emuzasi

Kureva, kugara murunyararo vasina chekutya.
ChiHeb., “Akafamba machiri.”
ChiHeb., “Akafamba muzvivi.”
Kureva, Jerobhoamu Wechipiri.
Kana kuti “weruponeso.”
ChiHeb., “pakuuya kwegore,” munofanira kunge maiva mumasutso.