Bhuku Rechipiri reMadzimambo 15:1-38

  • Azariya, mambo weJudha (1-7)

  • Madzimambo eIsraeri ekupedzisira: Zekariya (8-12), Sharumu (13-16), Menahemu (17-22), Pekahiya (23-26), Peka (27-31)

  • Jotamu, mambo weJudha (32-38)

15  Mugore rechi27 raMambo Jerobhoamu* weIsraeri, Azariya*+ mwanakomana waMambo Amaziya+ weJudha akava mambo.+  Aiva nemakore 16 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 52 muJerusarema. Amai vake vaiva vemuJerusarema uye vainzi Jekoriya.  Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amaziya.+  Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa,+ uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+  Jehovha akarova mambo nedenda, akaramba aine maperembudzi+ kusvikira pazuva raakafa. Aigara muimba yake ega,+ Jotamu+ mwanakomana wamambo achitungamirira imba,* achitonga vanhu vemunyika yacho.+  Kana iri nhoroondo yese yaAzariya,+ zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?  Azariya akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake,+ uye vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi, mwanakomana wake Jotamu achibva ava mambo panzvimbo yake.  Mugore rechi38 raMambo Azariya+ weJudha, Zekariya+ mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemwedzi 6.  Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake. Haana kurega zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 10  Sharumu mwanakomana waJabheshi akabva amupandukira, akamubaya+ kuIbreyamu.+ Pashure pekunge amuuraya, akava mambo panzvimbo yake. 11  Kana iri nhoroondo yese yaZekariya, yakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 12  Izvi zvakazadzisa shoko raJehovha raakaudza Jehu, achiti: “Zvizvarwa zvina zvevanakomana vako+ zvichagara pachigaro cheumambo chaIsraeri.”+ Uye izvozvo ndizvo zvakaitika. 13  Sharumu mwanakomana waJabheshi akava mambo mugore rechi39 raMambo Uziya+ weJudha, uye akatonga kwemwedzi wakazara muSamariya. 14  Menahemu mwanakomana waGadhi akabva kuTiza+ akauya kuSamariya, akabaya Sharumu+ mwanakomana waJabheshi muSamariya. Pashure pekunge amuuraya, akava mambo panzvimbo yake. 15  Kana iri nhoroondo yese yaSharumu nekupanduka kwaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 16  Panguva iyoyo Menahemu ndipo paakabva kuTiza akaparadza Tifsa nevanhu vese vaiva mairi nemunharaunda yayo, nekuti haina kumuvhurira magedhi ayo. Akaiparadza akabvarura matumbu evakadzi vemo vaiva nepamuviri. 17  Mugore rechi39 raMambo Azariya weJudha, Menahemu mwanakomana waGadhi akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwemakore 10 muSamariya. 18  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvese zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite,+ mazuva ake ese. 19  Mambo Puri+ weAsiriya akauya munyika yacho, uye Menahemu akapa Puri matarenda* 1 000 esirivha, achimubhadhara kuti amubatsire kusimbisa umambo hwake.+ 20  Menahemu akawana sirivha yacho nekubhadharisa varume vese vaikudzwa vakanga vakapfuma muIsraeri chitsama chaakavatemera.+ Akaita kuti murume mumwe nemumwe abvise mashekeri* 50 esirivha, akaapa mambo weAsiriya. Mambo weAsiriya akabva adzokera, haana kuramba ari munyika yacho. 21  Kana iri nhoroondo yese yaMenahemu,+ zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri? 22  Menahemu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake; uye mwanakomana wake Pekahiya akava mambo panzvimbo yake. 23  Mugore rechi50 raAzariya mambo weJudha, Pekahiya mwanakomana waMenahemu akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore maviri. 24  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 25  Mubatsiri wake Peka+ mwanakomana waRemariya akabva amupandukira, akamuurayira muSamariya mushongwe yaishandiswa senhare* iyo yaiva muimba yamambo, naAgobhu naAriye. Aiva nevarume 50 vekuGiriyedhi; uye pashure pekunge amuuraya akabva ava mambo panzvimbo yake. 26  Kana iri nhoroondo yese yaPekahiya, zvese zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 27  Mugore rechi52 raMambo Azariya weJudha, Peka+ mwanakomana waRemariya akava mambo weIsraeri muSamariya, uye akatonga kwemakore 20. 28  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kurega zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakakonzera kuti vaIsraeri vaite.+ 29  Mumazuva aMambo Peka weIsraeri, Mambo Tigrati-pireseri+ weAsiriya akapinda nechisimba akatora Ijoni, Abheri-bheti-maaka,+ Janoa, Kedheshi,+ Hazori, Giriyedhi,+ neGarireya, nyika yese yaNaftari,+ akatapa vagari vemo akaenda navo kuAsiriya.+ 30  Hoshea+ mwanakomana waEraa akabva apandukira Peka mwanakomana waRemariya, akamubaya, akamuuraya; uye akava mambo panzvimbo yake mugore rechi20 raJotamu+ mwanakomana waUziya. 31  Kana iri nhoroondo yese yaPeka, zvese zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eIsraeri. 32  Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemariya mambo weIsraeri, Jotamu+ mwanakomana waMambo Uziya+ weJudha akava mambo. 33  Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Amai vake vainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki.+ 34  Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uziya.+ 35  Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakanga vachiri kubayira nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+ Ndiye akavaka gedhi rekumusoro reimba yaJehovha.+ 36  Kana iri nhoroondo yese yaJotamu, zvinhu zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 37  Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiriya naPeka+ mwanakomana waRemariya kunorwisa Judha.+ 38  Jotamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi tateguru vake. Uye mwanakomana wake Ahazi akava mambo panzvimbo yake.

Mashoko Emuzasi

Kureva, Jerobhoamu Wechipiri.
Kureva kuti “Jehovha Abatsira.” Anonziwo Uziya pana 2Mad 15:13; 2Mak 26:1-23; Isa 6:1; uye Zek 14:5.
Kana kuti “muzinda.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.